< 2 Makoronike 30 >

1 Hezekia akatuma shoko kuIsraeri yose neJudha yose akanyorera tsamba Efuremu neManase achivakoka kuti vauye kutemberi yaJehovha muJerusarema uye vazopemberera Pasika kuna Jehovha, Mwari weIsraeri.
And Ezechias sent to all Israel and Juda: and he wrote letters to Ephraim and Manasses, that they should come to the house of the Lord in Jerusalem, and keep the phase to the Lord the God of Israel.
2 Mambo namakurukota ake neungano yose muJerusarema vakasarudza kupemberera Pasika mumwedzi wechipiri.
For the king, taking counsel, and the princes, and all the assembly of Jerusalem, decreed to keep the phase the second month.
3 Vakanga vasina kukwanisa kutamba mutambo uyu panguva yaunositambwa nokuti vaprista vakanga vazvinatsa vakanga vari vashoma uye vanhu vakanga vasina kuungana muJerusarema.
For they could not keep it in its time; because there were not priests enough sanctified, and the people was not as yet gathered together to Jerusalem.
4 Zano iri rakaita serakanaka kuna Mambo nokuungano yose.
And the thing pleased the king, and all the people.
5 Vakasarudza kutuma shoko kuIsraeri yose kubva Bheerishebha kusvika kuDhani, vachidaidza vanhu kuti vauye kuJerusarema vazopemberera Jehovha Mwari weIsraeri mutambo wePasika. Haina kunge yambopembererwa navanhu vazhinji sezvakanga zvakanyorwa.
And they decreed to send messengers to all Israel from Bersabee even to Dan, that they should come, and keep the phase to the Lord the God of Israel in Jerusalem: for many had not kept it as it is prescribed by the law.
6 Sokurayira kwamambo, vanhu vakaenda muJudha neIsraeri netsamba dzaibva kuna Mambo nokumakurukota ake dzaiti: “Vanhu veIsraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri kuti adzokere kwamuri imi masara, imi makapunyuka kubva muruoko rwamadzimambo eAsiria.
And the posts went with letters by commandment of the king, and his princes, to all Israel and Juda, proclaiming according to the king’s orders: Ye children of Israel, turn again to the Lord the God of Abraham, and of Isaac, and of Israel: and he will return to the remnant of you that have escaped the hand of the king of the Assyrians.
7 Musaita samadzibaba enyu nehama dzenyu vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, zvokuti akavaita chakatukwa sezvamunoona.
Be not like your fathers, and brethren, who departed from the Lord the God of their fathers, and he hath given them up to destruction, as you see.
8 Musaomesa mitsipa sezvakaita madzibaba enyu. Zviisei pasi paJehovha. Uyai kunzvimbo tsvene yaakatsaura nokusingaperi. Shandirai Jehovha Mwari wenyu, kuti hasha dzake dzinotyisa dzibve kwamuri.
Harden not your necks, as your fathers did: yield yourselves to the Lord, and come to his sanctuary, which he hath sanctified for ever: serve the Lord the God of your fathers, and the wrath of his indignation shall be turned away from you.
9 Kana mukadzokera kuna Jehovha, ipapo hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi nevakavatapa uye vachadzoka kunyika ino, nokuti Jehovha Mwari wenyu ane nyasha netsitsi. Haangavanzi chiso chake kwamuri kana mukadzokazve kwaari.”
For if you turn again to the Lord: your brethren, and children shall find mercy before their masters, that have led them away captive, and they shall return into this land: for the Lord your God is merciful, and will not turn away his face from you, if you return to him.
10 Vakatumwa vakaenda kuguta neguta muEfuremu neManase, kusvikira kuZebhuruni, asi vanhu vakavashora uye vakavaseka.
So the posts went speedily from city to city, through the land of Ephraim, and of Manasses, even to Zabulon, whilst they laughed at them and mocked them.
11 Kunyange zvakadaro, vamwe varume veAsheri, Manase neZebhuruni vakazvininipisa vakaenda kuJerusarema.
Nevertheless some men of Aser, and of Manasses, and of Zabulon, yielding to the counsel, came to Jerusalem.
12 Uye muJudha ruoko rwaMwari rwakanga rwuri pavanhu kuti ruvape kubatana kwepfungwa kuti vaite zvakanga zvarayirwa namambo namachinda ake vachitevera shoko raJehovha.
But the hand of God was in Juda, to give them one heart to do the word of the Lord, according to the commandment of the king, and of the princes.
13 Vanhu vazhinji zhinji vakaungana muJerusarema kuti vazopemberera Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso mumwedzi wechipiri.
And much people were assembled to Jerusalem to celebrate the solemnity of the unleavened bread in the second month:
14 Vakabvisa aritari muJerusarema vakaparadza aritari dzezvinonhuhwira vakadzikanda muMupata weKidhironi.
And they arose and destroyed the altars that were in Jerusalem, and took sway all things in which incense was burnt to idols, and cast them into the torrent Cedron.
15 Vakauraya gwayana rechibayiro chePasika pazuva regumi neina romwedzi wechipiri. Vaprista navaRevhi vakanyara kwazvo vakazvinatsa vakauyisa zvipiriso zvinopiswa kutemberi yaJehovha.
And they immolated the phase on the fourteenth day of the second month. And the priests and the Levites being at length sanctified offered holocausts in the house of the Lord.
16 Ipapo vakatora nzvimbo dzavo sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi munhu waMwari. Vaprista vakasasa ropa ravakapiwa navaRevhi.
And they stood in their order according to the disposition, and law of Moses the man of God: but the priests received the blood which was to be poured out, from the hands of the Levites,
17 Sezvo vazhinji muungano vakanga vasina kuzvinatsa, vaRevhi vakauraya makwayana ePasika vachiitira vose vakanga vasina kucheneswa uye vasingakwanisi kunatsa makwayana avo kuna Jehovha.
Because a great number was not sanctified: and therefore the Levites immolated the phase for them that came not in time to be sanctified to the Lord.
18 Kunyange vazhinji, pakati pavanhu ava vakabva kuEfuremu, Manase, Isakari neZebhuruni vakanga vasina kuzvichenesa, vakadya Pasika, zvichipikisana nezvakanga zvakanyorwa. Asi Hezekia akavanyengeterera achiti, “Jehovha, iye akanaka, ngaaregerere hake munhu wose
For a great part of the people from Ephraim, and Manasses, and Issachar, and Zabulon, that had not been sanctified, ate the phase otherwise than it is written: and Ezechias prayed for them, saying: The Lord who is good will shew mercy,
19 anoisa mwoyo wake mukutsvaka Mwari, Jehovha Mwari wamadzibaba ake kunyange zvake asina kucheneswa kana tichitevedza mitemo yapanzvimbo tsvene.”
To all them, who with their whole heart, seek the Lord the God of their fathers: and will not impute it to them that they are not sanctified.
20 Uye Jehovha akanzwa Hezekia akaporesa vanhu.
And the Lord heard him, and was merciful to the people.
21 VaIsraeri vaiva muJerusarema vakatamba Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso kwamazuva manomwe nokufara kukuru, vaRevhi navaprista vachiimbira Jehovha zuva nezuva, pamwe chete nezviridzwa zvaJehovha zvokurumbidza.
And the children of Israel, that were found at Jerusalem, kept the feast of unleavened bread seven days with great joy, praising the Lord every day: the Levites also, and the priests, with instruments that agreed to their office.
22 Hezekia akataura achikurudzira kwazvo vaRevhi vose, avo vakaratidza kunzwisisa kwakanaka kwebasa raJehovha. Kwamazuva manomwe aya vakadya zvokudya zvavakanga vapiwa, vakapa zvipiriso uye vakarumbidza Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
And Ezechias spoke to the heart of all the Levites, that had good understanding concerning the Lord: and they ate during the seven days of the solemnity, immolating victims of peace offerings, and praising the Lord the God of their fathers.
23 Ipapo ungano yose yakabvumirana kutamba mutambo uyu kwamamwe mazuva manomwe; saka kwamamwe mazuva manomwe vakapemberera vachifara.
And it pleased the whole multitude to keep other seven days: which they did with great joy.
24 Hezekia mambo weJudha akapa hando chiuru namakwai nembudzi zviuru zvinomwe kuungano uye machinda ake akapa hando chiuru namakwai nembudzi zviuru gumi. Vaprista vazhinji vakazvinatsa.
For Ezechias the king of Juda had given to the multitude a thousand bullocks, and seven thousand sheep: and the princes had given the people a thousand bullocks, and ten thousand sheep: and a great number of priests was sanctified.
25 Ungano yose yeJudha yakafara kwazvo, pamwe chete navaprista navaRevhi uye vose vakanga vaungana kubva kuIsraeri pamwe chete navatorwa vakanga vabva kuIsraeri naavo vaigara muJudha.
And all the multitude of Juda with the priests and Levites, and all the assembly, that came out of Israel; and the proselytes of the land of Israel, and that dwelt in Juda were full of joy.
26 Kwakava nomufaro mukuru kwazvo muJerusarema, nokuti kubva pamazuva aSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo weIsraeri kwakanga kusina kumboitika zvakaita sezvizvi muJerusarema.
And there was a great solemnity in Jerusalem, such as had not been in that city since the time of Solomon the son of David king of Israel.
27 Vaprista navaRevhi vakamira kuti varopafadze vanhu, Mwari akavanzwa, nokuti munyengetero wavo wakasvika kudenga, nzvimbo yake tsvene yokugara.
And the priests and the Levites rose up and blessed the people: and their voice was heard: and their prayer came to the holy dwelling place of heaven.

< 2 Makoronike 30 >