< 2 VaKorinde 3 >

1 Tava kutangazve kuzvirumbidza here? Kana kuti tinotsvaka here, savamwe, tsamba dzinoenda kwamuri kana dzinobva kwamuri dzinotirumbidza?
Do you say that this is self-recommendation once more? Or do we need, as some do, letters of recommendation to you or from you?
2 Imi pachenyu ndimi tsamba yedu, yakanyora pamwoyo yedu, inozivikanwa uye inoverengwa navanhu vose.
Our letter of recommendation is yourselves--a letter written on our hearts and everywhere known and read.
3 Munoonekwa kuti muri tsamba yakabva kuna Kristu, basa roushumiri hwedu, yakanyorwa, kwete neingi, asi noMweya waMwari mupenyu, kwete pamahwendefa amabwe, asi pamahwendefa emwoyo yavanhu.
For all can see that you are a letter of Christ entrusted to our care, and written not with ink, but with the Spirit of the ever-living God--and not on tablets of stone, but on human hearts as tablets.
4 Kutenda kwakadai souku tinako kubudikidza naKristu pamberi paMwari.
Such is the confidence which we have through Christ in the presence of God;
5 Kwete nokuti tinogona isu pachedu, zvokuti titi chakati ndechedu, asi kugona kwedu kunobva kuna Mwari.
not that of ourselves we are competent to decide anything by our own reasonings, but our competency comes from God.
6 Akatigonesa savashumiri vesungano itsva, kwete yakanyorwa asi yoMweya; nokuti tsamba inouraya, asi Mweya anopa upenyu.
It is He also who has made us competent to serve Him in connexion with a new Covenant, which is not a written code but a Spirit; for the written code inflicts death, but the Spirit gives Life.
7 Zvino kana kushumira kwakauyisa rufu, kwakanga kwakatemwa namavara pamabwe, kwakauya nokubwinya zvokuti vaIsraeri vakanga vasingagoni kuramba vakatarisa pachiso chaMozisi nokuda kwokubwinya kwacho, kunyange kwakanga kuchipfuura hako,
If, however, the service that proclaims death--its code being engraved in writing upon stones--came with glory, so that the children of Israel could not look steadily on the face of Moses because of the brightness of his face--a vanishing brightness;
8 ko, kushumira kwaMweya hakungavi nokubwinya kukuru here?
will not the service of the Spirit be far more glorious?
9 Kana kushumira kwakauyisa kutongwa kuvanhu kuchibwinya, ko, kuzoti kushumira kunouyisa kururama kunobwinya zvikuru sei!
For if the service which pronounces doom had glory, far more glorious still is the service which tells of righteousness.
10 Nokuti chaibwinya hachisisina kubwinya zvino kana tichichienzanisa nokubwinya kunochipfuura.
For, in fact, that which was once resplendent in glory has no glory at all in this respect, that it pales before the glory which surpasses it.
11 Uye kana chakanga chichizopfuura chakauya nokubwinya, ko, kuzoti chinogara chichava nokubwinya kukuru sei!
For if that which was to be abolished came with glory, much more is that which is permanent arrayed in glory.
12 Naizvozvo, zvatine tariro yakadai, takashinga zvikuru.
Therefore, cherishing a hope like this, we speak without reserve, and we do not imitate Moses,
13 Hatina kufanana naMozisi aiisa chifukidziro pachiso chake kuti vaIsraeri varege kuchitarisa kupenya pakwainge kwava kupera.
who used to throw a veil over his face to hide from the gaze of the children of Israel the passing away of what was but transitory.
14 Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa, nokuti chifukidziro chimwe chetecho chichiripo kana sungano yakare ichiverengwa. Hachina kubviswa, nokuti chinongobviswa chete muna Kristu.
Nay, their minds were made dull; for to this very day during the reading of the book of the ancient Covenant, the same veil remains unlifted, because it is only in Christ that it is to be abolished.
15 Kunyange kusvikira zuva ranhasi kana Mozisi achiverengwa, chifukidziro chinofukidza mwoyo yavo.
Yes, to this day, whenever Moses is read, a veil lies upon their hearts.
16 Asi kana munhu akatendeukira kuna She chete, chifukidziro chinobviswa.
But whenever the heart of the nation shall have returned to the Lord, the veil will be withdrawn.
17 Zvino Ishe ndiye Mweya, uye pane Mweya waShe, pano kusununguka.
Now by "the Lord" is meant the Spirit; and where the Spirit of the Lord is, freedom is enjoyed.
18 Zvino isu, vane zviso zvisina kufukidzwa tose tinoratidza kubwinya kwaShe, tiri kushandurwa kuti tifanane naye nokubwinya kunoramba kuchiwedzerwa, kunobva kuna Ishe, anova iye Mweya.
And all of us, with unveiled faces, reflecting like bright mirrors the glory of the Lord, are being transformed into the same likeness, from one degree of radiant holiness to another, even as derived from the Lord the Spirit.

< 2 VaKorinde 3 >