< 2 VaKorinde 12 >

1 Ndinofanira kuramba ndichizvirumbidza. Kunyange zvisina zvazvinobatsira, ndichapfuurira mberi ndigotaura pamusoro pezviratidzo nezvakazarurwa zvaShe.
Kuzvikudza zvirokwazvo hakubatsiri kwandiri; nokuti ndichauya pazviratidzo nezvakazarurwa zvaIshe.
2 Ndinoziva mumwe munhu ari muna Kristu, uyo makore gumi namana akapfuura akakwidzwa kudenga rechitatu. Kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri handizivi, Mwari ndiye anoziva.
Ndinoziva munhu ari muna Kristu makore gumi nemana apfuura (kana zvakaitwa mumuviri, handizivi, kana kunze kwemuviri, handizivi, Mwari anoziva), wakadai wakabvutirwa kudenga rechitatu.
3 Uye ndinoziva kuti munhu uyu, kana akanga ari mumuviri kana kuti akanga asiri mumuviri handizivi, asi Mwari ndiye anoziva,
Uye ndinoziva munhu wakadai (kana mumuviri, kana kunze kwemuviri, handizivi; Mwari anoziva),
4 akakwidzwa kuparadhiso. Akanzwa zvinhu, zvinhu zvisingatsananguriki namashoko, zvinhu zvisingabvumirwi kuti munhu ataure.
kuti wakabvutwa akaiswa muparadhiso, akanzwa mashoko asingatauriki, asingabviri munhu kutaura.
5 Ndichazvirumbidza pamusoro pomunhu akadai, asi handingazvirumbidzi pachangu, kunze kwoutera hwangu.
Ndichazvikudza newakadai; asi pamusoro pangu ndomene handizvikudzi, asi pautera hwangu.
6 Kunyange dai ndikasarudza kuzvirumbidza, handingavi benzi nokuti ndinenge ndichitaura chokwadi. Asi ndinorega zvangu, kuitira kuti pashayikwe munhu angafunga kuti ndiri mukuru kupfuura zvandinoita kana zvandinotaura.
Nokuti kana ndichida kuzvikudza, handaizova benzi; nokuti ndichareva chokwadi; asi ndinorega, zvimwe umwe angandifungira kuva mukuru kune zvaakaona ndiri, kana zvaakanzwa kwandiri,
7 Kuti ndirege kunyanya kuzvikudza nokuda kwoukuru kwazvo hwezvandakazarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yangu, mutumwa waSatani, kuti unditambudze.
uye kuti ndirege kukudzwa kubudikidza nekuwanda kwezvakazarurwa, ndakapiwa munzwa munyama, nhume yaSatani kuti indirove, kuti ndirege kukudzwa.
8 Katatu ndakakumbira kuna Ishe kuti aubvise pandiri.
Maererano nechinhu ichi ndakakumbirisa Ishe katatu kuti chibve kwandiri.
9 Asi iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera.” Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu.
Zvino akati kwandiri: Nyasha dzangu dzakakukwanira; nokuti simba rangu rinozadziswa muutera. Naizvozvo ndichazvirumbidza nemufaro mukuru muutera hwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu.
10 Ndokusaka, nokuda kwaKristu ndichifara muutera, mukutukwa, mumatambudziko, munhamo, nomukuomerwa. Nokuti kana ndine utera, ipapo ndipo pandine simba.
Naizvozvo ndinofara muutera, mukutukwa, mukushaiwa, murushusho, mukushungurudzwa, nekuda kwaKristu; nokuti kana ndine utera, ipapo ndine simba.
11 Ndakazviita benzi, asi imi ndimi makandisundira ikoko. Ndaifanira kunge ndichirumbidzwa nemi, nokuti handisi muduku duku pakati pa“vapostori vanopfuura vamwe vose,” kunyange zvangu ndisiri chinhu.
Ndava benzi ndichizvikudza; ndimwi makandimanikidza; nokuti ini ndaifanira kuziviswa nemwi; nokuti handisariri nepadiki kuvaapositori vakurusa, kunyange ndisiri chinhu.
12 Zvinhu zvinoratidza upostori, zviratidzo, zvishamiso namabasa esimba, zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru.
Zvirokwazvo zviratidzo zvemuapositori zvakaitwa pakati penyu pamoyo murefu wese, muzviratidzo nezvishamiso nemabasa esimba.
13 Ko, imi makanga muri vaduku sei kune dzimwe kereke, kunze kwokuti ndakanga ndisiri mutoro pakati penyu? Ndiregererei pakutadza uku!
Nokuti chii chamuri pasi nacho kune amwe makereke, kunze kwekuti ini ndomene handina kuva mutoro kwamuri? Ndikanganwirei kusarurama uku.
14 Zvino ndagadzirira kukushanyirai kechitatu, uye handichazovi mutoro kwamuri, nokuti zvandinoda kwamuri haisi pfuma yenyu asi imi. Pamusoro pezvo vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki ndivo vanofanira kuchengetera vana.
Tarirai, ndazvigadzirira kuuya kwamuri rwechitatu, uye handizovi mutoro kwamuri; nokuti handitsvaki zvenyu, asi imwi; nokuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vana.
15 Saka naizvozvo ndichafara zvikuru kuti ndipedze zvose zvandinazvo nokuzvipedzawo ini pachangu nokuda kwenyu. Kana ndichikudai zvakanyanya, mungandida zvishoma here?
Uye ndinoda nemufaro mukuru kuparadza uye kuparadzirwa mweya yenyu, kunyange ndichikudai zvakapamhidzirwa zvikuru, ndinodikanwa zvishoma.
16 Ngazvive saizvozvo, nokuti ndakanga ndisiri mutoro pakati penyu. Asi zvandakanga ndine njere, ndakakubatai namano!
Asi zvakadaro, ini handina kukuremedzai; asi zvandakange ndine mano, ndakakubatai nekunyengera.
17 Ndakakutorerai chinhu here kubudikidza navarume vandakatuma kwamuri?
Ndakakutsvatai here chero neumwe waivo vandakatuma kwamuri?
18 Ndakurudzira Tito kuti auye kwamuri uye ndatumira hama yedu pamwe chete naye. Tito haana kukutorerai chinhu, akakutorerai here? Hatina kufamba nomweya mumwe chete here uye tikatevera nzira imwe chete?
Ndakakumbira Tito, ndikatuma hama naye; Tito wakakutsvatai here? Hatina kufamba nemumweya umwe here? Hatinakufamba nemumakwara mamwe here?
19 Makanga muchizvifunga here nguva yose iyi kuti takanga tichizvidavirira? Takanga tichitaura pamberi paMwari savaya vari muna Kristu; uye zvose zvatinoita, vadikani, tinozviita kuti musimbiswe.
Zvekare munofunga kuti tinozvidzivirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari muna Kristu; asi tinotaura zvese, vadikanwi, zvekuvakwa kwenyu.
20 Nokuti ndinotya kuti pandichauya kwamuri handingakuwanei muri zvandinoda kuti muve, uye mungandiwana ndisiri zvamunonditarisira kuti ndive. Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvimwe ndingawana pakati penyu paine gakava, godo, kutsamwa kukuru, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi nenyonganiso.
Nokuti ndinotya, zvimwe pakusvika ndikuwanei musina kuita sezvandinoda, neni ndiwanikwe nemwi ndisina kuita sezvamunoda; zvimwe kuvepo makakava, godo, hasha, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi, mabongozozo;
21 Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvakare, Mwari wangu achandininipisa pamberi penyu, uye ndicharwadziwa nokuda kwavazhinji vakaita zvivi kare uye vasina kutendeuka kubva pakusachena kwavo, chivi choupombwe noutera hwavakaita.
zvimwe pakusvika kwanguzve Mwari wangu andininipise pakati penyu, uye ndichemere vazhinji vevakambotadza, vakasatendeuka pakusachena neupombwe neunzenza hwavakaita.

< 2 VaKorinde 12 >