< 2 Madzimambo 11 >

1 Ataria mai vaAhazia vakati vaona kuti mwanakomana wavo akanga afa, vakapfuurira mberi nokuparadza veimba youmambo vose.
茲にアハジアの母アタリヤその子の死たるを見て起て王の種を盡く滅したりしが
2 Asi Jehoshebha, mwanasikana waMambo Jehoramu nehanzvadzi yaAhazia, vakatora Joashi mwanakomana waAhazia ndokumuba kubva pakati pavana voumambo, vakanga vava pedyo nokuurayiwa. Akamuisa muimba yake yokurara nomureri wake achimuvanza kubva pana Ataria; saka haana kuurayiwa.
ヨラム王の女にしてアハジアの姉妹なるヱホシバといふ者アハジアの子ヨアシを王の子等の殺さるる者の中より竊みとり彼とその乳母を夜着の室にいれて彼をアタリヤに匿したれば終にころされざりき
3 Akagara akavigwa iye nomureri wake mutemberi yaJehovha kwamakore matanhatu, Ataria achiri kutonga nyika.
ヨアシは彼とともに六年ヱホバの家に隱れてをりアタリヤ國を治めたり
4 Mugore rechinomwe Jehoyadha akatuma vatungamiri vezvikwata zvezana, navarindi akaita kuti vauyiswe kwaari kutemberi yaJehovha. Akaita sungano navo akavaitisa mhiko mutemberi yaJehovha. Ipapo akavaratidza mwanakomana wamambo.
第七年にいたりヱホヤダ人を遣して近衛兵の大將等を招きよせヱホバの家にきたりて己に就しめ彼等と契約を結び彼らにヱホバの家にて誓をなさしめて王の子を見し
5 Akavarayira akati, “Izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Imi muri mumapoka matatu ari kuenda pabasa nomusi weSabata, chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chenyu chinofanira kurinda muzinda wamambo,
かれらに命じて言ふ汝等がなすべき事は是なり汝等安息日に入きたる者は三分の一は王の家をまもり
6 chikamu chimwe chete kubva muzvitatu paSuo reSuri, uye chikamu chimwe chete kubva muzvitatu pasuo riri seri kwomurindi, anoita madzoro okurinda temberi,
三分の一はスル門にをり三分の一は近衛兵の後の門にをるべし斯なんぢら宮殿をまもりて人をいるべからず
7 uye imi vari mune mamwe mapoka maviri anochizorora musi weSabata, mose munofanira kurinda temberi muchiitira mambo.
また凡て汝等安息日に出ゆく者はその二手ともにヱホバの家において王をまもるべし
8 Mugare makakomba mambo, murume mumwe nomumwe akabata chombo muruoko rwake. Ani naani anosvika panzvimbo dzenyu anofanira kufa. Mugare pedyo namambo kwose kwose kwaanoenda.”
すなはち汝らおのおの武器を手にとりて王を環て立べし凡てその列を侵す者をば殺すべし汝等又王の出る時にも入る時にも王とともにをるべし
9 Vatungamiri vezvikwata zvezana vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehoyadha muprista. Mumwe nomumwe akatora vanhu vake, vaya vakanga vachienda pabasa nomusi weSabata navaya vakanga vapedza dzoro vakauya kuna Jehoyadha muprista.
是においてその將官等祭司ヱホヤダが凡て命ぜしごとくにおこなへり即ちかれらおのおの其手の人の安息日に入くべき者と安息日に出ゆくべき者とを率て祭司ヱホヤダに至りしかば
10 Ipapo akapa vakuru vehondo mapfumo nenhoo zvaimbova zvaMambo Dhavhidhi zvaiva mutemberi yaJehovha.
祭司はヱホバの殿にあるダビデ王の槍と楯を大將等にわたせり
11 Varindi vakagara vakakomba mambo pedyo nearitari netemberi, mumwe nomumwe akabata chombo muruoko rwake, kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwezasi rwetemberi.
近衛兵はおのおの手に武器をとりて王の四周にをり殿の右の端より左の端におよびて壇と殿にそひて立つ
12 Jehoyadha akabudisa mwanakomana wamambo uye akadzika korona mumusoro wake; akamupa rugwaro rwesungano uye akamuita mambo. Vakamuzodza, vanhu vakauchira maoko avo uye vakadanidzira vakati, “Mambo ngaararame nokusingaperi!”
ヱホヤダすなはち王子を進ませて之に冠冕をいただかせ律法をわたし之を王となして之に膏をそそぎければ人衆手を拍て王長壽かれと言り
13 Ataria akati anzwa mheremhere yaiitwa navarindi uye navanhu, akaenda kuvanhu patemberi yaJehovha.
茲にアタリヤ近衛兵と民の聲を聞きヱホバの殿にいりて民の所にいたり
14 Akatarira ndokuona hoyo mambo, akamira pambiru, saiyo yaiva tsika yacho. Vakuru navaridzi vehwamanda vakanga vari parutivi rwamambo, uye vanhu vose venyika vakanga vachifara vachiridza hwamanda. Ipapo Ataria akabvarura nguo dzake akadanidzira achiti, “Vandimukira! Vandimukira!”
見るに王は常例のごとくに高座の上に立ち其傍に大將等と喇叭手立をり又國の民みな喜びて喇叭を吹をりしかばアタリヤ其衣を裂て反逆なり反逆なりと叫べり
15 Jehoyadha muprista akarayira vatungamiri vezvikwata zvezana, vaitungamirira mauto akati: “Mubudisei kunze nechapakati pemisara mugouraya ani naani anomutevera.” Nokuti muprista akanga ati, “Haafaniri kuurayirwa mutemberi yaJehovha.”
時に祭司ヱホヤダ大將等と軍勢の士官等に命じてこれに言ふ彼をして列の間をとほりて出しめよ彼に從がふ者をば劍をもて殺せと前にも祭司は彼をヱホバの家に殺すべからずと言おけり
16 Naizvozvo vakamubata paakasvika panzvimbo yaipinda namabhiza pamuzinda, vakamuurayira ipapo.
是をもて彼のために路をひらきければ彼王の家の馬道をとほりゆきしが遂に其處に殺されぬ
17 Ipapo Jehoyadha akaita sungano pakati paJehovha namambo uye navanhu kuti vaizova vanhu vaJehovha. Akaitawo sungano pakati pamambo navanhu.
斯てヱホヤダはヱホと王と民の間にその皆ヱホバの民とならんといふ契約を立しめたり亦王と民の間にもこれを立しめたり
18 Vanhu vose venyika vakaenda kutemberi yaBhaari vakaiputsira pasi. Vakaputsa aritari dzezvifananidzo uye vakaurayawo Matani, muprista waBhaari, pamberi pearitari. Ipapo Jehoyadha muprista akagadza varindi patemberi yaJehovha.
是をもて國の民みなバアルの家にいりてこれを毀ちその壇とその像を全く打碎きバアルの祭司マツタンをその壇の前に殺せり而して祭司ヱホバの家に監督者を設けたり
19 Akatora vatungamiri vamazana, navaKari, navarindi uye vanhu vose venyika, vakaburutsa mambo kubva kutemberi yaJehovha vakaenda naye kumuzinda pamwe chete, vakapinda nokusuo ravarindi. Ipapo mambo akatora nzvimbo yake pachigaro choushe,
ヱホヤダすなはち大將等と近衛兵と國の諸の民を率てヱホバの家より王をみちびき下り近衛兵の門の途よりして王の家にいたり王の位に坐せしめたり
20 vanhu vose venyika vakafara. Guta rakanyarara, nokuti Ataria akanga aurayiwa nomunondo pamuzinda.
斯有しかば國の民はみな喜びて邑は平穩なりきアタリヤは王の家に殺されぬ
21 Joashi akanga ana makore manomwe paakatanga kutonga.
ヨアシは位に即し時七歳なりき

< 2 Madzimambo 11 >