< 2 Makoronike 4 >

1 Akavaka aritari yendarira yakanga yakareba makubhiti makumi maviri, uye upamhi hwayo hwaiva makubhiti makumi maviri uye yakareba makubhiti gumi kuenda mudenga.
Süleyman tunçtan bir sunak yaptırdı. Sunağın eniyle uzunluğu yirmişer arşın, yüksekliği on arşındı.
2 Akaita Gungwa resimbi, rakatenderera pakuvakwa kwaro, rakareba makubhiti gumi pamuromo waro kubva kune rumwe rutivi kusvika kune rumwe rutivi uye makubhiti mashanu kuenda mudenga. Zvaida tambo yakareba makubhiti makumi matatu kuti ikwanise kupoteredza gungwa iri.
Dökme tunçtan on arşın çapında, beş arşın derinliğinde, çevresi otuz arşın yuvarlak bir havuz yaptırdı.
3 Pazasi pomuromo, zvifananidzo zvehando zvairipoteredza, zviri gumi pakubhiti rimwe chete. Hando idzi dzakanga dzakaiswa mumitsara miviri dziri chinhu chimwe chete neGungwa.
Havuzun dışı boğa kabartmalarıyla kuşatılmıştı. Her arşında onar tane olan bu kabartmalar iki sıra halindeydi ve gövdeyle birlikte dökülmüştü.
4 Gungwa rakanga rakamira pamusoro pehando gumi nembiri, nhatu dzakatarisa kumusoro, nhatu dzakatarisa kumavirira, nhatu dzakatarisa zasi, uye nhatu dzakatarisa kumabvazuva. Gungwa rakanga rakagara pamusoro padzo uye shure kwadzo kwakanga kwakatarisa pakati.
Havuz üçü kuzeye, üçü batıya, üçü güneye, üçü de doğuya bakan on iki boğa heykeli üzerine oturtulmuştu. Boğaların sağrıları içe dönüktü.
5 Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita sokufara kwechanza uye muromo waro wakanga wakaita somuromo womukombe, seruva rehapa. Raizara namabhati zviuru zvitatu.
Havuzun çeperi dört parmak kalınlığındaydı; kenarları kâse kenarlarını, nilüferleri andırıyordu. Üç bin bat su alıyordu.
6 Akagadzirazve madhishi okusukira gumi akaisa mashanu kudivi rezasi, uye mashanu kudivi rokumusoro. Zvinhu zvose zvaizoshandiswa pazvipiriso zvinopiswa zvaisukirwamo, asi Gungwa raizoshandiswa navaprista pakushamba.
Süleyman yıkama işleri için on kazan yaptırdı. Beşini sunağın güneyine, beşini kuzeyine yerleştirdi. Yakmalık sunuların parçaları bunlarda yıkanırdı. Havuz ise kâhinlerin yıkanması içindi.
7 Akagadzira zvigadziko zvemwenje gumi zvegoridhe, sokurayirwa kwazvakanga zvaitwa akazviisa mutemberi, zvishanu akaisa zasi zvishanu kumusoro.
Süleyman tanıma uygun biçimde yaptırdığı on altın kandilliği tapınağın içine, beşi sağda, beşi solda olmak üzere yerleştirdi.
8 Akagadzira tafura gumi akadziisa mutemberi, shanu zasi uye shanu kumusoro. Akagadzirawo mbiya dzegoridhe zana dzokusasa.
Yaptırdığı on masanın beşini de tapınağın sağına, beşini soluna yerleştirdi. Ayrıca yüz altın çanak yaptırdı.
9 Akagadzira chivanze chavaprista, nechivanze chikuru nemikova yechivanze uye akafukidza mikova nendarira.
Kâhinlerin avlusunu, büyük avluyla kapılarını yaptırdı. Kapıları tunçla kaplattı.
10 Akaisa Gungwa kudivi rezasi, pakona yezasi yakadziva kumabvazuva.
Havuzu ise tapınağın güneydoğu köşesine yerleştirdi.
11 Akagadzirazve hari nefoshoro nembiya dzokusasa. Saka Hurami akapedza basa raakaitira mambo Soromoni mutemberi yaMwari sezvinotevera:
Hiram kovalar, kürekler, çanaklar yaptı. Böylece Kral Süleyman için üstlenmiş olduğu Tanrı'nın Tapınağı'yla ilgili işleri tamamlamış oldu:
12 mbiru mbiri; misoro miviri yakanga yakaumbwa sembiya pamusoro pembiru; mimbure miviri yakanga yakashongedza misoro miviri yakanga yakaumbwa pamusoro pembiru;
İki sütun ve iki yuvarlak sütun başlığı, bu başlıkları süsleyen iki örgülü ağ,
13 Matamba mazana mana emimbure miviri nemimwe yakanga yakashongedza misoro yakanga yakaumbwa sembiya pamisoro yembiru;
Sütunların yuvarlak başlıklarını süsleyen iki örgülü ağın üzerini ikişer sıra halinde süsleyen dört yüz nar motifi,
14 zvigadziko namadhishi azvo;
On kazan ve ayaklıkları,
15 Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro;
Havuz ve havuzu taşıyan on iki boğa heykeli,
16 hari, foshoro, forogo dzenyama, nemimwe midziyo yose. Zvinhu zvose zvakagadzirwa naHurami-Abhi zvamambo Soromoni zvetemberi yaJehovha zvaiva zvendarira inobwinya.
Kovalar, kürekler, büyük çatallar. Huram-Avi'nin Kral Süleyman için RAB'bin Tapınağı'na yaptığı bütün eşyalar parlak tunçtandı.
17 Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu mubani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani.
Kral bunları Şeria Ovası'nda, Sukkot ile Seredata arasındaki killi topraklarda döktürmüştü.
18 Zvinhu izvi zvose zvakagadzirwa naSoromoni zvakanga zvakawanda kwazvo zvokuti uremu hwendarira yakashandiswa hwakanga husingaverengeki.
Süleyman'ın yaptırdığı eşyalar o kadar çoktu ki, kullanılan tuncun hesabı tutulmadı.
19 Soromoni akagadzirazve midziyo yose yakanga iri mutemberi yaMwari yaiti: aritari yegoridhe; tafura dzaiva nechingwa choKuratidza;
Süleyman'ın Tanrı'nın Tapınağı için yaptırdığı altın eşyalar şunlardı: Altın sunak ve ekmeklerin Tanrı'nın huzuruna konduğu masalar,
20 zvigadziko zvemwenje zvegoridhe nemwenje yazvo kuti ipfute pamberi penzvimbo tsvene yomukati sezvakarayirwa;
İç odanın önüne yerleştirilen ve kurala uygun olarak yakılan saf altından kandilliklerle kandilleri,
21 maruva egoridhe nemwenje nembato (dzaiva dzegoridhe chairo);
Çiçek süslemeleri, kandiller, maşalar. –Bunlar saf altındandı.–
22 zvidzimiso zvemwenje, mbiya dzokusasa, madhishi nezvaenga zvomoto zvegoridhe yakaisvonaka namakonhi egoridhe, etemberi: makonhi omukati yapaNzvimbo Tsvene-tsvene namakonhi eimba huru.
Saf altın fitil maşaları, çanaklar, tabaklar, buhurdanlar ve tapınağın altın kapıları. En Kutsal Yer'in ve ana bölümün kapıları da altındandı.

< 2 Makoronike 4 >