< 2 Makoronike 35 >
1 Josia akapemberera Pasika kuna Jehovha muJerusarema, uye gwayana rePasika rakaurayiwa pazuva regumi nemana romwedzi wokutanga.
Josiah kept a Passover to Yahweh in Jerusalem, and they killed the Passover lambs on the fourteenth day of the first month.
2 Akagadza vaprista pamabasa avo akavakurudzira kuti vashumire mutemberi yaJehovha.
He placed the priests in their positions and encouraged them in the service of the house of Yahweh.
3 Akati kuvaRevhi, vaidzidzisa Israeri yose uye vakanga vakatsaurirwa kuna Jehovha, “Isai areka yesungano mutemberi yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsraeri. Haifaniri kutakurwa pamapfudzi enyu. Zvino shumirai Jehovha Mwari uye navanhu vake Israeri.
He said to the Levites who taught all Israel and who were set apart to Yahweh, “Put the holy ark in the house that Solomon son of David, king of Israel built. Do not carry it around on your shoulders any longer. Now worship Yahweh your God, and serve his people Israel.
4 Zvigadzirirei nemhuri dzenyu mumapoka enyu, maererano nezvakarayirwa zvakanyorwa naDhavhidhi mambo weIsraeri nomwanakomana wake Soromoni.
Organize yourselves by the name of your ancestral houses and your divisions, following the written instructions of David, king of Israel, and those of Solomon, his son.
5 “Mirai munzvimbo tsvene neboka ravaRevhi pachikamu chiduku cheboka chimwe nechimwe chemhuri dzehama dzenyu.
Stand in the holy place, taking your position with your divisions within the ancestral houses of your brothers, the descendants of the people, and taking your places with your divisions within the ancestral houses of the Levites.
6 Urayai makwayana ePasika muzvinatse mugadzirire makwayana kuitira hama dzenyu, muchiita zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.”
Kill the Passover lambs, consecrate yourselves, prepare the lambs for your brothers, to do according to the word of Yahweh that was given by the hand of Moses.”
7 Josia akapa vamwe vanhu vose vakanga varipo makwai nembudzi zvaisvika zviuru makumi matatu sezvipiriso zvePasika, uyewo nemombe zviuru zvitatu, zvose izvi zvakabva mupfuma yamambo.
Josiah gave to all the people thirty thousand lambs and kids from flocks for the Passover offerings to all who were present. He also gave three thousand bulls; these were from the king's possessions.
8 Machinda ake akapawo nokuda kwavo kuvanhu nokuvaprista navaRevhi. Hirikia, Zekaria naJehieri, mutariri mukuru wetemberi yaMwari akapa vaprista zvipiriso zviuru zviviri namazana matanhatu nemombe mazana matatu.
His leaders gave a free will offering to the people, priests, and Levites. Hilkiah, Zechariah, and Jehiel, the officials in charge of the house of God, gave to the priests for the Passover offerings 2,600 small cattle and three hundred oxen.
9 Uyewo Konania pamwe chete naShemaya naNetaneri vanunʼuna vake, naHashabhia, Jeyeri naJozabhadhi, vatungamiri vavaRevhi, vakapa zvipiriso zvePasika zviuru zvishanu nemombe mazana mashanu zvavaRevhi.
Also Konaniah, and Shemaiah and Nethanel, his brothers, and Hashabiah, Jeiel, and Jozabad, the chiefs of the Levites, gave to the Levites for the Passover offerings five thousand small cattle and five hundred oxen.
10 Nguva yokushumira yakati yarongwa, vaprista vakamira munzvimbo dzavo vaine vaRevhi mumapoka avo sezvakanga zvarayirwa namambo.
So the service was prepared, and the priests stood in their places, with the Levites by their divisions, in response to the king's command.
11 Makwayana ePasika akaurayiwa, vaprista vakasasa ropa ravakapiwa, vaRevhi vachivhiya mhuka idzi.
They killed the Passover lambs, and the priests sprinkled the blood that they received from the Levites' hand, and the Levites skinned the lambs.
12 Vakaisa parutivi zvipiriso zvinopiswa kuti vazvipe kuzvikamu zvamapoka emhuri dzavanhu kuti vazvipe kuna Jehovha sezvazvakanyorwa mubhuku raMozisi. Vakaita zvimwe chetezvo nemombe.
They removed the burnt offerings, in order to distribute them to the divisions of the ancestral houses of the people, to offer them to Yahweh, as it is written in the Book of Moses. They did the same with the bulls.
13 Vakagocha mhuka dzePasika pamoto nenzira yakarayirwa, vakabikira zvipiriso zvitsvene muhari, mumakate nomumakango uye vakapa vanhu vose nokukurumidza.
They roasted the Passover lambs with fire following the instructions. As for the consecrated offerings, they boiled them in pots, cauldrons, and pans, and they quickly carried them to all the people.
14 Vapedza izvi, vakatanga kugadzirira zvavo nezvavaprista, nokuti vaprista vezvizvarwa zvaAroni vakabayira zvipiriso zvinopiswa namafuta azvo kusvikira usiku. Saka vaRevhi vakazvigadzirira ivo navaprista vorudzi rwaAroni.
They later prepared offerings for themselves and for the priests, because the priests, the descendants of Aaron, were occupied in offering the burnt offerings and the fat until nightfall, so the Levites prepared the offerings for themselves and for the priests, the descendants of Aaron.
15 Vaimbi, zvizvarwa zvaAsafi, vakanga vari munzvimbo dzakanga dzarayirwa naDhavhidhi, Asafi, Hemani naJedhutuni muoni wamambo. Vachengeti vamasuo pasuo rimwe nerimwe vaisafanira kusiya nzvimbo dzavo nokuti dzimwe hama dzavo vaRevhi vaivagadzirirawo zvavo.
The singers, the descendants of Asaph, were in their place, as directed by David, Asaph, Heman, and Jeduthun the king's seer, and the guards were at every gate. They did not have to leave their post, because their brothers the Levites made preparations for them.
16 Saka panguva iyoyo basa rose raJehovha rakaitwa kuti vapemberere Pasika nezvipiriso zvinopiswa paaritari yaJehovha sezvakanga zvarayirwa naMambo Josia.
So, at that time the entire service of Yahweh was carried out for the celebration of the Passover and to offer burnt offerings on the altar of Yahweh, as King Josiah commanded.
17 VaIsraeri vakanga varipo vakapemberera Pasika panguva iyoyo vakacherechedza Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso kwamazuva manomwe.
The people of Israel who were present kept the Passover at that time, and then the Festival of Unleavened Bread for seven days.
18 Pasika haina kunge yambocherechedzwa saizvozvi muIsraeri kubva pamazuva omuprofita Samueri; uye hakuna kana mumwe chete pamadzimambo eIsraeri akanga apemberera Pasika sezvakaitwa naJosia navaprista, vaRevhi neJudha yose neIsraeri vakanga varipo navanhu veJerusarema.
Such a Passover celebration had never been held in Israel from the days of the prophet Samuel, nor had any of the other kings of Israel ever celebrated such a Passover as Josiah did, along with the priests, Levites, and all the people of Judah and Israel who were present, and the inhabitants of Jerusalem.
19 Pasika iyi yakapembererwa mugore regumi norusere rokutonga kwaJosia.
This Passover was kept in the eighteenth year of the reign of Josiah.
20 Mushure maizvozvi zvose, Josia paakanga agadziridza zvinhu mutemberi, Neko mambo weIjipiti, akakwidza kundorwa naye paKakemishi paYufuratesi, uye Josia akabudawo kundosangana naye kuti varwe.
After all this, after Josiah had set the temple in order, Necho, king of Egypt, went up to fight against Carchemish at the Euphrates River, and Josiah went to fight against him.
21 Asi Neko akatuma nhume kwaari achiti, “Ibopoto ripiko riripo pakati pangu newe, nhai mambo weJudha? Handina kuuya kuzorwa newe nhasi, asi neimba yandiri kurwisana nayo. Mwari andiudza kuti ndikurumidze; saka mira kurwisana naMwari, ari kurutivi rwangu, kana kuti achakuparadza.”
But Necho sent ambassadors to him, saying, “What have I to do with you, king of Judah? I am not coming against you today, but against the house with which I am making war. God has commanded me to hurry, so refrain from interfering with God, who is with me, or he might destroy you.”
22 Kunyange zvakadaro Josia haana kubva kwaari asi akazvishandura kuti arwe naye muhondo. Haana kuda kuteerera zvakanga zvataurwa naNeko sokurayira kwaMwari asi akaenda kundorwa naye pabani reMegidho.
However, Josiah refused to turn away from him. He disguised himself in order to fight with him. He did not listen to the words of Necho that had come from the mouth of God; so he went to fight in the Valley of Megiddo.
23 Vawemburi vouta vakapfura Mambo Josia, uye iye akati kumachinda ake, “Ndibvisei pano; ndakuvara zvakaipisisa.”
Archers shot King Josiah, and the king said to his servants, “Take me away, for I am badly wounded.”
24 Saka vakamutora vakamuburitsa mungoro yake vakamuisa mune imwe ngoro yaakanga anayo, vakauya naye kuJerusarema, kwaakandofira. Akavigwa mumakuva amadzibaba ake, uye Judha yose neJerusarema vakamuchema.
So his servants took him out of the chariot, and put him in his extra chariot. They took him to Jerusalem, where he died. He was buried in the tombs of his ancestors. All Judah and Jerusalem mourned for Josiah.
25 Jeremia akanyora dzimbo dzokuchema Josia, uye kusvikira nhasi vaimbi vechirume nevechikadzi vose vanorangarira Josia munziyo idzodzo dzokuchema.
Jeremiah lamented for Josiah; all the male and female singers lament about Josiah to this day. These songs became customary in Israel; behold, they are written in the songs of lament.
26 Zvimwe zvakaitwa naJosia panguva yokutonga kwake, namabasa okuzvipira kwake maererano nezvakanyorwa mumurayiro waJehovha,
As for the other matters concerning Josiah, and his good deeds done in obedience to what is written in the law of Yahweh—
27 zvose zvaakaita kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira zvakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri neJudha.
and his deeds, from beginning to end, are written in the book of the kings of Judah and Israel.