< 2 VaKorinde 5 >
1 Zvino tinoziva kuti kana imba yedu yapanyika yatinogara mairi iyi yaparadzwa, tine imba inobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko avanhu, inogara nokusingaperi kudenga. (aiōnios )
For me veit, at um vår likams jordiske hus vert nedrive, so hev me ein bygnad av Gud, eit hus som ikkje er gjort med hender, ævelegt i himmelen. (aiōnios )
2 Pari zvino tinogomera, tichishuva kupfekedzwa muviri wedu wokudenga,
For ogso medan me er i dette huset, sukkar me, av di me stundar etter å verta yverklædde med vårt hus frå himmelen,
3 nokuti kana tichinge tapfekedzwa, hatizowanikwi takashama.
so sant me skal verta funne påklædde, ikkje nakne.
4 Nokuti kana tiri mutende ino, tinogomera uye tichiremerwa, nokuti hatishuvi kugara tisina kupfekedzwa muviri wedu wokudenga, kuti icho chinofa chimedzwe noupenyu.
For me som er i denne hytta, sukkar under byrdi, av di me ikkje vil verta avklædde, men yverklædde, so det døyelege kann verta gløypt av livet.
5 Zvino Mwari ndiye akatigadzirira chinhu ichi, uye akatipawo Mweya sorubatso, achisimbisa zvinouya.
Men den som laga oss just til dette, er Gud, som og gav oss Anden til pant.
6 Naizvozvo tinotsunga mwoyo nguva dzose uye tinoziva kuti kana tichigara mumuviri, tiri kure naIshe.
Difor er me alltid frimodige, og veit, at so lenge me er heime i likamen, er me burte frå Herren;
7 Tinorarama nokutenda, kwete nokuona.
for me ferdast i tru, men ikkje i syn.
8 Ndinoti tinotsunga mwoyo, kuti, zviri nani kubva mumuviri ndive kumusha naShe.
Me er då frimodige og hyggjer oss meir til å koma burt frå likamen og koma heim til Herren.
9 Saka chinangwa chedu ndechokuti timufadze, kunyange tiri mumuviri kana kunyange tisingagarimo.
Difor, anten me er heime eller burte, set me vår æra i å vera honom til hugnad.
10 Nokuti tose tinofanira kumira pamberi pechigaro chokutonga chaKristu, kuti mumwe nomumwe apiwe zvakamufanira pazvinhu zvaakaita nomuviri wake, zvingava zvakanaka kana zvakaipa.
For me skal alle verta openberra for Kristi domstol, so kvar kann få att det som er verka ved likamen, etter det han hev gjort, anten godt eller vondt.
11 Zvino, sezvo tichiziva kuti kutya Ishe chii, tinoedza kugombedzera vanhu. Zvatiri zviri pachena kuna Mwari, uye ndinovimbawo kuti zviri pachena kuhana dzenyu.
Då me soleis kjenner otten for Herren, prøver me å vinna menneskje, men for Gud er me openberre; eg vonar og å vera openberr for dykkar samvit.
12 Hatisi kuedza kuzvirumbidza kwamuri zvakare, asi tiri kukupai mukana wokuti muzvirumbidze nokuda kwedu, kuti mugone kupindura vaya vanozvirumbidza nokuda kwezvinhu zvinoonekwa panzvimbo yezvinhu zviri mumwoyo.
Ikkje rosar me oss sjølve atter for dykk, men me gjev dykk høve til å rosa dykk av oss, so de kann hava noko å setja imot deim som rosar seg av det dei er i det ytre og ikkje i hjarta.
13 Kana tichipenga, tinodaro nokuda kwaMwari; kana tiri vanhu kwavo, tinodaro nokuda kwenyu.
For um me er frå vitet, so er det for Gud, og um me er med sans og samling, so er det for dykk.
14 Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza, nokuti tinoziva kuti mumwe chete akafira vose, uye naizvozvo vose vakafa.
For Kristi kjærleik tvingar oss,
15 Uye iye akafira vose, kuitira kuti vose vasazviraramira asi vararamire iye akavafira akamutswazve kubva kuvakafa.
då me hev gjort upp med oss sjølve at ein døydde for alle, difor hev dei alle døytt. Og han døydde for alle, so dei som liver, ikkje lenger skal liva for seg sjølve, men for honom som døydde og stod upp att for deim.
16 Saka kubva zvino hatitongozivi munhu namaziviro enyika. Kunyange zvedu takaziva Kristu kare nenzira iyi, hatichamuziva saizvozvo.
Difor kjenner me heretter ikkje nokon etter kjøtet; um me og hev kjent Kristus etter kjøtet, so kjenner me honom no ikkje lenger soleis.
17 Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva!
Difor, um nokon er i Kristus, so er han ein ny skapning; det gamle hev forgjengest, sjå, alt hev vorte nytt!
18 Zvose izvi zvakabva kuna Mwari, akatiyananisa naye kubudikidza naKristu uye akatipa ushumiri hwokuyananisa:
Men alt dette er av Gud, som forlikte oss med seg sjølv ved Kristus og gav oss forlikstenesta.
19 ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingaverengeri vanhu zvivi zvavo. Uye akatipa shoko rokuyananisa.
For i Kristus forlikte Gud verdi med seg sjølv, so han ikkje tilreknar deim misgjerningarne deira, og hev lagt forliksordet ned i oss.
20 Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu, sokunge Mwari ari kusvitsa chikumbiro chake kubudikidza nesu. Tinokukumbirai nokuda kwaKristu tichiti: Yananiswai naMwari.
So er me då sendebod i staden for Kristus, liksom Gud sjølv gav fyreteljing gjenom oss. Me bed i staden for Kristus: Lat dykk forlika med Gud!
21 Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.
Den som ikkje visste av synd, hev han gjort til synd for oss, so me skal verta rettferdige for Gud i honom.