< 2 Madzimambo 18 >

1 Mugore rechitatu raHoshea mwanakomana waEra Mambo weIsraeri, Hezekia mwanakomana waAhazi mambo weJudha akatanga kutonga.
Treće godine kraljevanja Hošee, sina Elina, u Izraelu, postao je judejskim kraljem Ezekija, sin Ahazov.
2 Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Abhiya mwanasikana waZekaria.
Bilo mu je dvadeset i pet godina kad se zakraljio. Kraljevao je dvadeset i devet godina u Jeruzalemu. Materi mu je bilo ime Abija, Zaharijina kći.
3 Akaita zvakanaka pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita baba vake Dhavhidhi.
Činio je što je pravo u očima Jahvinim, sasvim kao njegov otac David.
4 Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa matombo okunamata, uye akatema matanda aAshera. Akaputsa nyoka yendarira yakanga yaitwa naMozisi, nokuti kusvikira panguva iyoyo vaIsraeri vakanga vachipisira zvinonhuhwira kwairi. (Yakanga ichinzi Nehushitani.)
On je uklonio uzvišice, srušio je stupove, sasjekao je ašere i razbio zmiju od mjedi koju bijaše načinio Mojsije. Izraelci su joj sve do tada prinosili žrtve. Zvali su je Nehuštan.
5 Hezekia akanga achivimba naJehovha, Mwari waIsraeri. Kwakanga kusina akafanana naye pakati pamadzimambo ose eJudha, vakamutangira kana vakamutevera.
Pouzdavao se u Jahvu, Boga Izraelova. Ni prije njega ni poslije njega ne bijaše mu ravna među kraljevima judejskim.
6 Akanamatira kuna Jehovha uye haana kurega kumutevera; akachengeta mirayiro yakapiwa Mozisi naJehovha.
Prionuo je uz Jahvu i nikada se nije okrenuo od njega. Držao je sve zapovijedi što ih je Jahve dao preko Mojsija.
7 Uye Jehovha aiva naye; akabudirira pane zvose zvaakaita. Akamukira mambo weAsiria akasazomushandira.
I Jahve bijaše s njim, pomagaše ga u svim njegovim pothvatima. Pobunio se protiv asirskog kralja i nije mu više bio podložan.
8 Akakunda vaFiristia, kubva pachirindo chavarindi kusvikira kuguta rakakomberedzwa, zvichienda kuGaza nenyika yayo.
On je potukao Filistejce do Gaze, opustošio njihovo područje od stražarskih kula sve do utvrđenih gradova.
9 Mugore rechina ramambo Hezekia, iro raiva gore rechinomwe raHoshea mwanakomana waEra mambo weIsraeri, Sharimaneseri mambo weAsiria akaenda kundorwa neSamaria akarikunda.
Četvrte godine vladavine Ezekijine, a to je bila sedma godina kraljevanja izraelskog kralja Hošee, sina Elina, napade asirski kralj Salmanasar Samariju i opsjede je.
10 Pakupera kwamakore matatu vaAsiria vakaritora. Saka Samaria yakatorwa mugore rechitanhatu raMambo Hezekia, iro rakanga riri gore rechipfumbamwe raHoshea mambo weIsraeri.
Osvojio ju je nakon tri godine. Šeste godine Ezekijine vladavine, a devete godine izraelskog kralja Hošee, pala je Samarija.
11 Mambo weAsiria akavatapa akavaendesa kuAsiria akandovagarisa muHara, muGozani paRwizi rweHabhori nomumaguta avaMedhesi.
Asirski je kralj odveo Izraelce u sužanjstvo u Asiriju i naselio ih u Halahu, na Haboru, rijeci gozanskoj, i u medijskim gradovima.
12 Izvi zvakaitika nokuti vakanga vasina kuteerera Jehovha Mwari wavo, asi vakanga vadarika sungano yake nezvose zvakanga zvarayirwa naMozisi muranda waJehovha. Vakaramba kunzwa mirayiro kana kuiita.
Bijaše to stoga što nisu poslušali glas Jahve, Boga svoga, i što su prekršili njegov Savez i sve što im je naredio Mojsije, sluga Jahvin. Nisu ništa slušali niti vršili.
13 Mugore regumi namana rokutonga kwamambo Hezekia, Senakeribhi mambo weAsiria akarwisa maguta ose eJudha akakomberedzwa namasvingo akaatora.
Četrnaeste godine Ezekijina kraljevanja asirski kralj Sanherib napade utvrđene judejske gradove i osvoji ih.
14 Saka Hezekia mambo weJudha akatuma shoko kuna mambo weAsiria paRakishi achiti, “Ndakakanganisa hangu. Ibvai henyu kwandiri, uye ndicharipa zvose zvamuchareva kwandiri.” Mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo weJudha mutero wamazana matatu amatarenda esirivha namatarenda egoridhe makumi matatu.
Tada judejski kralj Ezekija poruči asirskom kralju u Lakiš: “Pogriješio sam! Obustavi svoje napade na me. Snosit ću sve što mi nametneš.” Asirski kralj zatraži od Ezekije, judejskog kralja, tri stotine talenata srebra i trideset talenata zlata.
15 Saka Hezekia akamupa sirivha yose yakawanikwa mutemberi yaJehovha nomumatura omumuzinda wamambo.
I dade Ezekija sve srebro što se našlo u Domu Jahvinu i u riznicama kraljevskog dvora.
16 Panguva iyoyo Hezekia mambo weJudha akabvisa goridhe raakanga afukidza naro makonhi nembiru dzamakonhi etemberi yaJehovha, akazvipa kuna mambo weAsiria.
U to je vrijeme Ezekija obio vrata i vratnice na Svetištu Jahvinu što ih bijaše pozlatio on sam, judejski kralj Ezekija, i posla to asirskom kralju.
17 Mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wavabati uye nomukuru wavatariri, nehondo huru, kubva kuRakishi kuti vaende kuna mambo Hezekia kuJerusarema. Vakakwira kuJerusarema vakamira pamugero weDziva roKumusoro, mumugwagwa unoenda kuMunda woMusuki.
Asirski je kralj poslao iz Lakiša u Jeruzalem kralju Ezekiji vrhovnog zapovjednika vojske, velikog dvoranina i peharnika s jakom vojskom. Krenuše oni, a kad su stigli u Jeruzalem, stadoše kod vodovoda Gornjeg ribnjaka, na putu u Valjarevo polje.
18 Vakadana mambo; uye Eriakimi mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakabuda vakaenda kwavari.
Oni pozvaše kralja. Pred njim je izašao upravitelj dvora Elijakim, sin Hilkijin, pisar Šebna i savjetnik Joah, sin Asafov.
19 Mukuru wavatariri akati kwavari, “Udzai Hezekia kuti: “‘Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria: Chaunovimba nacho chii?
Veliki peharnik reče im: “Kažite Ezekiji: 'Ovako veli veliki kralj, kralj asirski: kakvo je to pouzdanje u koje se uzdaš?
20 Unoti unogona kuronga uye une simba rokurwa, asi uri kungotaura mashoko asingazari mukombe. Uri kuvimba naaniko, kuti undimukire?
Misliš li da su prazne riječi već savjet i snaga za rat? U koga se uzdaš da si se pobunio protiv mene?
21 Tarira zvino, wakasendamira paIjipiti, uya mudonzvo werutsanga rwakatsemuka runobaya ruoko rwomunhu ruchimupa ronda kana asendamira parwuri! Ndizvo zvakaita Faro mambo weIjipiti kuna vose vanosendamira paari.
Eto, oslanjaš se na Egipat, na slomljenu trsku koja probada i prodire dlan onomu tko se na nju nasloni. Takav je faraon, kralj egipatski, svima koji se uzdaju u njega.'
22 Asi kana ukati kwandiri, “Tinovimba naJehovha Mwari wedu,” ko, haazi iye ane matunhu akakwirira nearitari dzakabviswa naHezekia, achiti kuJudha neJerusarema, “Munofanira kunamata pamberi pearitari iyi muJerusarema here?”
Možda ćete mi odgovoriti: 'Uzdamo se u Jahvu, Boga svojega.' Ali nije li njemu Ezekija uklonio uzvišice i žrtvenike i zapovjedio Judejcima i Jeruzalemu: 'Samo se pred ovim žrtvenikom u Jeruzalemu klanjajte.'
23 “‘Chiuya zvino, uite chitsidzo natenzi wangu, mambo weAsiria. Ndichakupa zviuru zviviri zvamabhiza, kana uchigona kuisa vatasvi pamusoro pawo!
Hajde, okladi se s mojim gospodarom, asirskim kraljem: dat ću ti dvije tisuće konja ako mogneš naći jahače za njih!
24 Ungagona seiko kukunda mumwe wamachinda madiki atenzi wangu kunyange dai uchivimba neIjipiti kuti uchapiwa ngoro navatasvi vamabhiza?
Kako ćeš onda odoljeti jednome jedinom od najmanjih slugu moga gospodara? Ali se ti uzdaš u Egipat da će ti dati kola i konjanika.
25 Pamusoro pezvo, handina kuuya kuzorwa nokuparadza nzvimbo ino ndisina shoko rinobva kuna Jehovha here? Jehovha pachake akandiudza kuti ndiuye kuzorwisa nyika uye ndiiparadze.’”
Naposljetku, zar sam ja mimo volju Jahvinu krenuo protiv ovoga mjesta da ga razorim? Sam mi je Jahve rekao: 'Idi na tu zemlju i razori je!'”
26 Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, naShebhina naJoa vakati kumukuru wavatariri, “Tapota, taurai kuvaranda venyu norurimi rwechiAramu sezvo tichirunzwa. Musataura nesu nechiHebheru vanhu vari parusvingo vachizvinzwa.”
Elijakim, Šebna i Joah rekoše velikom peharniku: “Molimo te, govori svojim slugama aramejski, jer mi razumijemo; ne govori s nama judejski da čuje narod koji je na zidinama!”
27 Asi mukuru wehondo akapindura akati, “Ko, ndakatumwa natenzi wangu kuna tenzi wako nokwauri chete here kuti nditaure mashoko aya ndisingatauri kuvarume vagere parusvingo, ivo pamwe chete newe vanofanira kudya tsvina yavo nokunwa mvura yemiviri yavo?”
Ali im veliki peharnik odgovori: “Zar me moj gospodar poslao da ovo kažem tvome gospodaru i tebi, a ne upravo onim ljudima koji sjede na zidinama, osuđeni da s vama jedu svoju nečist i piju svoju mokraću?”
28 Ipapo mukuru wehondo akasimuka akadanidzira norurimi rwechiHebheru achiti, “Inzwai shoko ramambo mukuru, mambo weAsiria!
Tada se veliki peharnik uspravi i u sav glas povika na judejskom ove riječi: “Čujte riječ velikoga kralja, kralja asirskog!
29 Zvanzi namambo: Musarega Hezekia achikunyengerai. Haagoni kukudzikinurai kubva muruoko rwangu
Ovako veli kralj: 'Neka vas Ezekija ne zavarava, jer vas ne može izbaviti iz moje ruke.
30 Musarega Hezekia achikukurudzirai kuti muvimbe naJehovha paanoti, ‘Zvirokwazvo Jehovha achatirwira; guta rino harizopiwi muruoko rwamambo weAsiria.’
Neka vas Ezekija ne hrabri pouzdanjem u Jahvu govoreći: Jahve će nas sigurno izbaviti, ovaj grad neće pasti u ruke kralju asirskom.'
31 “Musateerera Hezekia. Zvanzi namambo weAsiria: Itai rugare neni mugouya kuno kwandiri. Ipapo mumwe nomumwe wenyu achadya zvinobva pamuzambiringa wake napamuonde wake, uye achanwa mvura inobva muchirongo chake,
Ne slušajte Ezekije, jer ovako veli asirski kralj: 'Sklopite mir sa mnom, predajte mi se, pa neka svaki od vas jede plodove iz svoga vinograda i sa svoje smokve i neka pije vode iz svojega studenca
32 kusvikira ndauya ndikakutorai ndigokuisai kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zvokudya newaini itsva, nyika yechingwa neminda yemizambiringa, nyika yemiti yemiorivhi nouchi. Sarudzai upenyu kwete rufu! “Musateerera Hezekia, nokuti anokutsausai kana akati, ‘Jehovha achatirwira.’
dok ne dođem i ne odvedem vas u zemlju kao što je vaša, u zemlju pšenice i mošta, u zemlju kruha i vinograda, u zemlju ulja i meda da biste živjeli i da ne pomrete. Ne dajte da vas Ezekija zaludi govoreći vam: Jahve će vas izbaviti.'
33 Pana mwari wenyika ipi zvayo akamborwira nyika yake kubva muruoko rwamambo weAsiria?
Jesu li bogovi drugih naroda izbavili svoje zemlje iz ruku asirskoga kralja?
34 Vamwari veHamati neveAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi, neHena neIvha varipi? Vakanunura Samaria muruoko rwangu here?
Gdje su bogovi hamatski i arpadski, gdje su bogovi sefarvajimski, henski i ivski, gdje su bogovi samarijski da izbave Samariju iz ruke moje?
35 Ndiani wavamwari vose venyika idzi akagona kuponesa nyika yake kubva kwandiri? Zvino Jehovha achanunura Jerusarema sei kubva muruoko rwangu?”
Koji su među svim bogovima tih zemalja izbavili svoju zemlju iz moje ruke da bi Jahve izbavio Jeruzalem iz ruke moje?”
36 Asi vanhu vakaramba vakanyarara vakasataura chinhu, nokuti mambo akanga arayira akati, “Musamupindura.”
Šutjeli su i ni riječi mu nisu odgovorili, jer kralj bijaše zapovjedio: “Ne odgovarajte mu!”
37 Ipapo Eriakimi mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakaenda kuna Hezekia, nenguo dzavo dzakabvaruka, vakamuudza zvakanga zvataurwa nomukuru wavarwi.
Upravitelj dvora Elijakim, sin Hilkijin, pisar Šebna i savjetnik Joah, sin Asafov, dođoše k Ezekiji, razdrijevši haljine, i saopćiše mu riječi velikoga peharnika

< 2 Madzimambo 18 >