< 2 Madzimambo 10 >

1 Zvino muSamaria maiva navanakomana vaAhabhu makumi manomwe. Saka Jehu akanyora matsamba akatumira kuSamaria achiti: kuvabati veJezireeri, kuvakuru navachengeti vavana vaAhabhu. Akati,
Now Ahab had seventy sons in Samaria. Jehu wrote letters, and sent to Samaria, to the rulers of the city, even the elders, and to the guardians of the sons of Ahab, saying,
2 “Panongosvika tsamba iyi kwamuri, sezvo vana vatenzi wenyu vanemi uye ngoro namabhiza munazvo, guta rakakombwa uye nezvombo,
"Now as soon as this letter comes to you, since your master's sons are with you, and there are with you chariots and horses, fortified cities also, and weapons.
3 sarudzai mwanakomana watenzi wenyu akanaka, uye anokudzwa kukunda vose mugomugadza pachigaro choushe chababa vake. Ipapo mugorwira imba yatenzi wenyu.”
Select the best and fittest of your master's sons, set him on his father's throne, and fight for your master's house."
4 Asi vakavhunduka vakati, “Kana madzimambo maviri asina kumukunda, isu tingamugona seiko?”
But they were exceedingly afraid, and said, "Look, the two kings did not stand before him. How then shall we stand?"
5 Naizvozvo mutariri wapamuzinda, nomukuru weguta, navakuru navareri vakatuma shoko kuna Jehu vakati, “Tiri varanda venyu uye tichaita zvose zvamunoreva. Hatichagadzi ani zvake kuti ave mambo; imi itai zvose zvamunofunga kuti zvakanaka.”
He who was over the household, and he who was over the city, the elders also, and those who raised the children, sent to Jehu, saying, "We are your servants, and will do all that you ask us. We will not make any man king. You do that which is good in your eyes."
6 Ipapo Jehu akavanyorerazve tsamba yechipiri akati, “Kana muri kurutivi rwangu uye muchizonditeerera, uyai nemisoro yavanakomana vatenzi wenyu kwandiri muJezireeri nenguva ino mangwana.” Zvino machinda amambo, makumi manomwe, vakanga vane varume vaitungamirira guta, vaiva vachengeti vavo.
Then he wrote a letter the second time to them, saying, "If you are on my side, and if you will listen to my voice, take the heads of the men your master's sons, and come to me to Jezreel by tomorrow this time." Now the king's sons, being seventy persons, were with the great men of the city, who brought them up.
7 Tsamba yakati yasvika kwavari, varume ava vakatora vanakomana vamambo vakavauraya vose vari makumi manomwe. Vakaisa misoro yavo mumatengu vakaitumira kuna Jehu muJezireeri.
It happened, when the letter came to them, that they took the king's sons, and killed them, even seventy persons, and put their heads in baskets, and sent them to him to Jezreel.
8 Nhume yakati yasvika, yakaudza Jehu kuti, “Vauya nemisoro yavanakomana vamambo.” Ipapo Jehu akavarayira akati, “Irongei mumirwi miviri pasuo reguta kusvikira mangwana.”
A messenger came, and told him, "They have brought the heads of the king's sons." He said, "Lay them in two heaps at the entrance of the gate until the morning."
9 Fume mangwana Jehu akamuka akabuda. Akamira pamberi pavanhu vose akati kwavari, “Imi hamuna mhosva. Ndini ndakamukira tenzi wangu ndikamuuraya, asi ndiani auraya ava vose?
It happened in the morning, that he went out, and stood, and said to all the people, "You are righteous. Look, I conspired against my master, and killed him; but who struck all these?
10 Muzive zvino kuti hakuna shoko rakataurwa naJehovha pamusoro peimba yaAhabhu richawira pasi. Jehovha aita zvaakavimbisa kubudikidza nomuranda wake Eria.”
Know now that nothing shall fall to the earth of the word of YHWH, which YHWH spoke concerning the house of Ahab. For YHWH has done that which he spoke by his servant Elijah."
11 Saka Jehu akauraya vose vakasara veimba yaAhabhu vaiva muJezireeri, namakurukota ake ose, neshamwari dzake dzepedyo navaprista, akasamusiyira mupenyu.
So Jehu struck all that remained of the house of Ahab in Jezreel, with all his great men, his familiar friends, and his priests, until he left him none remaining.
12 Zvino Jehu akasimuka akananga kuSamaria. Paimba yaiveurirwa makwai navafudzi,
He arose and departed, and went to Samaria. As he was at Beth Eked of the Shepherds on the way,
13 akasangana nehama dzaAhazia mambo weJudha akavabvunza akati, “Ndimi vanaaniko?” Ivo vakati, “Tiri hama dzaAhazia, tauya kuzokwazisa mhuri dzamambo nedzamambokadzi.”
Jehu met with the brothers of Ahaziah king of Judah, and said, "Who are you?" They answered, "We are the brothers of Ahaziah. We are going down to greet the children of the king and the children of the queen."
14 Akarayira akati, “Vatorei vari vapenyu!” Naizvozvo vakavatora vari vapenyu vakandovauraya patsime rapaimba yaiveurirwa makwai, varume makumi mana navaviri. Haana kusiya mupenyu.
He said, "Take them alive." They took them alive, and killed them at the pit of the shearing house, even forty-two men. He did not leave any of them.
15 Abva ikoko, akasangana naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi, akanga ari munzira kuzosangana naye. Jehu akamukwazisa akati, “Unondifarira here, sokufarira kwandinokuita.” Jehonadhabhi akati, “Hongu.” Jehu akati, “Kana zviri izvo ndipe ruoko rwako.” Akaita saizvozvo, Jehu akamukwidza mungoro.
When he had departed from there, he met Jehonadab the son of Rechab coming to meet him. He greeted him, and said to him, "Is your heart right, as my heart is with your heart?" Jehonadab answered, "It is." And he said, "If it is, give me your hand." He gave him his hand; and he took him up to him into the chariot.
16 Jehu akati kwaari, “Uya uone kushingairira kwangu Jehovha.” Ipapo akafamba naye mungoro yake.
He said, "Come with me, and see my zeal for YHWH." So he made him ride in his chariot.
17 Jehu akati asvika kuSamaria, akauraya vakasara vose veimba yaAhabhu; akavaparadza, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha kuna Eria.
When he came to Samaria, he struck all who remained to Ahab in Samaria, until he had destroyed him, according to the word of YHWH, which he spoke to Elijah.
18 Ipapo Jehu akaunganidza vanhu vose pamwe chete akati kwavari, “Ahabhu akashumira Bhaari zvishoma; Jehu achamushumira zvakanyanya.
Jehu gathered all the people together, and said to them, "Ahab served Baal a little; but Jehu will serve him much.
19 Zvino chikokai vaprofita vose vaBhaari, navashumiri vake vose. Muone kuti hapana anosara, nokuti ndiri kuzoita chibayiro chikuru chaBhaari. Ani naani achatadza kuuya haangararami.” Asi Jehu akanga achivanyengera achiitira kuti aparadze vashumiri vaBhaari.
Now therefore call to me all the prophets of Baal, all of his worshippers, and all of his priests. Let none be absent; for I have a great sacrifice to Baal. Whoever is absent, he shall not live." But Jehu did it in subtlety, intending that he might destroy the worshippers of Baal.
20 Jehu akati, “Danidzirai ungano yokuremekedza Bhaari.” Naizvozvo vakadanidzira.
Jehu said, "Sanctify a solemn assembly for Baal." They proclaimed it.
21 Ipapo akatuma shoko muIsraeri mose, vashumiri vose vaBhaari vakauya; hapana kana mumwe chete akasara. Vakatsikirirana mutemberi yaBhaari kusvikira yazara kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe.
Jehu sent through all Israel; and all the worshippers of Baal came, so that there was not a man left that did not come. They came into the house of Baal; and the house of Baal was filled from one end to another.
22 Zvino Jehu akati kumuchengeti wezvipfeko, “Uya nenguo dzavashumiri vaBhaari.” Naizvozvo akavavigira nguo.
He said to him who was over the vestry, "Bring out robes for all the worshippers of Baal." He brought robes out to them.
23 Ipapo Jehu naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakapinda mutemberi yaBhaari. Jehu akati kuvashumiri vaBhaari, “Tarirai muone kuti pakati penyu hapana varanda vaJehovha vari pano nemi, asi vashumiri vaBhaari chete.”
Jehu went with Jehonadab the son of Rechab into the house of Baal. Then he said to the worshippers of Baal, "Search, and look that there are here with you none of the servants of YHWH, but the worshippers of Baal only."
24 Naizvozvo vakapinda kundobayira zvibayiro nezvipiriso zvinopiswa. Zvino Jehu akanga amisa panze varume makumi masere neyambiro yokuti: “Kana mumwe wenyu akarega mumwe wavarume ava vandaisa mumaoko enyu achipunyuka, zvichareva kuti iye achamufira.”
They went in to offer sacrifices and burnt offerings. Now Jehu had appointed him eighty men outside, and said, "If any of the men whom I bring into your hands escape, he who lets him go, his life shall be for the life of him."
25 Jehu akati achangopedza kuita chipiriso chinopiswa, akabva arayira varindi navakuru akati, “Pindai mukati munovauraya; ngaparege kuva neanopunyuka.” Naizvozvo vakavauraya nomunondo. Varindi navakuru vakakanda zvitunha zvavo kunze uye vakapinda munhare yomukati metemberi yaBhaari.
It happened, as soon as he had made an end of offering the burnt offering, that Jehu said to the guard and to the captains, "Go in, and kill them. Let none escape." They struck them with the edge of the sword; and the guard and the captains cast them out, and went to the city of the house of Baal.
26 Vakabudisa dombo rinoera kunze kwetemberi yaBhaari vakaripisa.
They brought out the pillar that was in the house of Baal, and burned it.
27 Vakaparadza dombo rinoera raBhaari vakaputsa temberi yaBhaari, uye vanhu vakaishandisa sechimbuzi kusvikira nhasi.
They broke down the pillar of Baal, and broke down the house of Baal, and made it a latrine, to this day.
28 Naizvozvo Jehu akaparadza chinamato chaBhaari muIsraeri.
Thus Jehu destroyed Baal out of Israel.
29 Kunyange zvakadaro, haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti vaIsraeri vaite, nokunamata mhuru yegoridhe paBheteri napaDhani.
However from the sins of Jeroboam the son of Nebat, with which he made Israel to sin, Jehu did not depart from after them, the golden calves that were in Bethel, and that were in Dan.
30 Jehovha akati kuna Jehu, “Nokuti wakaita zvakanaka mukuzadzisa izvo zvakarurama pamberi pangu uye ukaita kuimba yaAhabhu zvose zvandaiva nazvo mupfungwa kuti ndiite, vana vako vachagara pachigaro choushe cheIsraeri kusvikira kuchizvarwa chechina.”
YHWH said to Jehu, "Because you have done well in executing that which is right in my eyes, and have done to the house of Ahab according to all that was in my heart, your descendants of the fourth generation shall sit on the throne of Israel."
31 Asi Jehu haana kuchenjerera kuchengeta murayiro waJehovha, Mwari waIsraeri, nomwoyo wake wose. Haana kutsauka kubva pazvivi zvaJerobhoamu, zvaakanga aita kuti Israeri iite.
But Jehu took no heed to walk in the law of YHWH, the God of Israel, with all his heart. He did not depart from the sins of Jeroboam, with which he made Israel to sin.
32 Mumazuva iwayo Jehovha akatanga kutapudza vaIsraeri. Hazaeri akakurira vaIsraeri munyika yavo yose
In those days YHWH began to cut off from Israel; and Hazael struck them in all the borders of Israel;
33 kumabvazuva eJorodhani munyika yose yeGireadhi (dunhu raGadhi, neraRubheni neraManase), kubva kuAreori nepaMupata weAnoni zvichipfuura nomuGireadhi kusvikira kuBhashani.
from the Jordan eastward, all the land of Gilead, the Gadites, and the Reubenites, and the Manassites, from Aroer, which is by the Valley of the Arnon, even Gilead and Bashan.
34 Zvino mamwe mabasa okutonga kwaJehu, nezvose zvaakaita, uye nokubudirira kwake kwose, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?
Now the rest of the acts of Jehu, and all that he did, and all his might, aren't they written in the book of the chronicles of the kings of Israel?
35 Jehu akazorora namadzibaba ake akavigwa muSamaria. Jehoahazi mwanakomana wake akamutevera paumambo.
Jehu slept with his fathers; and they buried him in Samaria. Jehoahaz his son reigned in his place.
36 Jehu akabata ushe pamusoro peIsraeri muSamaria kwamakore makumi maviri namasere.
The time that Jehu reigned over Israel in Samaria was twenty-eight years.

< 2 Madzimambo 10 >