< 2 Johani 1 >
1 Mukuru, kumudzimai akasanangurwa navana vake, vandinoda muchokwadi, uye kwete ini ndoga, asiwo navose vanoziva chokwadi,
我長老致書給蒙選的主母和她的子女,就是我在真理內所愛的,不但我一個人,而且也是所有認識真理的人所愛的;
2 nokuda kwechokwadi chinogara matiri uye chichava nesu nokusingaperi: (aiōn )
這愛的因由,就是那存在我們內,並永遠與我們同在的真理。 (aiōn )
3 Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, zvichava nesu muchokwadi nomurudo.
願恩寵、仁愛與平安由天主父及天父之子耶穌基督,在真理與愛情內與我們同在。
4 Zvakandifadza zvikuru kuwana vamwe vana venyu vachifamba muchokwadi, sezvatakarayirwa naBaba.
我很喜歡,因為我遇見了你的一些子女,照我們由天父所領受的命令,在真理內生活。
5 Uye zvino, mai, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi iwo watakanzwa kubva pakutanga. Ndinokumbira kuti tidanane.
主母,我現在請求你,我們應該彼此相愛;這不是我寫給你的一條新命令,而是我們從起初就有的命令。
6 Uye urwu ndirwo rudo: kuti tifambe mukuteerera mirayiro yake. Sezvamakanzwa kubva pakutanga, murayiro wake ndewokuti mufambe murudo.
我們按照他的命令生活,這就是愛;你們應在愛中生活,這就是那命令,正如你們從起初聽過的。
7 Vanyengeri vazhinji, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya munyama, vakapinda munyika. Munhu akadaro ndiye munyengeri naandikristu.
的確,有許多迷惑人的,來到了世界上,他們不承認耶穌基督是在肉身內降世的;這樣的人就是迷惑人的,就是假基督。
8 Muchenjere kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira, asi kuti mugopiwa mubayiro wakakwana.
你們要謹慎,不要喪失你們勞苦所得的,反要領受圓滿的賞報。
9 Mumwe nomumwe anomhanya mberi asingarambiri mudzidziso yaKristu haana Mwari; ani naani anorambira mukudzidzisa kwaKristu ana Baba noMwanakomana.
凡是越規而不存在基督道理內的,就沒有天主;那存在這道理內的,這人有父也有子。
10 Kana munhu akauya kwamuri uye asingauyi nedzidziso iyi, musamupinza mumba menyu kana kumugamuchira.
若有人來到你們中,不帶著這個道理,你們不要接他到家中,也不要向他請安,
11 Ani naani anomugamuchira anogovana naye mubasa rake rakaipa.
因為誰若向他請安,就是有分於他的邪惡工作。
12 Ndine zvizhinji zvokukunyorerai, asi handidi kushandisa pepa neingi. Asi, ndine tariro yokukushanyirai ndigotaura nemi chiso nechiso, kuti mufaro wedu uzadziswe.
雖然我還有許多事,要寫給你們,但我不願意用紙用墨,只希望到你們那裏去,親口面談,好使我們的喜樂圓滿無缺。
13 Vana vomununʼuna wenyu akasanangurwa vanokukwazisai.
你那蒙選的姊妹的子女問候你。