< 2 Makoronike 32 >

1 Mushure mezvose zvakaitwa naHezekia nokutendeka kwakadai, Senakeribhi mambo weAsiria akauya akapamba Judha. Akakomba maguta aiva namasvingo achifunga kuapamba kuti ave ake.
مدتی بعد از اصلاحات حِزِقیای پادشاه، سنحاریب، پادشاه آشور به سرزمین یهودا هجوم آورد و شهرهای حصاردار را محاصره کرد و در صدد تسخیر آنها برآمد.
2 Hezekia paakaona kuti Senakeribhi akanga auya uye kuti aida kurwisa Jerusarema,
وقتی حِزِقیا فهمید که سنحاریب قصد حمله به اورشلیم را دارد
3 akabvunza machinda ake navatungamiri vehondo nezvekuvharwa kwemvura yaibva muzvitubu zvaiva kunze kweguta uye vakamubatsira.
با مقامات مملکتی و فرماندهان سپاه به مشورت پرداخت. آنها تصمیم گرفتند چشمه‌های آب بیرون شهر را ببندند.
4 Hondo huru kwazvo yakaungana, vakavhara zvitubu zvose norukova rwaiyerera ruchipfuura nomunyika iyi. Vakati, “Ko, madzimambo eAsiria angauyirei achizowana mvura zhinji.”
پس عدهٔ زیادی از مردم را جمع کردند و چشمه‌ها و نهری را که در میان مزرعه‌ها جاری بود، مسدود ساختند. آنها گفتند: «نباید بگذاریم پادشاه آشور به آب دسترسی پیدا کند.»
5 Ipapo akashanda nesimba akagadziridza zvikamu zvose zvorusvingo zvakanga zvakoromoka akavaka shongwe parwizi. Akavakazve rumwe rusvingo kunze kwerwakanga rwuripo akasimbisa Miro yaitsigira guta raDhavhidhi. Akagadzirawo zvombo zvakawanda nenhoo.
سپس حِزِقیا قسمتهای خراب شدهٔ حصار اورشلیم را تعمیر کرد و بر آن برجهایی ساخت. او حصار دیگری نیز در پشت حصار اصلی درست کرده به این وسیله نیروی دفاعی خود را تقویت نمود. همچنین قلعهٔ ملو را که در شهر داوود بود مستحکم نمود و تعداد زیادی سلاح و سپر تهیه دید.
6 Akagadza vakuru vehondo pamusoro pavanhu akavaunganidza pamberi pake pachivara chepasuo reguta akavakurudzira namashoko aya:
حِزِقیا مردم شهر را فرا خواند و فرماندهان بر آنها گماشت و آنها را در دشت وسیع مقابل شهر جمع کرده، با این کلمات آنها را تشویق نمود:
7 “Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuora mwoyo nokuda kwamambo weAsiria nehondo huru yaanayo, nokuti kune simba guru kwatiri kupinda raanaro.
«دلیر و قوی باشید و از پادشاه آشور و سپاه بزرگ او نترسید، زیرا آن که با ماست تواناتر از اوست!
8 Iye ane ruoko rwenyama chete, asi isu tina Jehovha Mwari wedu kuti atibatsire uye anotirwira hondo dzedu.” Vanhu vakawana kusimbisiswa nokushinga kubva pane zvakanga zvataurwa naHezekia mambo weJudha.
پادشاه آشور سپاه بزرگی همراه خود دارد ولی آنها انسانهایی بیش نیستند، اما ما خداوند، خدای خود را همراه خود داریم که به ما کمک می‌کند و برای ما می‌جنگد.» این سخنان حِزِقیا به ایشان قوت قلب بخشید.
9 Shure kwaizvozvo, Senakeribhi mambo weAsiria nehondo yake pavakanga vakakomba guta reRakishi, akatumira vakuru vehondo yake kuJerusarema neshoko iri kuna Hezekia mambo weJudha nokuvanhu vose veJudha vaivako achiti:
آنگاه سنحاریب، پادشاه آشور که با سپاه بزرگ خود شهر لاکیش را محاصره کرده بود، قاصدانی را با این پیام نزد حِزِقیا و مردم یهودا که در اورشلیم جمع شده بودند فرستاد:
10 “Zvanzi naSenakeribhi mambo weAsiria: Munozvisimbisa neiko, kuti mungaramba muri muJerusarema rakakombwa?
«سنحاریب، پادشاه آشور چنین می‌گوید: به چه کسی امید بسته‌اید که در اورشلیم در محاصره باقی می‌مانید؟
11 Hezekia paanoti, ‘Jehovha Mwari wedu achatinunura kubva muruoko rwamambo weAsiria,’ ari kukureverai nhema kuti mufe nenzara nenyota.
حِزِقیای پادشاه با این وعده که خداوند شما را از چنگ پادشاه آشور خواهد رهانید، می‌خواهد شما را آنقدر در آنجا نگه دارد تا از گرسنگی و تشنگی بمیرید.
12 Hezekia haana here kubvisa nzvimbo dzakakwirira dzamwari iyeyu nearitari achiti kuJudha neJerusarema, ‘Munofanira kunamata pamberi pearitari imwe chete uye munofanira kubayira zvipiriso pairi’?
مگر همین حِزِقیا نبود که تمام معبدهای خدا را که بر فراز تپه‌ها بود خراب کرد و به یهودا و اورشلیم دستور داد که فقط در برابر یک مذبح عبادت کنند و فقط بر روی آن بخور بسوزانند؟
13 “Hamuzivi here zvandakaita namadzibaba angu kuvanhu vedzimwe nyika? Vamwari venyika idzodzo vakagona here kununura nyika yavo kubva muruoko rwangu?
مگر نمی‌دانید من و اجداد من چه بر سر قومهای دیگر آورده‌ایم؟ کدام یک از خدایان آن قومها توانستند برای نجات سرزمینشان کاری انجام دهند؟ پس آیا فکر می‌کنید خدای شما می‌تواند شما را از چنگ من برهاند؟
14 Ndoupi mwari wenyika dzose dzakaparadzwa namadzibaba angu akagona kuponesa vanhu vake kubva kwandiri? Zvino mwari wenyu angagona sei kukununurai kubva muruoko rwangu?
15 Zvino musatendera Hezekia kuti akureverei nhema uye akutsausei zvakadai. Musamutende, nokuti hakuna mwari worudzi rupi kana umambo hupi zvahwo akagona kurwira vanhu vake kubva muruoko rwangu kana ruoko rwamadzibaba angu. Mwari wenyu achakundikana zvakadii kukurwirai kubva muruoko rwangu!”
نگذارید حِزِقیا شما را فریب دهد. حرفهای او را باور نکنید. باز هم می‌گویم، خدایان هیچ مملکتی تاکنون نتواسته‌اند قوم خود را از دست من و اجدادم برهانند، چه رسد به خدای شما.»
16 Makurukota aSenakeribhi akataurazve zvimwe zvakawanda achishora Jehovha Mwari uye achipikisana naHezekia muranda wake.
قاصدان پادشاه آشور، سخنان اهانت‌آمیز بسیاری بر ضد خداوند و خدمتگزار او حِزِقیا گفتند.
17 Mambo akanyorazve tsamba achituka Jehovha, Mwari weIsraeri achitaura izvi pamusoro pake: “Sokukundikana kwavamwari vedzimwe nzvimbo kununura vanhu vake kubva muruoko rwangu, saizvozvo mwari waHezekia achakundikana kununura vanhu vake kubva muruoko rwangu.”
همچنین پادشاه آشور نامه‌ای به این مضمون بر ضد خداوند، خدای اسرائیل نوشته، او را اهانت نمود: «خدایان ممالک دیگر نتوانستند قوم خود را از چنگ من برهانند، پس خدای حِزِقیا هم نخواهد توانست قوم خود را از دست من برهاند.»
18 Ipapo vakadaidzira muchiHebheru kuvanhu veJerusarema vakanga vari parusvingo, vachivatyisidzira vachivaita kuti vatye kuti ivo vagopamba guta.
قاصدان با صدای بلند به زبان عبری، مردم اورشلیم را که روی حصار شهر جمع شده بودند تهدید می‌کردند و سعی داشتند آنها را بترسانند و مضطرب کنند تا بتوانند شهر را بگیرند.
19 Vakataura pamusoro paMwari weJerusarema zvavaiita pamusoro pavamwe vamwari namamwe marudzi enyika, mabasa amaoko avanhu.
قاصدان گمان می‌کردند خدای اورشلیم هم مانند خدایان سایر کشورها ساخته و پرداختهٔ دست انسان است؛ به این دلیل بود که چنین سخن می‌گفتند.
20 Mambo Hezekia nomuprofita Isaya mwanakomana waAmozi vakachema mumunyengetero kudenga pamusoro penyaya iyi.
سپس حِزِقیای پادشاه و اشعیای نبی (پسر آموص) دعا کردند و از خدا کمک طلبیدند.
21 Uye Jehovha akatuma mutumwa akaparadza varwi vose navatungamiri navakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka akadzokera kunyika yake achinyara kwazvo uye paakapinda mutemberi yamwari wake vamwe vavanakomana vake vakamuuraya neminondo.
خداوند نیز فرشته‌ای فرستاد و سربازان آشور و همهٔ فرماندهان و افسرانشان را هلاک کرد. پس سنحاریب با خفت به سرزمین خود بازگشت و هنگامی که داخل معبد خدای خود شد، پسران خودش او را در آنجا کشتند.
22 Saka Jehovha akanunura Hezekia navanhu veJerusarema kubva muruoko rwaSenakeribhi mambo weAsiria uye kubva muruoko rwavamwe vose. Akavachengeta kumativi ose.
به این طریق خداوند، حِزِقیا و مردم اورشلیم را از دست سنحاریب پادشاه آشور و سایر دشمنان نجات داد و در سراسر مملکت او صلح و امنیت برقرار نمود.
23 Vazhinji vakavigira Jehovha zvipo kuJerusarema nezvipo zvinokosha kuna Hezekia mambo weJudha. Kubva ipapa akatanga kuremekedzwa zvikuru nendudzi dzose.
عدهٔ زیادی به اورشلیم آمده، هدایایی برای خداوند و حِزِقیا آوردند. از آن پس، حِزِقیای پادشاه در میان تمام قومها بسیار سربلند شد.
24 Pamazuva iwayo Hezekia akarwara akasvika pakuda kufa. Akanyengetera kuna Jehovha iye akamupindura akamupa chiratidzo chechishamiso.
در آن روزها حِزِقیا بیمار شد و نزدیک بود بمیرد. او به درگاه خداوند دعا کرد و خداوند به او نشان داد که شفا خواهد یافت.
25 Asi mwoyo waHezekia wakazvikudza uye haana kugamuchira tsitsi dzaakanga aratidzwa. Saka hasha dzaJehovha dzakava pamusoro pake napamusoro peJudha neJerusarema.
اما حِزِقیا مغرور شد و پس از شفایش مطابق میل خدا رفتار نکرد، به همین علّت خشم خدا علیه او و یهودا و اورشلیم افروخته گردید.
26 Ipapo Hezekia akatendeuka kubva mukuzvikudza kwomwoyo wake, sezvakaitawo vanhu veJerusarema, naizvozvo hasha dzaMwari hadzina kuuya kwavari pamazuva aHezekia.
آنگاه حِزِقیا و ساکنان اورشلیم از غرور خود توبه کردند و در نتیجه در طول حیات حِزِقیا، غضب خداوند بر آنها نازل نشد.
27 Hezekia akanga ane pfuma yakawanda kwazvo uye nokukudzwa, uye akavaka matura okuchengeta sirivha yake negoridhe namatombo anokosha, nezvinonhuhwira, nenhoo nezvimwe zvinokosha zvose.
حِزِقیا بسیار ثروتمند شد و به اوج افتخار رسید. به دستور او برای نگه داری طلا و نقره و جواهرات و عطریات و اشیاء قیمتی و سپرهایش، انبارها ساختند.
28 Akavakawo matura okuchengetera zviyo zvaaikohwa, waini itsva, namafuta; uye akavaka matanga emombe dzamarudzi akasiyana-siyana namatanga amakwai.
او همچنین انبارها برای ذخیره کردن غلات، شراب و روغن زیتون؛ طویله‌ها برای حیوانات و آغلها برای گله‌ها ساخت.
29 Akavaka misha uye akatenga makwai nemombe zhinji nokuti Mwari akanga amupa pfuma yakawanda.
خدا گله‌ها و رمه‌ها و ثروت زیادی به او بخشید و او برای نگه داری آنها شهرها ساخت.
30 Hezekia ndiye akavhara mvura yaibuda muchitubu chepaGihoni ichiyerera nokumusoro akaivhurira kuti iende nezasi kumavirazuva kweGuta raDhavhidhi. Akabudirira mune zvose zvaiita.
حِزِقیا جلوی نهر بالایی جیحون یک سد درست کرد و آب آن را به سمت غرب شهر داوود جاری نمود. او به هر کاری دست می‌زد موفق می‌شد.
31 Asi pakatumwa nhume navatongi veBhabhironi kuti vamubvunze pamusoro pechiratidzo chechishamiso chakanga chaitika munyika, Mwari akamusiya kuti amuedze uye kuti azive zvose zvaiva mumwoyo make.
اما وقتی فرستادگانی از بابِل آمدند تا دربارهٔ معجزهٔ شفا یافتن او اطلاعاتی کسب کنند، خدا حِزِقیا را به حال خود واگذاشت تا ماهیت خود را نشان دهد و معلوم شود چگونه آدمی است.
32 Zvimwe zvakaitwa naHezekia panguva yokutonga kwake zvakanyorwa muchiratidzo chomuprofita Isaya mwanakomana waAmozi mubhuku ramadzimambo eJudha neIsraeri.
شرح بقیهٔ رویدادهای دوران سلطنت حِزِقیا و کارهای خوب او در کتاب اشعیای نبی (پسر آموص) و کتاب «تاریخ پادشاهان یهودا و اسرائیل» نوشته شده است.
33 Hezekia akazorora namadzibaba ake akavigwa pachikomo pane makuva ezvizvarwa zvaDhavhidhi. Judha yose navanhu veJerusarema vakamuremekedza paakafa. Uye mwanakomana wake Manase akamutevera paumambo.
وقتی حِزِقیا مرد او را در قسمت بالایی آرامگاه سلطنتی در کنار پسران داوود به خاک سپردند و تمام یهودا و اورشلیم در زمان وفاتش نسبت به او ادای احترام کردند. پس از او پسرش منسی بر تخت سلطنت نشست.

< 2 Makoronike 32 >