< 2 VaKorinde 7 >

1 Shamwari dzinodikanwa, sezvo tine zvipikirwa izvi, ngatizvinatsei kubva pazvinhu zvinosvibisa muviri nomweya, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.
Wherefore, having these promises, beloved, let us cleanse ourselves from all pollution of flesh and spirit; perfecting holiness in the fear of God.
2 Tigadzirireiwo nzvimbo mumwoyo yenyu. Hatina munhu watakatadzira, hatina munhu watakanyengera, hatina munhu watakaitira zvisakarurama.
Receive us cordially. We have injured no one; we have corrupted no one; we have defrauded no one.
3 Handitauri izvi kuti ndikupei mhosva; ndakambotaura kare kuti imi muri mumwoyo yedu zvokuti tingagona kurarama kana kufa pamwe chete nemi.
I speak not this to condemn you; for I have said before, that you are in our hearts, to die and live with you.
4 Ndinovimba nemi zvikuru; ndinozvirumbidza zvikuru nokuda kwenyu. Ndinokurudzirwa zvikuru; mumatambudziko edu ose mufaro wangu hauna magumo.
Great is my freedom of speech to you; great is my boasting concerning you: I am filled with consolation, I exceedingly abound in joy in all our affliction.
5 Nokuti patakasvika kuMasedhonia, muviri wedu uyu hauna kuwana zororo, asi takatambudzwa kumativi ose, zvaiti kukakavara kunze, nokutya nechomukati.
For when we were come into Macedonia, our flesh has no rest, but we were distressed on every side; without were fightings-- within were fears.
6 Asi Mwari anonyaradza vakaora mwoyo, akatinyaradza pakauya Tito,
Nevertheless, God, who comforts them who are cast down, comforted us by the coming of Titus--
7 kwete nokuda kwokuuya kwake bedzi, asiwo nokuda kwokunyaradza kwamakamupa. Akatiudza nezvokundishuva kwenyu, kusuwa kwenyu kukuru, nokuva nehanya kwenyu pamusoro pangu, saka mufaro wangu wakava mukuru kwazvo.
(not, indeed, by his coming only; but more especially by the consolation with which he was comforted by you) --when he told us your earnest desire, your lamentation, your zeal for me; so that I rejoiced the more.
8 Kunyange zvazvo ndakakuchemedzai netsamba yangu, handizvidembi nokuda kwaizvozvo. Kunyange zvangu ndakazvidemba, ndinoona kuti tsamba yangu yakakurwadzai, asi kwenguva duku chete,
Therefore, though I made you sorry by the letter, I do not repent, though I did repent; for I perceive that that letter, though suitable to the occasion, made you sorry.
9 asi zvino ndinofara, kwete nokuti makachema, asi nokuti kusuwa kwenyu kwakaita kuti mutendeuke. Nokuti makava nokusuwa kukuru sezvaidiwa naMwari uye nokudaro hamuna kukuvadzwa nesu nenzira ipi zvayo.
I now rejoice; not that you were made sorry, but that your sorrow produced reformation: for you were made to sorrow in a godly manner, that you might be injured by us in nothing.
10 Nokuti kusuwa kwoumwari kunouyisa kutendeuka uko kunotungamirira kuruponeso uye hakuuyisi kudemba, asi kusuwa kwenyika kunouyisa rufu.
For godly sorrow produces a reformation to salvation, never to be repented of; but the sorrow of the world produces death.
11 Tarirai zvaitwa mamuri nokusuwa uku kwoumwari: kushinga kukuru kwakadii, ishungu dzakadii kuti muzvichenese, kutsamwa kwakadii nokutya kwakadii nechishuvo chakadii, nehanya yakadii, nokuda kuona kururamisira kuchiitwa kwakadii. Pazvinhu zvose mazviratidza kuti hamuna mhosva panyaya iyi.
Behold, now, this very thing--your being made sorry with a godly sorrow--what carefulness it wrought in you; yes, what clearing of yourselves; yes, what indignation; yes, what fear; yes, what earnest desire; yes, what zeal; yes, what revenge! Upon the whole, you have showed yourselves to be pure in this matter.
12 Saka kunyange zvangu ndakakunyorerai, ndakanga ndisingazviiti nokuda kwaiye akaita zvakaipa, kana nokuda kwaiye akaitirwa zvakaipa, asi kuti pamberi paMwari mugone kuzvionera kuti makazvipira sei kwatiri.
And, indeed, though I wrote to you, it was not for his sake who did the wrong, nor for his sake who suffered it; but rather, that our care for you, in the presence of God might be manifested to you.
13 Naizvozvi zvose tinokurudzirwa. Pamusoro pokukurudzirwa kwedu, takanyanya kufadzwa zvikuru nokuona mufaro wakanga una Tito, nokuti mweya wake wakasimbiswa nemi mose.
For this reason, we were comforted in your comfort: yes, we rejoiced the more exceedingly for the joy of Titus, because his spirit was refreshed by you all.
14 Nokuti ndakanga ndazvirumbidza kwaari pamusoro penyu, uye hamuna kundinyadzisa. Asi sezvo zvose zvatakataura pamusoro penyu zvaiva chokwadi, saka kuzvirumbidza kwedu kuna Tito pamusoro penyu kwakaratidza kuti ndokwechokwadiwo.
That if I have boasted anything to him concerning you, I am not ashamed: for, as we have spoken all things to you in truth, so, also, our boasting to Titus is verified.
15 Uye rudo rwake kwamuri rukuru kwazvo paanorangarira kuti mose makanga muchiteerera, pamakamugamuchira nokutya nokudedera.
And his tender affection is more abundant toward you, while he remembers the obedience of you all, and how you received him with fear and trembling.
16 Ndinofara kuti ndinogona kuvimba nemi zvizere.
I rejoice that I have confidence in you in everything.

< 2 VaKorinde 7 >