< 2 Makoronike 8 >
1 Kwapera makore makumi maviri, munguva iyo Soromoni akavaka temberi yaJehovha nomuzinda wake,
Al cabo de veinte años, cuando Salomón había construido el templo del Señor y un palacio para sí mismo,
2 Soromoni akavaka patsva misha yaakanga apiwa naHiramu, akagarisa vaIsraeri mairi.
Reconstruyó las ciudades que Hiram le había dado, haciendo que los hijos de Israel se establecieran allí.
3 Ipapo Soromoni akaenda kuHamati Zobha, akandorikunda.
Y Salomón fue a Hamat-soba y la tomó.
4 Akavaka Tadhimori murenje namaguta ose okuchengetera zvinhu aakavaka muHamati.
También reconstruye Tadmor en el desierto, y de todas las ruinas de Hamat;
5 Akavaka patsva Bheti Horoni Yokumusoro neBheti Horoni Yezasi samaguta akakomberedzwa namasvingo namasuo namazariro,
Y de Beth-horon, las ciudades más altas y las más bajas, amuralladas, con paredes, puertas y barras;
6 pamwe chete neBhaarati namaguta ake okuchengetera ose namaguta ose engoro dzake namabhiza ake, zvose zvaakada kuvaka muJerusarema muRebhanoni nomunyika yose yaaitonga.
Y de Baalat, y todos los pueblos de tiendas que Salomón tenía, y las ciudades donde guardaba sus carros de guerra y sus caballeros, y todo lo que tenía el placer de poner en Jerusalén y en el Líbano y en toda la tierra bajo su mando.
7 Vanhu vose vakasara kubva kuvaHiti, vaAmori, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi (vanhu ava vakanga vasiri vaIsraeri)
En cuanto al resto de los hititas, amorreos, ferezeos, heveos y los jebuseos, que no eran de Israel:
8 zvichireva kuti vana vavo vakasara munyika, avo vasina kuparadzwa navaIsraeri, ava Soromoni akavatora kuti vave vashandi vake vechibharo sezvazviri nanhasi.
Sus hombres que todavía vivían en la tierra, y a quienes los hijos de Israel no habían puesto fin, estos, Salomón los hizo tributarios, como se hace hasta hoy;
9 Asi Soromoni haana kuita vaIsraeri nhapwa kuti vamuitire basa rake; vaiva varwi vake, vatungamiri vavakuru vamapoka, uye vatungamiri vengoro navachairi vengoro.
Pero Salomón no hizo uso de los hijos de Israel como siervos para su trabajo; eran hombres de guerra, sus jefes y sus capitanes, y capitanes de sus carros de guerra y sus jinetes.
10 Vaivazve vakuru vavabati vamambo Soromoni, vakuru mazana maviri namakumi mashanu vaitungamirira vanhu.
Y estos eran los principales hombres en autoridad que tenía el rey Salomón: doscientos cincuenta de ellos, en autoridad sobre el pueblo.
11 Soromoni akauyisa mwanasikana waFaro kubva kuGuta raDhavhidhi akamuisa mumuzinda waakanga amuvakira nokuti akati, “Mudzimai wangu haafaniri kugara mumuzinda waDhavhidhi mambo waIsraeri nokuti nzvimbo dzose dzakambopinzwa areka yaJehovha itsvene.”
Entonces Salomón hizo subir a la hija de Faraón de la ciudad de David a la casa que él había hecho para ella; porque él dijo: No permitiré que mi esposa viva en la casa de David, rey de Israel, porque los lugares donde el cofre del pacto ha venido son santos.
12 Paaritari yaJehovha yaakanga avaka pamberi pebiravira, Soromoni akapisira zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha,
Entonces Salomón hizo holocaustos al SEÑOR sobre el altar del Señor, que él había puesto delante del pórtico;
13 maererano nezvaidikanwa zuva nezuva pazvipiriso sokurayirwa kwazvakanga zvaitwa naMozisi pamaSabata, Kugara kwoMwedzi weChingwa Chisina Mbiriso, Mutambo waMavhiki noMutambo waMatumba.
Ofreciendo todos los días lo que Moisés había ordenado, en los sábados y en la luna nueva y en las fiestas regulares tres veces al año, es decir, en la fiesta del pan sin levadura, la fiesta de las semanas y la fiesta de los tabernáculos.
14 Maererano nomutemo wababa wake Dhavhidhi, akapa mapoka avaprista mabasa avo uye vaRevhi kuti vatungamirire kurumbidza uye kuti vabatsire vaprista sezvaidikanwa zuva nezuva. Akapazve mabasa akasiyana-siyana, nokuti izvi ndizvo zvakanga zvarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari.
Y les dio los turnos de los sacerdotes su lugar para su trabajo, como lo ordenó su padre David, y a los levitas les dio su trabajo de alabanza y ayudar a los sacerdotes, para hacer lo que se necesitaba día a día; y él les daba turnos a los guardias de las puertas en cada puerta; porque así David, el hombre de Dios, había dado órdenes.
15 Havana kutsauka kubva pakurayira kwamambo kuvaprista kana kuvaRevhi munyaya ipi neipi kusanganisira yenzvimbo dzokuchengetera upfumi.
Todas las órdenes dadas por el rey a los sacerdotes y levitas, en relación con cualquier negocio o tesoros, se hicieron con cuidado.
16 Basa rose raSoromoni rakaitwa kubva pazuva rokuvakwa kwenheyo dzetemberi yaJehovha kusvikira pakupedziswa kwayo. Saka temberi yaJehovha yakapera kuvakwa.
Y toda la obra de Salomón se completó, desde el día en que puso la base de la casa del Señor en posición, hasta que Salomón llegó al final de la construcción de la casa del Señor.
17 Ipapo Soromoni akaenda kuEzioni Gebheri neErati pamahombekombe egungwa munyika yeEdhomu.
Entonces Salomón fue a Ezión-geber y a Elat junto al mar en la tierra de Edom.
18 Uye Hiramu akatumira zvikepe zvake zvakatungamirirwa namachinda ake varume vaiziva gungwa. Ava navanhu vaSoromoni, vakaenda nezvikepe kuOfiri uye vakandouya namatarenda mazana mana namakumi mashanu egoridhe, vakaapa kuna Mambo Soromoni.
Hiram le envió, junto con sus siervos, barcos y marineros experimentados, que fueron con los siervos de Salomón a Ofir y regresaron con cuatrocientos cincuenta talentos de oro, que llevaron al rey Salomón.