< 2 Makoronike 5 >
1 Basa rose rakaitwa naSoromoni patemberi yaJehovha rakati rapera, akauyisa zvinhu zvakanga zvakakumikidzwa nababa vake Dhavhidhi, zvesirivha negoridhe nemidziyo yose akazviisa mudzimba dzokuchengetera dzetemberi yaMwari.
And all the work was finished that Solomon made for the house of Jehovah. And Solomon brought in the things that David his father had dedicated; and the silver, and the gold, and all the vessels he put among the treasures of the house of God.
2 Ipapo Soromoni akadana vakuru veIsraeri kuJerusarema, vose vakuru vamarudzi navakuru vemhuri dzeIsraeri, kuti vauyise areka yesungano yaJehovha kubva kuZioni Guta raDhavhidhi.
Then Solomon assembled the elders of Israel, and all the heads of the tribes, the princes of the fathers of the children of Israel, to Jerusalem, to bring up the ark of the covenant of Jehovah out of the city of David, which is Zion.
3 Uye varume vose veIsraeri vakauya pamwe chete kuna mambo panguva yomutambo mumwedzi wechinomwe.
And all the men of Israel assembled themselves to the king at the feast, that of the seventh month.
4 Vakuru vose vaIsraeri pavakasvika, vaRevhi vakasimudza areka,
And all the elders of Israel came; and the Levites took up the ark.
5 uye vakauyisa areka neTende Rokusangana nemidziyo inoyera yaivamo. Vaprista ava vaiva vaRevhi vakazvitakura vakakwira nazvo;
And they brought up the ark, and the tent of meeting, and all the holy vessels that were in the tent: the priests, the Levites, brought them up.
6 uye Mambo Soromoni neungano yose yaIsraeri yakanga yaungana paari vakanga vari pamberi peareka vachibayira makwai mazhinji kwazvo nemombe zhinji zvokuti zvaisagona kunyorwa kana kuverengeka.
And king Solomon, and all the assembly of Israel, that were assembled to him before the ark, sacrificed sheep and oxen which could not be counted nor numbered for multitude.
7 Ipapo vaprista vakauya neareka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo munzira tsvene yomukati metemberi, muNzvimbo Tsvene-tsvene vakaiisa pasi pemapapiro emakerubhi.
And the priests brought in the ark of the covenant of Jehovah to its place, into the oracle of the house, into the most holy place, under the wings of the cherubim;
8 Makerubhi akanga akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka uye akanga akafukidza areka namatanda ayo okutakurisa.
and the cherubim stretched forth [their] wings over the place of the ark, and the cherubim covered the ark and its staves above.
9 Matanda aya akanga akareba zvokuti miromo yawo, kubva paareka, aigona kuonekwa kubva nechemberi kwomukati menzvimbo tsvene, asi kwete uri kunze kweNzvimbo Tsvene. Uye achiripo nanhasi.
And the staves were long, so that the ends of the staves were seen outside the ark before the oracle; but they were not seen without. And there they are to this day.
10 Muareka makanga musina chinhu kunze kwamahwendefa maviri akanga aiswamo naMozisi paHorebhi, Jehovha pavakaita sungano neIsraeri mushure mokunge vabuda muIjipiti.
There was nothing in the ark save the two tables which Moses put there at Horeb, when Jehovah made [a covenant] with the children of Israel, when they came out of Egypt.
11 Ipapo vaprista vakabuda kubva muNzvimbo Tsvene. Vaprista vose vakanga varipo vakanga vazvinatsa zvisinei kuti vaiva vamapoka api.
And it came to pass when the priests were come out of the holy place (for all the priests that were present were hallowed without observing the courses;
12 VaRevhi vose vaiva vaimbi vaiti Asafi, Hemani, Jedhutuni navanakomana vavo nehama dzavo, vakamira kumabvazuva kwearitari vakapfeka micheka yakaisvonaka vachiridza makandira, mitengeranwa nembira. Vakanga vachiteverwa navaprista zana namakumi maviri vairidza hwamanda.
and the Levites the singers, all they of Asaph, of Heman, of Jeduthun, with their sons and their brethren, clad in byssus, with cymbals and lutes and harps, stood at the east end of the altar, and with them a hundred and twenty priests sounding with trumpets),
13 Varidzi vehwamanda navaimbi vakabatana pamwe chete sevane inzwi rimwe chete, vachirumbidza uye vachivonga Jehovha. Zvichibatana nehwamanda makandira nezvimwe zviridzwa vakasimudzira manzwi avo vachirumbidza Jehovha vakaimba vachiti: “Iye akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.” Ipapo temberi yaJehovha yakafukidzwa negore,
— it came to pass when the trumpeters and singers were as one, to make one voice to be heard in praising and thanking Jehovah; and when they lifted up their voice with trumpets, and cymbals, and instruments of music, and praised Jehovah: For he is good, for his loving-kindness [endureth] for ever; that then the house, the house of Jehovah, was filled with a cloud,
14 uye vaprista vakatadza kuita basa ravo nokuda kwegore iroro, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza temberi yaMwari.
and the priests could not stand to do their service because of the cloud; for the glory of Jehovah had filled the house of God.