< 2 Makoronike 7 >

1 Soromoni paakapedza kunyengetera, moto wakaburuka kubva kudenga ukapisa chipiriso chinopiswa nezvibayiro uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi.
وقتی دعای سلیمان به پایان رسید، از آسمان آتشی فرود آمد و قربانیها را سوزانید و حضور پرجلال خداوند عبادتگاه را پر کرد، به طوری که کاهنان نتوانستند داخل خانهٔ خداوند شوند!
2 Vaprista vakatadza kupinda mutemberi yaJehovha nokuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwakaizadza.
3 VaIsraeri vose pavakaona moto uchiburuka uye kubwinya kwaJehovha kuri pamusoro petemberi, vakapfugama pachivara zviso zvavo zvakatarisa pasi, uye vakanamata vakavonga Jehovha vachiti: “Iye akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.”
بنی‌اسرائیل چون این منظره را دیدند بر خاک افتاده، خداوند را به سبب نیکویی و محبت بی‌پایانش سجده و ستایش کردند.
4 Ipapo mambo navanhu vose vakapa zvibayiro pamberi paJehovha.
آنگاه پادشاه و همۀ قوم قربانیها به خداوند تقدیم کردند.
5 Uye Mambo Soromoni akapa chibayiro chemombe zviuru makumi maviri nezviviri namakwai nembudzi zviuru zana namakumi maviri. Saka mambo navanhu vose vakakumikidza temberi yaMwari.
سلیمان پادشاه بیست و دو هزار گاو و صد و بیست هزار گوسفند قربانی کرد. به این ترتیب، پادشاه و همۀ قوم خانۀ خدا را تبرک نمودند.
6 Vaprista vakaenda panzvimbo dzavo sezvakaitwawo navaRevhi vane zviridzwa zvaJehovha zvakanga zvagadzirwa naMambo Dhavhidhi kuti zvishandiswe pakurumbidza Jehovha uye ndizvo zvakashandiswa pavakavonga vachiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Kune rumwe rutivi rwakatarisana navaRevhi, vaprista vakaridza hwamanda dzavo uye vaIsraeri vose vakanga vakamira.
کاهنان سر خدمت بودند و لاویان سرود شکرگزاری می‌خواندند و می‌گفتند: «محبت او بی‌پایان است.» آنها از آلات موسیقی‌ای استفاده می‌کردند که داوود پادشاه ساخته بود و در زمان او برای ستایش خداوند به کار می‌رفت. سپس وقتی کاهنان شیپورها را نواختند، تمام جماعت بر پا ایستادند.
7 Soromoni akatsaura nzvimbo yapakati pechivanze chapamberi petemberi yaJehovha uye ipapo akapa zvipiriso zvinopiswa namafuta ezvipiriso zvokuwadzana, nokuti aritari yendarira yaakanga agadzira yaisakwana zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvoupfu namafuta.
سلیمان آن روز، وسط حیاط خانهٔ خداوند را برای قربانی کردن تقدیس کرد، زیرا مذبح مفرغین گنجایش آن همه قربانیهای سوختنی و هدایای آردی و چربی قربانیهای سلامتی را نداشت.
8 Saka Soromoni akatamba mutambo panguva iyoyo kwamazuva manomwe, uye Israeri yose yakanga inaye, ungano huru kwazvo, vanhu vaibva kuRebho Hamati kusvika kuRwizi rweIjipiti.
سلیمان و تمام مردم اسرائیل، عید خیمه‌ها را تا هفت روز جشن گرفتند. عدهٔ زیادی از گذرگاه حمات تا سرحد مصر آمده بودند تا در این جشن شرکت کنند.
9 Pazuva rorusere vakaungana pamwe chete nokuti vakanga vapemberera kutsaurwa kwearitari kwamazuva manomwe uye mutambo uyu kwamamwezve mazuva manomwe.
آنها هفت روز برای تبرک مذبح و هفت روز دیگر برای عید خیمه‌ها صرف کردند و در روز آخر، جشن دیگری بر پا داشتند.
10 Pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechinomwe akaendesa vanhu kudzimba dzavo, vachifara uye mwoyo yavo ichifara nokuda kwezvinhu zvakanaka zvakanga zvaitwa naJehovha kuna Dhavhidhi naSoromoni nokuvanhu vake Israeri.
روز بعد یعنی بیست و سوم ماه هفتم، سلیمان مردم را روانهٔ خانه‌هایشان کرد. آنها برای تمام برکاتی که خداوند به داوود و سلیمان و قوم خود اسرائیل عطا کرده بود، خوشحال بودند.
11 Soromoni paakapedza temberi yaJehovha nomuzinda wake, uye abudirira mukuita zvose zvaaiva nazvo mupfungwa dzake kuita mutemberi yaJehovha nomumuzinda wake,
پس از آنکه سلیمان بنای خانهٔ خداوند و کاخ سلطنتی خود را تمام کرد و تمام طرحهایی را که برای آنها داشت تکمیل نمود،
12 Jehovha akazviratidza kwaari usiku akati: “Ndanzwa munyengetero wako uye ndazvisarudzira nzvimbo ino setemberi yezvibayiro.
یک شب، خداوند بر او ظاهر شد و فرمود: «من دعای تو را مستجاب کرده و این خانه را انتخاب نموده‌ام تا مردم در آنجا برای من قربانی کنند.
13 “Kana ndikapfiga matenga kukasava nemvura inonaya, kana kuti ndikarayira mhashu kuti dziparadze nyika kana kuti ndikatuma denda pakati pavanhu vangu,
هرگاه آسمان را ببندم تا باران نبارد، یا امر کنم که ملخ تمام محصولات زمین را بخورد، و بلا بر قوم خود نازل کنم،
14 kana vanhu vangu vanodaidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera vakatsvaga chiso changu, vakatendeuka kubva panzira dzavo dzakaipa, ipapo ndichavanzwa kubva kudenga uye ndicharegerera chivi chavo uye ndichaporesa nyika yavo.
اگر قوم من که به اسم من خوانده می‌شوند فروتن شده، دعا کنند و مرا بطلبند و از راههای بد خویش بازگشت نمایند، آنگاه ایشان را از آسمان اجابت نموده، گناهانشان را می‌بخشم و سلامتی را به سرزمین آنها باز می‌گردانم.
15 Zvino meso angu achaona uye nzeve dzangu dzichanzwa minyengetero ichapirwa munzvimbo ino.
از این پس، چشمانم بر این خانه خواهد بود و گوشهایم دعاهایی را که در آنجا کرده می‌شود خواهد شنید،
16 Ndasarudza ndikatsaura temberi ino kuti Zita rangu rivepo nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvicharamba zviripo.
زیرا این خانه را برگزیده‌ام و آن را تقدیس کرده‌ام تا نام من تا به ابد بر آن باشد. چشم و دل من همیشه بر این خانه خواهد بود.
17 “Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sezvakaitwa naDhavhidhi baba vako, uye ukaita zvose zvandichakurayira uye ukachengeta mitemo yangu nemirayiro yangu,
«اگر تو مثل پدرت داوود مرا پیروی کنی و اوامر و احکام مرا نگه داری،
18 ndichasimbisa chigaro chako choushe, sezvandakavimbisa Dhavhidhi baba vako pandakati, ‘Hauchazongokundikani kuva nomunhu achatonga Israeri.’
آنگاه همان‌طور که به پدرت داوود قول داده‌ام همیشه یک نفر از نسل او بر اسرائیل سلطنت خواهد کرد.
19 “Asi kana mukatsauka mukasiya mitemo nezvandakakurayirai, mukaenda kundoshumira vamwe vaMwari mukavanamata,
«ولی اگر شما از دستورهایی که به شما داده‌ام سرپیچی کنید و از من روی بگردانید و به بت‌پرستی بگرایید،
20 ipapo ndichadzura Israeri kubva kunyika yangu, yandakavapa, uye ndicharasira kure temberi iyi yandakazvitsaurira Zita rangu. Ndichaiita tsumo nechiseko pakati pamarudzi ose.
آنگاه بنی‌اسرائیل را از این سرزمین که به آنان بخشیده‌ام، بیرون می‌رانم و حتی این خانه را که به نام خود تقدیس نموده‌ام ترک خواهم گفت، به طوری که اسرائیل رسوا شده، زبانزد قومهای دیگر خواهد شد.
21 Uye kunyange temberi ino ichishamisa zvakadai, vose vachapfuura napairi vachakanuka vagoti, ‘Seiko Jehovha akaita chinhu chakadai kunyika ino nokutemberi iyi?’
این خانه که چنین شهرتی دارد با خاک یکسان خواهد گردید، به طوری که هر کس از کنارش بگذرد حیران شده، خواهد پرسید:”چرا خداوند با این سرزمین و این خانه چنین کرده است؟“
22 Vanhu vachapindura vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wamadzibaba avo, akavabudisa kubva muIjipiti uye vakanamatira kuna vamwe vamwari uye vachivanamata nokuvashumira, ndokusaka akauyisa njodzi iyi pavari.’”
در جواب خواهند گفت:”چون بنی‌اسرائیل خداوند، خدای اجدادشان را که آنها را از مصر بیرون آورده بود ترک گفته، بت‌پرست شدند، به همین علّت خدا این بلا را بر سر آنها آورده است.“»

< 2 Makoronike 7 >