< 2 Makoronike 9 >

1 Mambokadzi weShebha paakanzwa mbiri yaSoromoni, akauya kuJerusarema kuti amuedze nemibvunzo yakaoma kwazvo. Akasvika navanhu vazhinji kwazvo nengamera akatakura zvinonhuhwira, goridhe rakawanda, namatombo anokosha, akauya kuna Soromoni akataura naye zvose zvaiva mupfungwa dzake.
When the queen of Sheba heard of the fame of Solomon, she came to prove Solomon with hard questions at Jerusalem, with a very great train, and camels that bore spices, and gold in abundance, and precious stones: and when she had come to Solomon, she talked with him of all that was in her heart.
2 Soromoni akamupindura mibvunzo yake yose, hapana chakanga chakanyanya kumuomera kuti amutsanangurire.
Solomon told her all her questions; and there was not anything hidden from Solomon which he did not tell her.
3 Mambokadzi weShebha paakaona uchenjeri hwaSoromoni, nomuzinda waakanga avaka,
When the queen of Sheba had seen the wisdom of Solomon, and the house that he had built,
4 zvokudya zvaiva patafura yake, magariro amakurukota ake, varanda vake vari muzvipfeko zvavo, vadiri vezvokunwa vari muzvipfeko zvavo nezvipiriso zvinopiswa zvaaiita patemberi yaJehovha akapererwa.
and the food of his table, and the sitting of his servants, and the attendance of his ministers, and their clothing, his cup bearers also, and their clothing, and his burnt offerings which he presented at the house of YHWH; it left her breathless.
5 Akati kuna Mambo, “Zvandakanzwa munyika yangu pamusoro pezvamakaita nouchenjeri hwenyu ndezvechokwadi.
She said to the king, "It was a true report that I heard in my own land of your acts, and of your wisdom.
6 Asi handina kutenda zvaitaurwa kusvikira ndauya kuzozvionera nameso angu. Chokwadi, handina kutongonzwa kunyange hafu yokukura kwouchenjeri hwenyu, mapfuura nokure zvandakanzwa.
However I did not believe their words, until I came, and my eyes had seen it; and look, the half of the greatness of your wisdom was not told me: you exceed the fame that I heard.
7 Mufaro wakawanda sei unofanira kungova una vanhu venyu! Anofara sei machinda enyu anoramba amire pamberi penyu achinzwa uchenjeri hwenyu.
Happy are your wives, and happy are these your servants, who stand continually before you, and hear your wisdom.
8 Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari wenyu akafadzwa nemi akakuisai pachigaro chake samambo kuti mutongere Jehovha Mwari wenyu. Nokuda kwerudo rwaMwari wenyu kuIsraeri nokudokwairira kwake kuvasimudzira nokusingaperi, akakuitai mambo pamusoro pavo kuti muchengetedze kururamisira nokururama.”
Blessed be YHWH your God, who delighted in you, to set you on his throne, to be king for YHWH your God: because your God loved Israel, to establish them forever, therefore he made you king over them, to do justice and righteousness."
9 Ipapo akapa mambo matarenda zana namakumi maviri egoridhe, zvinonhuhwira zvakawanda kwazvo namatombo anokosha. Hakuna kunge kwambova nezvinonhuhwira zvakaita sezvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha.
She gave the king one hundred and twenty talents of gold, and spices in great abundance, and precious stones: neither was there any such spice as the queen of Sheba gave to king Solomon.
10 (Vanhu vaHiramu navanhu vaSoromoni vakauya negoridhe kubva kuOfiri; vakauyazve namatanda emiarigumi namatombo anokosha.
The servants also of Hiram, and the servants of Solomon, who brought gold from Ophir, brought algum trees and precious stones.
11 Mambo akashandisa matanda emiarigumi kugadzira zvikwiriso zvetemberi yaJehovha nezvemuzinda wamambo, uye kugadzirisa mbira nemitengeranwa yavaimbi. Hapana zvakaita sezvizvi zvakanga zvatomboonekwa muJudha).
The king made of the algum trees steps for the house of YHWH, and for the king's house, and harps and stringed instruments for the singers: and there were none like these seen before in the land of Judah.
12 Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; akamupa zvakawanda kupfuura zvaakauya nazvo kwaari. Ipapo akabva adzokera navaranda vake kunyika yake.
King Solomon gave to the queen of Sheba all her desire, whatever she asked, besides that which she had brought to the king. So she turned, and went to her own land, she and her servants.
13 Uremu hwegoridhe raipiwa Soromoni hwaisvika matarenda mazana matanhatu namakumi matanhatu ane matanhatu pagore roga roga,
Now the weight of gold that came to Solomon in one year was six hundred and sixty-six talents of gold,
14 tisingaverengi mitero yaiuyiswa navatengesi navashambadziri. Uye madzimambo ose eArabhia navabati venyika vaiuyisa goridhe nesirivha kuna Soromoni.
besides that which the traders and merchants brought: and all the kings of Arabia and the governors of the country brought gold and silver to Solomon.
15 Mambo Soromoni akagadzira mazana maviri enhoo huru dzegoridhe rakapambadzirwa mazana matanhatu amashekeri egoridhe akapambadzirwa aipinda munhoo imwe neimwe.
King Solomon made two hundred large shields of beaten gold; six hundred shekels of beaten gold went to each shield.
16 Akagadzirazve nhoo diki dzaisvika mazana matatu negoridhe rakapambadzirwa, namashekeri mazana matatu egoridhe munhoo imwe neimwe. Mambo akaaisa muMuzinda weSango reRebhanoni.
He made three hundred shields of beaten gold; three hundred shekels of gold went to one shield: and the king put them in the house of the forest of Lebanon.
17 Ipapo mambo akagadzira chigaro chikuru choushe nenyanga dzenzou uye akachifukidza negoridhe rakaisvonaka.
Moreover the king made a great throne of ivory, and overlaid it with pure gold.
18 Chigaro ichi chakanga chine zvikwiriso zvitanhatu nechitsiko chetsoka chegoridhe chakanga chakabatana nechigaro ichi. Kumativi ose echigaro kwaiva nezvitsigiro zvamaoko, neshumba yakamira parutivi pechimwe nechimwe chazvo.
And there were six steps to the throne, with a footstool of gold, which were fastened to the throne, and stays on either side by the place of the seat, and two lions standing beside the stays.
19 Shumba gumi nembiri dzakanga dzakamira pazvikwiriso zvitanhatu, imwe chete kumucheto kwechikwiriso chimwe nechimwe. Hakuna zvakaita seizvi zvakanga zvambogadzirirwa humwe umambo.
Twelve lions stood there on the one side and on the other on the six steps: there was nothing like it made in any kingdom.
20 Mikombe yose yokunwa nayo yaMambo Soromoni yaiva yegoridhe, uye zvose zvomumba zvaiva muMuzinda weSango reRebhanoni zvaiva zvegoridhe rakaisvonaka. Hapana chakanga chakagadzirwa nesirivha, nokuti pamazuva aSoromoni sirivha yaionekwa seisina basa.
All king Solomon's drinking vessels were of gold, and all the vessels of the house of the forest of Lebanon were of pure gold: silver was nothing accounted of in the days of Solomon.
21 Mambo aiva nezvikepe zvokushambadzira zvaienda kunzvimbo dzakasiyana-siyana zvaifambiswa navanhu vaHiramu. Kamwe chete mumakore matatu zvaidzoka zviine goridhe, sirivha, nyanga dzenzou netsoko namakudo.
For the king had ships that went to Tarshish with the servants of Hiram; once every three years came the ships of Tarshish, bringing gold, and silver, ivory, and apes, and peacocks.
22 Mambo Soromoni akanga ari mukuru kwazvo muupfumi nouchenjeri kupfuura madzimambo ose enyika.
So king Solomon exceeded all the kings of the earth in riches and wisdom.
23 Madzimambo ose aitsvaga kutaura naSoromoni kuti vanzwe uchenjeri hwakanga hwaiswa naMwari mumwoyo make.
All the kings of the earth sought the presence of Solomon, to hear his wisdom, which God had put in his heart.
24 Gore negore vose vaiuya nezvipo midziyo yesirivha nezvegoridhe, nenguo, zvombo zvokurwa nazvo nezvinonhuhwira, namabhiza nembongoro.
They brought every man his tribute, vessels of silver, and vessels of gold, and clothing, armor, and spices, horses, and mules, a rate year by year.
25 Soromoni akanga ane zvidyiro zvamabhiza nengoro, zviuru zvina, namabhiza zviuru gumi nezviviri zvaaichengetera mumaguta engoro nemuJerusarema maaiva.
Solomon had four thousand stalls for horses and chariots, and twelve thousand horsemen, that he stationed in the chariot cities, and with the king at Jerusalem.
26 Aitonga madzimambo ose kubva kuRwizi kusvika kunyika yavaFiristia kusvikira kumuganhu neIjipiti.
He ruled over all the kings from the River even to the land of the Philistines, and to the border of Egypt.
27 Mambo akaita kuti sirivha iwanikwe pose pose samatombo muJerusarema uye kuti misidhari iwande semionde yemisikamo mujinga mamakomo.
The king made silver to be in Jerusalem as stones, and he made cedars to be as the sycamore trees that are in the lowland, for abundance.
28 Mabhiza aSoromoni akanga atengwa kubva kuIjipiti nokubva kune dzimwe nyika.
They brought horses for Solomon out of Egypt, and out of all lands.
29 Mamwe mabasa okutonga kwaSoromoni kubva kwokutanga kusvika kwokupedzisira, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo yomuprofita Natani, mashoko akaprofitwa naAhija muShironi nomuzviratidzo zvaIdho muoni pamusoro paJerobhoamu mwanakomana waNebhati?
Now the rest of the acts of Solomon, first and last, aren't they written in the history of Nathan the prophet, and in the prophecy of Ahijah the Shilonite, and in the visions of Iddo the seer concerning Jeroboam the son of Nebat?
30 Soromoni akatonga muJerusarema pamusoro peIsraeri yose kwamakore makumi mana.
Solomon reigned in Jerusalem over all Israel forty years.
31 Ipapo akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Uye Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
Solomon slept with his fathers, and he was buried in the City of David his father. And Rehoboam his son reigned in his place.

< 2 Makoronike 9 >