< 2 VaKorinde 13 >
1 Uku ndiko kuchava kushanya kwangu kwechitatu kwamuri. Nyaya yose inofanira kusimbiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu.
This is the third time I am coming to you. "At the mouth of two or three witnesses will every word be established."
2 Ndakakupai yambiro kare pandakanga ndinemi kechipiri. Zvino ndava kuzvipamhazve ndisipo: Pakuuya kwangu handizoregi vaya vakatadza pakutanga kana vamwe vose,
I have said beforehand, and I do say beforehand, as when I was present the second time, so now, being absent, to those who have sinned before now, and to all the rest, that, if I come again, I will not spare;
3 sezvo muchitsvaka chiratidzo chokuti Kristu ndiye anotaura kubudikidza neni. Haana utera pakubata kwake pakati penyu, asi ane simba kwazvo pakati penyu.
seeing that you seek a proof of Christ who speaks in me; who toward you is not weak, but is powerful in you.
4 Nokuti kuti muve nechokwadi, akarovererwa pamuchinjikwa muutera, asi anorarama nesimba raMwari. Zvimwe chetezvo nesuwo tinorarama muutera maari, asi nesimba raMwari tiri vapenyu pamwe chete naye kuti tikushumirei.
For indeed he was crucified through weakness, yet he lives through the power of God. For we also are weak in him, but we will live with him through the power of God toward you.
5 Zviedzei imi pachenyu muone kana muri pakutenda; zviedzei pachenyu. Munoziva here kuti Jesu ari mukati menyu, kunze kwokutoti makakundikana?
Test your own selves, whether you are in the faith. Test your own selves. Or do you not know as to your own selves, that Jesus Christ is in you?—unless indeed you are disqualified.
6 Uye ndinovimba kuti muchaona kuti hatina kukundikana.
But I hope that you will know that we are not disqualified.
7 Zvino tinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa. Kwete kuti vanhu vaone kuti isu takakunda, asi kuti imi muite zvakarurama kunyange zvedu isu tichiita setakakundikana.
Now we pray to God that you do no evil; not that we may appear approved, but that you may do that which is honorable, though we are as reprobate.
8 Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopikisana nechokwadi, asi chinobatsira chokwadi chete.
For we can do nothing against the truth, but for the truth.
9 Nokuti tinofara kana isu tichishayiwa simba asi imi muine simba; uye munyengetero wedu ndewokuti imi mukwaniswe.
For we rejoice when we are weak and you are strong. And this we also pray for, even your perfecting.
10 Ndokusaka ndichinyora zvinhu izvi ndisipo, kuti kana ndauya ndirege kuzoita nehasha pakushandisa simba rangu, simba randakapiwa naIshe kuti ndikuvakei naro, kwete kukuparadzai.
For this cause I write these things while absent, that I may not deal sharply when present, according to the authority which the Lord gave me for building up, and not for tearing down.
11 Pakupedzisira, hama, chisarai. Shingairai kuti mukwaniswe, teererai kuchikumbiro changu, ivai nomufungo mumwe, garai murugare. Uye Mwari worudo norugare achava nemi.
Finally, brothers, rejoice. Be perfected, be comforted, be of the same mind, live in peace, and the God of love and peace will be with you.
12 Kwazisanai nokutsvodana kutsvene.
Greet one another with a holy kiss.
13 Vatsvene vose vanokukwazisai.
All the saints greet you.
14 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuwadzana kwoMweya Mutsvene ngazvive nemi mose.
The grace of the Lord Jesus Christ, the love of God, and the fellowship of the Holy Spirit, be with you all.