< 2 VaKorinde 10 >
1 Nounyoro nokuzvidzora kwaKristu, ndinokumbira zvikuru kwamuri, ini Pauro, “ndinotya” zvikuru kana ndichitarisana nemi chiso nechiso asi, “handityi” kana ndisipo!
我保祿──就是那在你們中面對面時就謙卑,不在的時候就對你們膽大的──親自藉基督的溫良和良善勸告你們,
2 Ndinokukumbirisai zvikuru kuti kana ndichinge ndasvika kwamuri ndirege kuzova nokushinga kwandinofanira kuva nako kuna vanhu avo vanofunga kuti tinorarama namararamiro enyika ino.
甚至求你們,不要叫我到你們那裏時,因果決而大了膽──這種果決,本來是我決意要對付那些,以我們為按照血肉而行事的人的──
3 Nokuti kunyange dai tichigara zvedu munyika, hatirwi hondo sezvinoita nyika ino.
我們固然是在血肉中行事,卻不是按照血肉而交戰,
4 Nhumbi dzatinorwa nadzo hadzizi nhumbi dzenyika ino. Asi dzine simba raMwari rokuputsa nhare.
因為我們作戰的武器,不是屬於血肉的,而是憑天主有力的武器,足以攻破堅固的堡壘:攻破敵人詭計,
5 Tinoputsa kukakavara nokunyengera kwose kunozvikudza kuchipikisa kuziva Mwari, uye tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu.
以及一切為反對天主的智識所樹立的高塞,並擄獲一切人的心意,使之基督;
6 Uye tichange takagadzirira kuranga kuita kwose kwokusateerera, kana kuteerera kwenyu kuchinge kwazadziswa.
並且我們已準備停當,及至你們完全a寺,來懲罰一切的不服從。
7 Imi muri kungoonera zvinhu pamusoro bedzi. Kana munhu achivimba kuti iye ndowaKristu, ngaarangarirewo zvakare kuti isu tiri vaKristu sezvaakaitawo iye.
你們看看擺在眼前的事實罷! 如果自信是屬於基督的,他自己該再想想:他怎樣屬於基督,我們也怎樣是;
8 Nokuti kunyange dai ndichizvirumbidza pachena pamusoro pesimba ratakapiwa naIshe rokukuvakai kwete rokukuputsirai pasi, handinganyadziswi nazvo.
因為既便我對我們的權柄有一點過份的誇耀──這權柄是由主所賜與,為建樹,而不是為破壞你們的──我也不羞愧,
9 Handidi kuedza kuita sendinokutyisidzirai netsamba dzangu.
免得有人以為我好像只會藉著書信來恐嚇你們。
10 Nokuti vamwe vanoti, “Tsamba dzake dzina mashoko makukutu uye dzine chisimba, asi iye pachake haatyisi uye kutaura kwake hakuna maturo.”
因為有人說:「他的書信的確嚴厲而又強硬,但他本人在時卻軟弱無能,言語又空洞可輕。」
11 Vanhu vakadai vanofanira kuziva kuti zvatiri mumatsamba edu kana tisipo, ndizvo zvatichava pakuita kwedu kana tavapo.
這樣的人該想一想,我們不在的時候,寫信時在言語上是怎樣,我們來到的時候,在行事上也必是這樣。
12 Hatidi kuedza kuzvienzanisa kana kuzvifananidza navamwe vanozvirumbidza. Pavanozviera vachizvienzanisa naivo pachavo, havana kuchenjera.
其實;我們不敢拿自己與某些舉薦自己的人同例或相比:他們是以自己來度量自己,以自己來跟自己相比,這決不是明智。
13 Zvisinei, isu hatingazvirumbidzi kupfuura mwero wakafanira, asi tinogumisa mwero wokuzvirumbidza kwedu pabasa ratakapiwa naMwari, basa rinosvika kunyange kwamuri.
我們誇耀決不越過範圍,而只是按照天主所指給我們的界限範圍,照這範圍也一直達到你們那裏。
14 Hatizi kupfurikidza mwero pakuzvirumbidza kwedu, sezvazvaizova kana dai takanga tisina kuuya kwamuri, nokuti takasvika kwamuri nevhangeri raKristu.
我們並沒有過於伸展自己,好像從沒有到達你們那裏似的,其實,是我們先帶著基督的福音,到了你們那裏的;
15 Uyezve hatipfuuri miganhu yedu nokuzvirumbidza pamusoro pebasa rakaitwa navamwe. Tariro yedu ndeyokuti, pamunoramba muchikura pakutenda kwenyu, mashandiro edu pakati penyu achakurawo kwazvo,
我們共並沒有越過了範圍,以別人勞苦而誇耀;我們只希望因著你們信德的長進,在你們中按照指給我們的界限越發開展,
16 kuitira kuti tigoparidza vhangeri kumatunhu ari mberi kwenyu. Nokuti hatidi kuzvirumbidza nebasa rakaitwa kare munzvimbo dzavamwe vanhu.
以致將福音傳到你們以外的地方,但不在別人的界限內,以別人已成的事而誇耀。
17 Asi, “Anozvirumbidza ngaazvirumbidze muna She.”
『凡要誇耀的,應當因主而誇耀。』
18 Nokuti haasi uyo anozvirumbidza achanzi akatendeka, asi uyo anorumbidzwa naShe.
因為不是自己舉薦自己的,那人是可取的,而是天主所舉薦的。