< 2 Makoronike 31 >

1 Izvi zvose pazvakapera, vaIsraeri vakanga varipo vakabuda vakaenda kumaguta eJudha vakaputsa matombo ose anoera uye vakatema matanda aAshera. Vakaparadza nzvimbo dzakakwirira nearitari muJudha yose neBhenjamini nomuEfuremu neManase. Vapedza kuparadza zvose vaIsraeri vakadzokera kumaguta avo nokuzvinhu zvavo.
この事がすべて終った時、そこにいたイスラエルびとは皆、ユダの町々に出て行って、石柱を砕き、アシラ像を切り倒し、ユダとベニヤミンの全地、およびエフライムとマナセにある高き所と祭壇とを取りこわし、ついにこれをことごとく破壊した。そしてイスラエルの人々はおのおのその町々、その所領に帰った。
2 Hezekia akaisa vaprista navaRevhi mumapoka avo mumwe nomumwe wavo mumabasa avo savaprista kana kuti vaRevhi kuti vape zvipiriso zvinopiswa nezvipo zvokuyananisa kuti vashumire, kuti varonge uye kuti vaimbe nziyo dzokurumbidza pamasuo enzvimbo yaJehovha yokugara.
ヒゼキヤは祭司およびレビびとの班を定め、班ごとにおのおのその勤めに従って、祭司とレビびとに燔祭と酬恩祭をささげさせ、主の営の門で勤めをし、感謝をし、さんびをさせた。
3 Mambo akapawo kubva mupfuma yake zvipiriso zvinoitwa mangwanani nemadekwana, nezvipiriso zvinopiswa zvamaSabata, zvoKugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakatarwa sezvazvakanyorwa muMurayiro waJehovha.
また燔祭のために自分の財産のうちから王の分を出した。すなわち朝夕の燔祭および安息日、新月、定めの祭などの燔祭のために出して、主の律法にしるされているとおりにした。
4 Akarayira vanhu vaigara muJerusarema kuti vape zvakakodzera kupiwa vaprista navaRevhi kuti ivo vazvipire kuMurayiro waJehovha.
またエルサレムに住む民に、祭司とレビびとにその分を与えることを命じた。これは彼らをして主の律法に身をゆだねさせるためである。
5 Shoko parakangoenda, vaIsraeri vakapa zvakawanda zvibereko zvokutanga zvezvirimwa zvavo, waini itsva, mafuta nouchi nezvose zvakabuda muminda yavo. Vakauyisa zvakawanda, chegumi chezvose.
その命令が伝わるやいなや、イスラエルの人々は穀物、酒、油、蜜ならびに畑のもろもろの産物の初物を多くささげ、またすべての物の十分の一をおびただしく携えて来た。
6 Varume veIsraeri neJudha vaigara mumaguta eJudha vakauyisa chegumi chamatanga avo nechegumi chezvinhu zvitsvene zvakakumikidzwa kuna Jehovha Mwari wavo, uye vakazviisa mumatutu matatu.
ユダの町々に住んでいたイスラエルとユダの人々もまた牛、羊の十分の一ならびにその神、主にささげられた奉納物を携えて来て、これを積み重ねた。
7 Vakatanga kuita izvi mumwedzi wechitatu vakazopedza mumwedzi wechinomwe.
三月にこれを積み重ねることを始め、七月にこれを終った。
8 Hezekia namakurukota ake pavakauya vakaona matutu ezvinhu, vakarumbidza Jehovha uye vakaropafadza vanhu vake Israeri.
ヒゼキヤおよびつかさたちは来て、その積み重ねた物を見、主とその民イスラエルを祝福した。
9 Hezekia akabvunza vaprista navaRevhi nezvamatutu aya.
そしてヒゼキヤがその積み重ねた物について祭司およびレビびとに問い尋ねた時、
10 Azaria muprista mukuru kubva kuimba yaZadhoki akapindura achiti, “Kubva zvakatanga vanhu kuuyisa zvipo zvavo kutemberi yaJehovha, takawana zvokudya zvakatiringana, nezvizhinji zvaisara, nokuti Jehovha akaropafadza vanhu vake, uye izvi zvizhinji ndizvo zvakasara.”
ザドクの家から出た祭司の長アザリヤは彼に答えて言った、「民が主の宮に供え物を携えて来ることを始めてからこのかた、われわれは飽きるほど食べたが、たくさん残りました。主がその民を恵まれたからです。それでわれわれは、このように多くの残った物をもっているのです」。
11 Hezekia akarayira kuti kugadzirwe matura okuchengetera zvinhu mutemberi yaJehovha, izvi zvikaitwa.
そこでヒゼキヤは主の宮のうちに室を設けることを命じたので、彼らはこれを設け、
12 Ipapo vakauyisa zvipo zvavo vakatendeka, nezvegumi nezvipo zvakakumikidzwa. Konania muRevhi ndiye aiva mutariri wezvinhu izvi uye mununʼuna wake Shimei ndiye aimutevera.
その供え物の十分の一および奉納物を忠実に携え入れた。これをつかさどる者のかしらはレビびとコナニヤで、その兄弟シメイは彼に次ぐ者となり、
13 Jehieri, Azazia, Nahati, Asaheri, Jerimoti, Jozabhadhi, Erieri, Isimakia, Mahati, naBhenaya vaiva vatariri vari pasi paKonania naShimei mununʼuna wake, sokupiwa basa kwavakaitwa naMambo Hezekia naAzaria muchinda aiona nezvetemberi yaMwari.
エヒエル、アザジヤ、ナハテ、アサヘル、エレモテ、ヨザバデ、エリエル、イスマキヤ、マハテ、ベナヤらは、ヒゼキヤ王および神の宮のつかさアザリヤの任命によって、コナニヤおよびその兄弟シメイを助けて、その監督者となった。
14 Kore mwanakomana waImina muRevhi, muchengeti weSuo rokumabvazuva, ndiye aichengeta zvipo zvokupa nokuzvisarudzira kuna Mwari achizogovera zvipo zvaipiwa kuna Jehovha pamwe chete nezvipo zvakatsaurwa.
東の門を守る者レビびとイムナの子コレは、神にささげる自発のささげ物をつかさどり、主の供え物および最も聖なる物を分配した。
15 Edheni, Miniamini, Jeshua, Shemaya, Amaria naShekania vakamubatsira vakatendeka mumaguta avaprista, vachigovera vamwe vaprista mumapoka avo, vakuru navadiki zvakafanana.
彼を助ける者はエデン、ミニヤミン、エシュア、シマヤ、アマリヤおよびシカニヤで、皆祭司の町々でその兄弟たちに、班によって、老若ひとしく忠実に分配した。
16 Pamusoro pezvo vakagovera kuvanhurume vaiva namakore matatu zvichikwira avo vaiva namazita avo akanyorwa mumagwaro enhoroondo, vose avo vaizopinda mutemberi yaJehovha kuti vaite mabasa ezuva nezuva akasiyana-siyana, zvichienderana nezvavakatarirwa kuti vaite uye namapoka avo.
ただしすべて登録された三歳以上の男子で主の宮に入り、その班に従って日々の職分をつくし、その受持の勤めをなす者は除かれた。
17 Uye vakagovera kuvaprista sokunyorwa kwazvakaitwa munhoroondo yavo mumhuri dzavo, uye saizvozvowo kuvaRevhi, vaiva namakore makumi maviri zvichikwira zvichienderana namabasa avo namapoka avo.
祭司の登録はその氏族によってなされ、二十歳以上のレビびとの登録はその班により、その受持にしたがってなされた。
18 Vaisanganiswa vadiki vose, vakadzi, navanakomana navanasikana venzvimbo yose vakanyorwa munhoroondo nokuti vakanga vakatendeka pakuzvinatsa.
また祭司はその幼な子、その妻、そのむすこ、その娘、全会衆と共に登録した。彼らは忠実に身を聖なる事にささげたからである。
19 Kuvaprista, zvizvarwa zvaAroni vaigara mumaruwa akanga akakomberedza maguta avo kana mune mamwe maguta, varume vakapiwa mabasa namazita avo kuti vape migove kuno murume mumwe nomumwe aiva pakati pavo nokuna vose vakanga vakanyorwa mumabhuku enhoroondo dzavaRevhi.
また町々の放牧地におるアロンの子孫である祭司たちのためには、町ごとに人を名ざし選んで、祭司のうちのすべての男およびレビびとのうちの登録されたすべての者に、その分を与えさせた。
20 Izvi ndizvo zvakaitwa naHezekia muJudha yose achiita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama uye zvakatendeka pamberi paJehovha Mwari wake.
ヒゼキヤはユダ全国にこのようにし、良い事、正しい事、忠実な事をその神、主の前に行った。
21 Mune zvose zvaakaita mukushandira temberi yaMwari uye mukutevera murayiro nezvakarayirwa, akatsvaka Mwari wake akashanda nomwoyo wose. Saka akabudirira.
彼がその神を求めるために神の宮の務につき、律法につき、戒めについて始めたわざは、ことごとく心をつくして行い、これをなし遂げた。

< 2 Makoronike 31 >