< 2 VaKorinde 6 >

1 Savashandi pamwe chete naMwari tinokukurudzirai kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari pasina.
Kama watendakazi pamoja na Mungu, tunawasihi msipokee neema ya Mungu bure.
2 Nokuti iye anoti, “Ndakakunzwa panguva yenyasha dzangu, uye pazuva roruponeso ndakakubatsira.” Ndinokuudzai, zvino ndiyo nguva yenyasha dzaMwari, zvino ndiyo nguva yoruponeso.
Kwa maana asema: “Wakati wangu uliokubalika nilikusikia, siku ya wokovu nilikusaidia.” Tazama, wakati uliokubalika ndio huu, siku ya wokovu ndiyo sasa.
3 Hatiisi chigumbuso munzira yomunhu, kuti ushumiri hwedu hurege kuzvidzwa.
Hatuweki kitu cha kukwaza katika njia ya mtu yeyote, ili huduma yetu isionekane kuwa na lawama.
4 Asi savaranda vaMwari tinozvirumbidza pane zvakanaka munzira dzose: mukutsungirira kukuru, mumatambudziko, mukuomerwa, uye nemunhamo;
Bali kama watumishi wa Mungu tuonyeshe kwa kila njia: katika saburi nyingi; katika dhiki, katika misiba, na katika shida;
5 mukurohwa, kusungwa nomubope; mukushanda zvakaoma, mukusavata nokushayiwa zvokudya;
katika kupigwa, katika kufungwa gerezani na katika ghasia; katika kazi ngumu, katika kukesha na katika kufunga;
6 mukuchena, kunzwisisa, mwoyo murefu nengoni muMweya Mutsvene uye nomurudo rwechokwadi;
katika utakatifu, katika ufahamu, katika uvumilivu, na katika utu wema; katika Roho Mtakatifu na upendo wa kweli;
7 mushoko rechokwadi nomusimba raMwari; nenhumbi dzokurwa nadzo dzokururama kuruoko rworudyi nokuruboshwe,
katika maneno ya kweli na katika nguvu za Mungu, kwa silaha za haki za mkono wa kuume na za mkono wa kushoto;
8 mukukudzwa nomukusakudzwa, muguhu rakaipa neguhu rakanaka; tiri vechokwadi, asi tichionekwa savanyengeri;
katika utukufu na katika kudharauliwa; katika sifa mbaya na katika sifa nzuri; tukiwa kama wadanganyaji, lakini tukiwa wakweli;
9 tinozivikanwa tichionekwa setisingazivikanwi; tinofa, asi tichiramba tichirarama, tinorohwa asi hatifi;
tukiwa maarufu, lakini tukihesabiwa kama tusiojulikana; tukiwa kama wanaokufa, lakini tunaishi; tukipigwa, lakini hatuuawi;
10 savanochema, asi tichigara tichifara; savarombo, asi tichipfumisa vazhinji; setisina chinhu, asi tinazvo zvose.
tukiwa kama wenye huzuni, lakini siku zote tukifurahi; tukionekana maskini, lakini tukitajirisha wengi; tukiwa kama wasio na kitu, lakini tuna vitu vyote.
11 Takataura kwamuri pachena, imi vaKorinde, uye takazarura mwoyo yedu kwamuri.
Tumesema nanyi wazi, enyi Wakorintho na kuwafungulieni mioyo yetu wazi kabisa.
12 Hatisi kukunyimai rudo rwedu, asi imi munotinyima rwenyu.
Sisi hatujizuii kuwapenda, bali ninyi mmeuzuia upendo wenu kwetu.
13 Sokutsinhana kwakanaka, ndinotaura sokuvana vangu, zaruraiwo mwoyo yenyu.
Sasa nasema, kama na watoto wangu: Ninyi pia ifungueni mioyo yenu kabisa.
14 Musasungwa zvisina kufanira pajoko rimwe chete navasingatendi. Nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Kana kuti chiedza chingawadzana seiko nerima?
Msifungiwe nira pamoja na watu wasioamini, kwa jinsi isivyo sawasawa, kwa maana pana uhusiano gani kati ya haki na uovu? Au kuna ushirika gani kati ya nuru na giza?
15 Ko, Kristu anganzwanana seiko naBheriari? Ko, mutendi angava nomugove weiko neasingatendi?
Kuna mapatano gani kati ya Kristo na Beliari? Yeye aaminiye ana sehemu gani na yeye asiyeamini?
16 Ko, temberi yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti tiri temberi yaMwari mupenyu. Sezvakarehwa naMwari, achiti, “Ndichagara pakati pavo ndigofamba navo, uye ndichava Mwari wavo, ivo vagova vanhu vangu.”
Kuna mapatano gani kati ya Hekalu la Mungu na sanamu? Kwa kuwa sisi tu Hekalu la Mungu aliye hai. Kama Mungu alivyosema: “Nitakaa pamoja nao na kutembea katikati yao, nami nitakuwa Mungu wao, nao watakuwa watu wangu.”
17 “‘Saka budai mubve pakati pavo uye muzvitsaure,’ ndizvo zvinotaura Ishe. ‘Musabata chinhu chine tsvina, ini ndigokugamuchirai.’”
“Kwa hiyo tokeni miongoni mwao, mkatengwe nao, asema Bwana. Msiguse kitu chochote kilicho najisi, nami nitawakaribisha.”
18 “‘Ndichava baba venyu, uye imi muchava vanakomana vangu navanasikana vangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe Wamasimba Ose.”
“Mimi nitakuwa Baba kwenu, nanyi mtakuwa wanangu na binti zangu, asema Bwana Mwenyezi.”

< 2 VaKorinde 6 >