< 2 Madzimambo 19 >
1 Mambo Hezekia akati achizvinzwa, akabvarura nguo dzake akafuka masaga akapinda mutemberi yaJehovha.
Kwasekusithi lapho inkosi uHezekhiya isizwile, yadabula izigqoko zayo, yazembesa ngesaka, yangena endlini yeNkosi.
2 Akatuma Eriakimi mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori navatungamiri vavaprista, vose vakapfeka masaga, kumuprofita Isaya mwanakomana waAmozi.
Yasithuma uEliyakhimi owayephezu kwendlu, loShebina umabhalane, labadala babapristi, bembeswe ngamasaka kuIsaya umprofethi indodana kaAmozi.
3 Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekia: Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nokunyadziswa, sezvinoita vana vasvika pakuzvarwa ipo pasina simba rokusununguka.
Basebesithi kuye: Utsho njalo uHezekhiya: Lolusuku lusuku lohlupho lolokusolwa lolokweyiswa; ngoba abantwana sebefikile emlonyeni wesizalo, kanti kakulamandla okubeletha.
4 Zvimwe Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko ose omukuru wavarwi, akatumwa natenzi wake, mambo weAsiria, kuzozvidza Mwari mupenyu, uye kuti azomutuka nokuda kwamashoko akanzwikwa naJehovha Mwari wenyu. Naizvozvo unyengeterere vakasara avo vachiri vapenyu.”
Mhlawumbe iNkosi uNkulunkulu wakho izakuzwa wonke amazwi kaRabi-Shake, inkosi yeAsiriya inkosi yakhe eyamthumayo, ukuthi aklolodele uNkulunkulu ophilayo; njalo izasola amazwi iNkosi uNkulunkulu wakho ewezwileyo: Ngakho phakamiselani insali etholakeleyo umkhuleko.
5 Vabati vaHezekia vakati vasvika kuna Isaya,
Izinceku zenkosi uHezekhiya zasezifika kuIsaya.
6 Isaya akati kwavari, “Udzai tenzi wenyu kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Usatya mashoko awakanzwa, mashoko andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.
UIsaya wasesithi kuzo: Lizakutsho njalo enkosini yenu: Utsho njalo uJehova: Ungesabi amazwi owezwileyo inceku zenkosi yeAsiriya ezingithuke ngawo.
7 Tarira, ndichaisa mweya maari wokuti paanonzwa mamwe mashoko, achadzokera kunyika yake, uye ndichaita kuti aurayiwe nomunondo ikoko.’”
Khangela, ngizafaka umoya kuyo, njalo izakuzwa ihungahunga, ibuyele elizweni layo; ngizayenza ukuthi iwe ngenkemba elizweni layo.
8 Mukuru wavatariri paakanzwa kuti mambo weAsiria akanga abva kuRakishi, akadzoka akabva akaenda akandowana mambo achirwa neRibhina.
URabi-Shake wasebuyela, wafica inkosi yeAsiriya isilwa imelene leLibhina; ngoba wayezwile ukuthi isisukile eLakishi.
9 Zvino Senakeribhi akagamuchira chiziviso chaiti Tirihaka, mambo weEtiopia akanga achifamba achiuya kuzorwa naye. Saka akatumazve nhume kuna Hezekia neshoko iri rokuti:
Kwathi isizwa ngoTirihaka inkosi yeEthiyophiya kuthiwa: Khangela, uphumile ukuyakulwa emelene lawe, yabuya yathuma izithunywa kuHezekhiya, isithi:
10 “Muti kuna Hezekia mambo weJudha: Musarega Mwari wamunovimba naye achikunyengedzai paanoti, ‘Jerusarema harizopiwa mumaoko amambo weAsiria.’
Lizakhuluma kanje kuHezekhiya inkosi yakoJuda, lithi: UNkulunkulu wakho omthembileyo kangakukhohlisi esithi: IJerusalema kayiyikunikelwa esandleni senkosi yeAsiriya.
11 Zvirokwazvo makanzwa zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose, vachidziparadza zvachose. Zvino imi mucharwirwa here?
Khangela, wena usuzwile ukuthi amakhosi eAsiriya enzeni kuwo wonke amazwe, ngokuwatshabalalisa. Wena-ke uzakhululwa yini?
12 Ko, vamwari vedzimwe ndudzi dzakaparadzwa namadzitateguru angu: vamwari veGozani, neHarani, neRezefi navanhu veEdheni vakanga vari muTeri Asari, vakavarwira here?
Onkulunkulu bezizwe bazikhululile yini, obaba abazichithayo, iGozani leHarani leRezefi labantwana bakaEdeni ababeseTelasari?
13 Ko, mambo weHamati aripi, namambo weAripadhi, namambo weguta reSefarivhaimi, weHena kana neIvha?”
Ingaphi inkosi yeHamathi, lenkosi yeArpadi, lenkosi yomuzi weSefavayimi, iHena, leIva?
14 Hezekia akagamuchira tsamba kubva kunhume uye akaiverenga. Ipapo akaenda kutemberi yaJehovha akaipetenura pamberi paJehovha.
UHezekhiya waseyemukela incwadi esandleni sezithunywa, wayibala, wasesenyukela endlini yeNkosi, uHezekhiya wayichaya phambi kweNkosi.
15 Uye Hezekia akanyengetera kuna Jehovha achiti, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, imi mugere pakati pamakerubhi, imi moga ndimi Mwari pamusoro poushe hwose hwapasi.
UHezekhiya wasekhuleka phambi kweNkosi, wathi: Nkosi, Nkulunkulu kaIsrayeli, ohlala phakathi kwamakherubhi, wena unguNkulunkulu, wena wedwa, wayo yonke imibuso yomhlaba; wena wenze amazulu lomhlaba.
16 Rerekerai nzeve, imi Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, imi Jehovha, muone; inzwai mashoko Senakeribhi aakatuma kuti azozvidza nawo Mwari mupenyu.
Nkosi, thoba indlebe yakho, uzwe, Nkosi, vula amehlo akho, ubone; uzwe amazwi kaSenakheribi amthume ngawo ukuklolodela uNkulunkulu ophilayo.
17 “Haiwa Jehovha, ichokwadi kuti madzimambo eAsiria akaparadza chose ndudzi idzi nenyika dzavo.
Qiniso, Nkosi, amakhosi eAsiriya azichithile izizwe lelizwe lazo,
18 Vakakanda vamwari vavo mumoto vakavaparadza, nokuti vakanga vasiri vamwari asi matanda chete namatombo, akaumbwa namaoko avanhu.
aphosela onkulunkulu bazo emlilweni; ngoba babengeyisibo onkulunkulu, kodwa umsebenzi wezandla zabantu, izigodo lamatshe; ngakho bababhubhisa.
19 Haiwa Jehovha Mwari wedu, zvino chitirwirai kubva muruoko rwake, kuitira kuti umambo hwose hwapanyika huzive kuti imi moga, ndimi Mwari.”
Ngakho-ke, Nkosi Nkulunkulu wethu, ngicela usisindise esandleni sakhe, ukuze yonke imibuso yomhlaba yazi ukuthi wena uyiNkosi uNkulunkulu, wena wedwa.
20 Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi akatuma shoko kuna Hezekia akati, “Zvanzi naJehovha: Mwari waIsraeri: Ndanzwa munyengetero wako pamusoro paSenakeribhi mambo weAsiria.
UIsaya indodana kaAmozi wasethumela kuHezekhiya esithi: Itsho njalo iNkosi, uNkulunkulu wakoIsrayeli: Lokho okukhuleke kimi mayelana loSenakheribi inkosi yeAsiriya ngikuzwile.
21 Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake: “‘Mhandara Mwanasikana weZioni anokushora uye anokuseka. Mwanasikana weJerusarema anogutsurira musoro uchitiza.
Yileli ilizwi iNkosi elikhulume mayelana laye: Intombi emsulwa, indodakazi yeZiyoni, iyakudelela, iyakuklolodela; indodakazi yeJerusalema inikina ikhanda ngemva kwakho.
22 Ndianiko wawakazvidza uye ukamhura? Wakasimudzira inzwi rako kuna aniko uye ukasimudza meso ako mukuzvikudza? Ndiye Mutsvene waIsraeri!
Ngubani omeyisileyo wamhlambaza? Njalo uphakamisele bani ilizwi, waphakamisela amehlo akho phezulu? Umelene loNgcwele kaIsrayeli.
23 Nenhume dzako wakaunganidza zvituko kuna Jehovha. Uye wakati, “Nengoro dzangu zhinji ndakakwira makomo marefu, nzvimbo refu refu dzeRebhanoni. Ndakatemera pasi misidhari yayo yakareba, nemipaini yayo yakaisvonaka. Ndakasvika kumasango ayo kure kure, masango ayo akanakisisa.
Ngesandla sezithunywa zakho uyeyisile iNkosi, wathi: Ngobunengi bezinqola zami ngenyuke indawo ephezulu yezintaba, inhlangothi zeLebhanoni. Ngizagamula imisedari yayo emide, lamafiri ayo akhethekileyo. Ngizangena endaweni yokuhlala yamaphethelo ayo, igusu eliminyeneyo.
24 Ndakachera matsime munyika yavatorwa, uye ndikanwa mvura ikoko. Netsoka dzangu ndakaomesa hova dzose dzeIjipiti.”
Mina ngagebha nganatha amanzi angaziwayo, langengaphansi yenyawo zami ngomisa yonke imifula yezindawo ezivinjelweyo.
25 “‘Hauna kunzwa here? Ndakazviita kare kare. Mumazuva akare ndakazvironga; zvino ndaita kuti zviitike, kuti wakashandura maguta akakomberedzwa akava murwi wamatombo.
Kawuzwanga yini ukuthi ngakwenza endulo, ngakubumba ensukwini zendulo. Khathesi ngikufikisile, ukuthi ube ngowokudiliza imizi evikelweyo ibe zinqumbi zamanxiwa.
26 Vanhu vawo, vakapedzwa simba, vakavhundutswa uye vakanyadziswa. Vakafanana nembesa dziri muminda, samabukira omuriwo mutete akasvibira, souswa huri pamusoro pemba, hwakatsva husati hwakura.
Ngakho abahlali bayo babelesandla esifitshane, besaba babe lenhloni, baba njengotshani beganga lemibhida eluhlaza, utshani bempahla, lamabele ahanguliweyo engakami.
27 “‘Asi ndinoziva paunogara, uye kwaunobva nokwaunoenda, uye kuti wakanditsamwira sei.
Kodwa ngiyakwazi ukuhlala kwakho lokuphuma kwakho lokungena kwakho lokungithukuthelela kwakho.
28 Nokuti wakanditsamwira uye kuzvikudza kwako kwasvika munzeve dzangu, ndichaisa chiredzo changu mumhino dzako, nematomhu angu mumuromo mako, uye ndichakuita kuti udzokere nenzira yawakauya nayo.’
Ngenxa yokungithukuthelela kwakho, lokuthi umsindo wakho wenyukele endlebeni zami, ngizafaka umkhala wami emakhaleni akho, letomu lami endebeni zakho, ngikwenze ubuyele ngendlela oweza ngayo.
29 “Ichi ndicho chichava chiratidzo chako, iwe Hezekia: “Gore rino uchadya zvinongomera zvoga, uye mugore rechipiri zvinobva muna izvozvo. Asi mugore rechitatu mudyare mugokohwa, mudyare mizambiringa uye mugodya michero yawo.
Lokhu-ke kuzakuba yisibonakaliso kuwe; lonyaka uzakudla okuzikhulelayo, langomnyaka wesibili umkhukhuzela, kuthi ngomnyaka wesithathu lihlanyele livune, lihlanyele izivini lidle izithelo zazo.
30 Uyezve vakasara veimba yaJudha vachadzika midzi pasi vagobereka michero pamusoro.
Lokuphephileyo kwendlu yakoJuda okuseleyo kuzaphinda kugxumeke impande phansi, kuthele izithelo ngaphezulu.
31 Nokuti muJerusarema muchabuda vakasara, uye muGomo reZioni muchabuda chikwata chavachapunyuka. Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose kuchazviita.
Ngoba kuzaphuma eJerusalema insali, lokuphephileyo entabeni yeZiyoni. Ukutshiseka kweNkosi yamabandla kuzakwenza lokhu.
32 “Naizvozvo, zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria: “‘Haazopindi muguta iri kana kupfura museve pano. Haangauyi mberi kwaro nenhoo, kana kurikomberedza negomo revhu;
Ngakho utsho njalo uJehova ngenkosi yeAsiriya: Kayiyikungena kulumuzi, kayiyikutshoka umtshoko khona, kayiyikuza phambi kwawo ilesihlangu, kayiyikubuthelela idundulu maqondana lawo.
33 Nenzira yaakauya nayo achadzokera, haazopindi muguta rino, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ngendlela eyeza ngayo, ngayo izabuyela, kayiyikungena kulo umuzi, itsho iNkosi.
34 Ndichadzivirira guta rino uye ndichariponesa, nokuda kwangu uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu.’”
Ngoba ngizawuvikela lumuzi ukuwusindisa, ngenxa yami, langenxa kaDavida inceku yami.
35 Usiku ihwohwo mutumwa waJehovha akaenda akauraya varume zviuru zana namakumi masere nezvishanu mumusasa wavaAsiria. Vanhu pavakati vachimuka mangwana acho, wanei heyo mitumbi yavakafa!
Kwasekusithi ngalobobusuku ingilosi yeNkosi yaphuma yatshaya enkambeni yamaAsiriya izinkulungwane ezilikhulu lamatshumi ayisificaminwembili lanhlanu. Lapho bevuka ekuseni kakhulu, khangela, bonke babeyizidumbu ezifileyo.
36 Saka Senakeribhi mambo weAsiria akaparadza musasa akadzokera kuNinevhe akandogarako.
Ngakho uSenakheribi inkosi yeAsiriya wasuka wahamba wabuyela, wahlala eNineve.
37 Rimwe zuva, paakanga achinamata mutemberi yamwari wake Nisiroki, vanakomana vake, Adhiramereki naSharezeri vakamuuraya nomunondo, vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni mwanakomana wake akamutevera paumambo.
Kwasekusithi ekhonza endlini kaNisiroki unkulunkulu wakhe, oAdrameleki loSharezeri amadodana akhe bamtshaya ngenkemba, bona baphephela elizweni leArarathi. UEsarihadoni indodana yakhe wasebusa esikhundleni sakhe.