< 2 VaKorinde 6 >
1 Savashandi pamwe chete naMwari tinokukurudzirai kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari pasina.
我們與天主合作的人,也勸你們不要白受天主的恩寵──
2 Nokuti iye anoti, “Ndakakunzwa panguva yenyasha dzangu, uye pazuva roruponeso ndakakubatsira.” Ndinokuudzai, zvino ndiyo nguva yenyasha dzaMwari, zvino ndiyo nguva yoruponeso.
因為經上說:『在悅納的時候,我俯允了你;在救恩的時日,我幫助了你。』看,如今正是悅納的時候;看,如今正是救恩的時日──
3 Hatiisi chigumbuso munzira yomunhu, kuti ushumiri hwedu hurege kuzvidzwa.
我們在任何事上,為避免這職務受詆毀,不但沒有給任何人跌倒的因由,
4 Asi savaranda vaMwari tinozvirumbidza pane zvakanaka munzira dzose: mukutsungirira kukuru, mumatambudziko, mukuomerwa, uye nemunhamo;
反而處處表現我們自己,有如天主的僕役,就是以持八久的堅忍,在艱難、貧乏、困苦之中,
5 mukurohwa, kusungwa nomubope; mukushanda zvakaoma, mukusavata nokushayiwa zvokudya;
在拷打、監禁、暴亂之中,在勞若、不寢、不食之中,
6 mukuchena, kunzwisisa, mwoyo murefu nengoni muMweya Mutsvene uye nomurudo rwechokwadi;
以清廉,以明智,以容忍,以慈惠,以聖神,以無偽的愛情,
7 mushoko rechokwadi nomusimba raMwari; nenhumbi dzokurwa nadzo dzokururama kuruoko rworudyi nokuruboshwe,
以真理的言辭,以天主的德能,以左右兩手中正義的武器,
8 mukukudzwa nomukusakudzwa, muguhu rakaipa neguhu rakanaka; tiri vechokwadi, asi tichionekwa savanyengeri;
歷經光榮的淩辱,惡名和美名;像是迷惑人的,卻是真誠的;
9 tinozivikanwa tichionekwa setisingazivikanwi; tinofa, asi tichiramba tichirarama, tinorohwa asi hatifi;
像是人所不知的,卻是人所共知的;像是待死的,看,我們卻活著;像是受懲罰的,卻沒有置於死地;
10 savanochema, asi tichigara tichifara; savarombo, asi tichipfumisa vazhinji; setisina chinhu, asi tinazvo zvose.
像是憂苦的,卻常常喜樂;像是貧困的,卻使許多人富足;像是一無所有的,卻無所不有。
11 Takataura kwamuri pachena, imi vaKorinde, uye takazarura mwoyo yedu kwamuri.
格林多人啊! 我們的口向你們張開了,我們的心也敞開了。
12 Hatisi kukunyimai rudo rwedu, asi imi munotinyima rwenyu.
你們在我們心內並不窄狹,而是你們的人腸窄狹。
13 Sokutsinhana kwakanaka, ndinotaura sokuvana vangu, zaruraiwo mwoyo yenyu.
為了以報還報,如今我對你們猶如對自己的孩子說:你們也敞開你們的心罷!
14 Musasungwa zvisina kufanira pajoko rimwe chete navasingatendi. Nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Kana kuti chiedza chingawadzana seiko nerima?
你們不要與不信的人共負一軛,因為正義與不法之間,那能有什麼相通﹖或者,光明之黑暗,那能有什麼聯繫﹖
15 Ko, Kristu anganzwanana seiko naBheriari? Ko, mutendi angava nomugove weiko neasingatendi?
基督之於貝里雅耳,那能有什麼協和﹖或者,信者與不信者,那能有什麼股份﹖
16 Ko, temberi yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti tiri temberi yaMwari mupenyu. Sezvakarehwa naMwari, achiti, “Ndichagara pakati pavo ndigofamba navo, uye ndichava Mwari wavo, ivo vagova vanhu vangu.”
天主的殿與偶像,那能有什麼相合﹖的確,我們就是生活的天主的殿,正如天主所說的:『我要在他們內居住,我要在他們中俳徊;我要做他們的天主,他們要做我的百姓。』
17 “‘Saka budai mubve pakati pavo uye muzvitsaure,’ ndizvo zvinotaura Ishe. ‘Musabata chinhu chine tsvina, ini ndigokugamuchirai.’”
為此,『你們應當從他們中間出來,離開他們──這是上主說的──你們不可觸摸不潔之物,我要收納你們,
18 “‘Ndichava baba venyu, uye imi muchava vanakomana vangu navanasikana vangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe Wamasimba Ose.”
我要做你們的父親,你們要做我的子女;這是全能的上主說的。』