< 2 Makoronike 6 >
1 Ipapo Soromoni akati, “Jehovha akati achagara mugore dema.
那時,所羅門說: 耶和華曾說他必住在幽暗之處。
2 Ndakuvakirai temberi yakanaka kwazvo, nzvimbo yokuti mugare nokusingaperi.”
但我已經建造殿宇作你的居所, 為你永遠的住處。
3 Ungano yose yaIsraeri ichakamirapo, mambo akatendeukira kwavari akavaropafadza.
王轉臉為以色列會眾祝福,以色列會眾就都站立。
4 Ipapo akati: “Ngaarumbidzwe Jehovha, Mwari waIsraeri iye azadzisa namaoko ake zvaakavimbisa nomuromo wake kuna baba vangu Dhavhidhi. Nokuti akati,
所羅門說:「耶和華-以色列的上帝是應當稱頌的!因他親口向我父大衛所應許的,也親手成就了。
5 ‘Kubva pazuva randakaburitsa vanhu vangu muIjipiti, handina kumbosarudza guta murudzi rupi norupi rwaIsraeri kuti Zita rangu rivakirwe temberi kuti rivepo, uye handina kumbosarudza mumwe munhu kuti ave mutungamiri wavanhu vangu vaIsraeri.
他說:『自從我領我民出埃及地以來,我未曾在以色列眾支派中選擇一城建造殿宇為我名的居所,也未曾揀選一人作我民以色列的君;
6 Asi zvino ndasarudza Jerusarema nokuda kweZita rangu kuti rivepo uye ndasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu vaIsraeri.’
但選擇耶路撒冷為我名的居所,又揀選大衛治理我民以色列。』」
7 “Baba vangu Dhavhidhi vaiva nazvo mumwoyo mavo kuti vavakire Zita raJehovha Mwari waIsraeri temberi.
所羅門說:「我父大衛曾立意要為耶和華-以色列上帝的名建殿,
8 Asi Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘nokuti zvaiva mumwoyo mako kuti uvakire Zita rangu temberi wakaita zvakanaka ukava nazvo mumwoyo mako.
耶和華卻對我父大衛說:『你立意要為我的名建殿,這意思甚好;
9 Asi kunyange zvakadaro, hausi iwe uchavaka temberi asi mwanakomana wako, anova nyama yako neropa rako, ndiye achavakira Zita rangu temberi.’
只是你不可建殿,惟你所生的兒子必為我名建殿。』
10 “Jehovha akachengeta chivimbiso chavakaita. Ini ndakatevera Dhavhidhi baba vangu uye zvino ndava kugara pachigaro choushe chaIsraeri sokuvimbisa kwakaita Jehovha, uye ndakavakira zita raJehovha Mwari waIsraeri temberi.
「現在耶和華成就了他所應許的話,使我接續我父大衛坐以色列的國位,是照耶和華所說的,又為耶和華-以色列上帝的名建造了殿。
11 Imomo ndakaisa areka ine sungano yaJehovha yaakaita navanhu veIsraeri.”
我將約櫃安置在其中,櫃內有耶和華的約,就是他與以色列人所立的約。」
12 Ipapo Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha pamberi peungano yose yaIsraeri akatambanudza maoko ake.
所羅門當着以色列會眾,站在耶和華的壇前,舉起手來,
13 Zvino akanga agadzira pokumira pakakwirira nendarira, pakanga pakareba makubhiti mashanu, pane upamhi hwamakubhiti mashanu uye pakakwirira makubhiti matatu, uye akanga apaisa pakati pechivanze chokunze. Akamira pokumira paya akapfugama pamberi peungano yose yaIsraeri akatambanudzira maoko ake kudenga.
(所羅門曾造一個銅臺,長五肘,寬五肘,高三肘,放在院中)就站在臺上,當着以色列的會眾跪下,向天舉手,
14 Akati: “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, hakuna mumwe Mwari akaita semi kudenga kana panyika. Imi munochengeta sungano yorudo navaranda venyu vanoramba vachifamba munzira yenyu nomwoyo wose.
說:「耶和華-以色列的上帝啊,天上地下沒有神可比你的!你向那盡心行在你面前的僕人守約施慈愛;
15 Makachengeta chivimbiso chenyu kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu; nomuromo wenyu makavimbisa uye noruoko rwenyu makazadzisa sezvazvakaita nhasi.
向你僕人-我父大衛所應許的話現在應驗了。你親口應許,親手成就,正如今日一樣。
16 “Zvino Jehovha, Mwari waIsraeri, chengeterai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu zvivimbiso zvamakaita kwaari pamakati, ‘Haungatongokundikani kuti uve nomunhu achagara pamberi pangu pachigaro choushe chaIsraeri, kana chete vanakomana vako vakachenjerera mune zvose zvavanoita kuti vafambe pamberi pangu maererano nomurayiro, sezvawakaita iwe.’
耶和華-以色列的上帝啊,你所應許你僕人-我父大衛的話說:『你的子孫若謹慎自己的行為,遵守我的律法,像你在我面前所行的一樣,就不斷人坐以色列的國位。』現在求你應驗這話。
17 Uye zvino, haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, itai kuti shoko renyu ramakavambisa muranda wenyu Dhavhidhi rizadziswe.
耶和華-以色列的上帝啊,求你成就向你僕人大衛所應許的話。
18 “Asi zvechokwadi, Mwari angagare panyika navanhu here? Hamungakwani mumatenga kunyange matenga okumusoro-soro, ko, kuzoti temberi yandavaka!
「上帝果真與世人同住在地上嗎?看哪,天和天上的天尚且不足你居住的,何況我所建的這殿呢?
19 Kunyange zvakadaro teererai munyengetero womuranda wenyu nokukumbira kwake kuti anzwirwe tsitsi, imi Jehovha Mwari wangu. Inzwai kuchema nomunyengetero uri kunyengeterwa nomuranda wenyu pamberi penyu.
惟求耶和華-我的上帝垂顧僕人的禱告祈求,俯聽僕人在你面前的祈禱呼籲。
20 Meso enyu ngaatarire kutemberi iyi masikati nousiku, nzvimbo iyi yamakati muchaisa Zita renyumo. Inzwai munyengetero womuranda wenyu waanonyengetera akatarisa kunzvimbo ino.
願你晝夜看顧這殿,就是你應許立為你名的居所;求你垂聽僕人向此處禱告的話。
21 Inzwai mikumbiro yomuranda wenyu neyavanhu venyu Israeri pavanenge vachinyengetera vakatarisa kunzvimbo ino. Inzwai kubva kudenga kwamunogara uye kana manzwa muregerere.
你僕人和你民以色列向此處祈禱的時候,求你從天上你的居所垂聽,垂聽而赦免。
22 “Kana munhu akatadzira muvakidzani wake uye kana akanzi aite mhiko uye kana akauya akazopika mhiko pamberi pearitari yenyu mutemberi ino,
「人若得罪鄰舍,有人叫他起誓,他來到這殿,在你的壇前起誓,
23 ipapo inzwai muri kudenga uye mugoita chimwe chinhu. Tongai pakati pavaranda venyu, muchimuripisa ane mhosva nokuburutsa pamusoro wake izvo zvaakaita. Ratidzai pachena uyo asina mhosva kuti haana zvaakatadza uye musimbise kusatadza kwake.
求你從天上垂聽,判斷你的僕人,定惡人有罪,照他所行的報應在他頭上;定義人有理,照他的義賞賜他。
24 “Kana vanhu venyu Israeri vakakundwa nomuvengi nokuti vakakutadzirai uye kana vakatendeuka vakapupura zita renyu, vachinyengetera uye vachikumbira pamberi penyu mutemberi muno,
「你的民以色列若得罪你,敗在仇敵面前,又回心轉意承認你的名,在這殿裏向你祈求禱告,
25 ipapo inzwai kubva kudenga uye muregerere chivi chavanhu venyu Israeri uye mugovadzosera kunyika yamakavapa ivo namadzibaba avo.
求你從天上垂聽,赦免你民以色列的罪,使他們歸回你賜給他們和他們列祖之地。
26 “Kana matenga akazarirwa uye kukasanaya mvura nokuti vanhu venyu vakutadzirai uye kana vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino vakapupura zita renyu uye vakatendeuka kubva muchivi chavo nokuti imi mavarwadzisa,
「你的民因得罪你,你懲罰他們,使天閉塞不下雨,他們若向此處禱告,承認你的名,離開他們的罪,
27 ipapo inzwai kubva kudenga muregerere chivi chavaranda venyu, vanhu venyu Israeri. Vadzidzisei nzira kwayo yokururama, uye tumirai mvura inaye panyika yamakapa vanhu venyu senhaka.
求你在天上垂聽,赦免你僕人和你民以色列的罪,將當行的善道指教他們,且降雨在你的地,就是你賜給你民為業之地。
28 “Kana nzara kana denda zvikauya panyika, kana nyunje, kana kuvhuvha kana mhashu kana magutaguta kana kuti vavengi vakavakomba mumaguta avo, ringava dambudziko ripi zvaro kana chirwere chorudzi rupi chingauya,
「國中若有饑荒、瘟疫、旱風、霉爛、蝗蟲、螞蚱,或有仇敵犯境,圍困城邑,無論遭遇甚麼災禍疾病,
29 uye kana munyengetero kana chikumbiro chikaitwa noupi zvake wavanhu venyu Israeri, mumwe nomumwe achinyatsonzwisisa matambudziko namarwadzo ake, uye kana akatambanudzira maoko ake kunzvimbo ino,
你的民以色列,或是眾人,或是一人,自覺災禍甚苦,向這殿舉手,無論祈求甚麼,禱告甚麼,
30 ipapo inzwai kubva kudenga kwamunogara. Regererai uye muitire mumwe nomumwe sezvaanoita, sezvo muchiziva mwoyo wake (nokuti imi moga ndimi munoziva mwoyo yavanhu),
求你從天上你的居所垂聽赦免。你是知道人心的,要照各人所行的待他們(惟有你知道世人的心),
31 kuitira kuti vagokutyai uye vagofamba munzira dzenyu panguva dzose dzavachararama munyika yamakapa kumadzibaba edu.
使他們在你賜給我們列祖之地上一生一世敬畏你,遵行你的道。
32 “Kana ari mutorwa asati ari mumwe wavanhu venyu Israeri asi akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu guru noruoko rwenyu rune simba noruoko rwenyu rwakatambanudzwa kana akauya akanyengetera akatarisa kutemberi ino,
「論到不屬你民以色列的外邦人,為你的大名和大能的手,並伸出來的膀臂,從遠方而來,向這殿禱告,
33 ipapo inzwai kubva kudenga, kwamunogara uye muitire mutorwa chipi nechipi chaanokumbira kwamuri kuitira kuti vanhu vose vapanyika vazive zita renyu uye vakutyei sezvinoitwa navanhu venyu Israeri, uye kuti vagoziva kuti imba ino yandavaka ine Zita renyu.
求你從天上你的居所垂聽,照着外邦人所祈求的而行,使天下萬民都認識你的名,敬畏你,像你的民以色列一樣,又使他們知道我建造的這殿是稱為你名下的。
34 “Kana vanhu venyu vakaenda kundorwisana navavengi vavo, kwose kwose kwamunenge mavatuma, uye kana vakanyengetera kwamuri vakatarira kuguta rino ramakasarudza nokutemberi yandavakira Zita renyu,
「你的民若奉你的差遣,無論往何處去與仇敵爭戰,向你所選擇的城與我為你名所建造的殿禱告,
35 ipapo inzwai ikoko kudenga munamato wavo nechikumbiro chavo, mutsigire mhaka yavo.
求你從天上垂聽他們的禱告祈求,使他們得勝。
36 “Kana vakakutadzirai, nokuti hapana munhu asingatadzi, uye kana mukavatsamwira mukavapa kumuvengi, anovatapa achivaendesa kunyika iri kure kana pedyo;
「你的民若得罪你(世上沒有不犯罪的人),你向他們發怒,將他們交給仇敵擄到或遠或近之地;
37 uye kana vakashandura mwoyo vari kunyika yavanenge vari nhapwa, vakatendeuka vakakumbira kwamuri vari munyika youtapwa vakati, ‘Takatadza, takakanganisa uye takaita zvakaipa,’
他們若在擄到之地想起罪來,回心轉意,懇求你說:『我們有罪了,我們悖逆了,我們作惡了』;
38 uye kana vakadzokerazve kwamuri nomwoyo wavo wose, nomweya wose munyika youtapwa kwavakaendeswa, uye vakanyengetera vakatarisa kunyika yamakapa madzibaba avo, vakatarisa kuguta ramakasarudza uye vakatarisa kutemberi yandakavakira Zita renyu;
他們若在擄到之地盡心盡性歸服你,又向自己的地,就是你賜給他們列祖之地和你所選擇的城,並我為你名所建造的殿禱告,
39 ipapo kubva kudenga, kwamunogara, inzwai munyengetero wavo nemikumbiro yavo uye muvatsigire muvakundise pamhaka yavo. Uye muregerere vanhu venyu vanenge vakutadzirai.
求你從天上你的居所垂聽你民的禱告祈求,為他們伸冤,赦免他們的過犯。
40 “Zvino Mwari wangu, dai meso enyu aona uye nzeve dzenyu dzateerera minyengetero ichanyengeterwa panzvimbo iyi.
「我的上帝啊,現在求你睜眼看,側耳聽在此處所獻的禱告。
41 “Zvino simukai imi Jehovha Mwari, muuye panzvimbo yenyu yokuzorora,
耶和華上帝啊,求你起來, 和你有能力的約櫃同入安息之所。 耶和華上帝啊,願你的祭司披上救恩; 願你的聖民蒙福歡樂。
42 Haiwa Jehovha Mwari, musaramba muzodziwa wenyu.
耶和華上帝啊,求你不要厭棄你的受膏者, 要記念向你僕人大衛所施的慈愛。」