< 2 Makoronike 3 >

1 Ipapo Soromoni akatanga kuvaka temberi yaJehovha muJerusarema pagomo reMoria, apo Jehovha akanga azviratidza kuna baba vake Dhavhidhi. Pakanga pari paburiro raArauna muJebhusi, nzvimbo yakapiwa naDhavhidhi.
और सुलेमान येरूशलेम में कोह — ए — मोरियाह पर जहाँ उसके बाप दाऊद ने ख़्वाब देखा उसी जगह जैसे दाऊद ने तैयारी कर के मुक़र्रर किया या'नी उरनान यबूसी के खलीहान में ख़ुदावन्द का घर बनाने लगा।
2 Akatanga kuvaka pazuva rechipiri mumwedzi wechipiri mugore rechina rokutonga kwake.
और उसने अपनी हुकूमत के चौथे साल के दूसरे महीने की दूसरी तारीख़ को बनाना शूरू' किया।
3 Nheyo dzakaiswa dzakanga dziri makubhiti makumi matanhatu pakureba uye makubhiti makumi maviri paupamhi hwayo (kana tichishandisa kubhiti rechiero chakare).
और जो बुनियाद सुलेमान ने ख़ुदा के घर की ता’मीर के लिए डाली वह यह है उसका तूल हाथों के हिसाब से पहले नाप के मवाफ़िक़ साठ हाथ और 'अरज बीस हाथ था।
4 Biravira rapamberi petemberi rakanga rakareba makubhiti makumi maviri pamberi paupamhi hweimba uye rakanga rakareba makubhiti makumi maviri kuenda mudenga. Akafukidza mukati mayo negoridhe rakaisvonaka.
और घर के सामने के उसारा की लम्बाई घर की चौड़ाई के मुताबिक़ बीस हाथ और ऊँचाई एक सौ बीस हाथ थी और उस ने उसे अन्दर से ख़ालिस सोने से मेंढा।
5 Akaroverera muimba huru mapuranga emipaini akaifukidza negoridhe rakaisvonaka akaishongedza nemiti yemichindwe nezvishongo zvengetani.
और उसने बड़े घर की छत सनोबर के तख़्तों से पटवाई, जिन पर चोखा सोना मंढा था और उसके ऊपर खजूर के दरख़्त और ज़न्जीरे बनाई।
6 Akashongedza temberi namatombo anokosha. Uye goridhe raakashandisa raiva goridhe rokuParivhaimi.
और जो ख़ूबसूरती के लिए उस ने उस घर को बेशक़ीमत जवाहर से दुरूस्त किया और सोना परवाइम का सोना था।
7 Akafukidzawo matanda edenga magwatidziro, madziro, namakonhi etemberi negoridhe, uye akavezera makerubhi pamadziro.
और उसने घर को यानी उसके शहतीरों, चौखटों, दिवारो और किवाड़ो को सोने से मंढ़ा और दीवारों पर करुबियों की सूरत कंदा की।
8 Akavaka Nzvimbo Tsvene-tsvene, kureba kwayo kwaienderana noupamhi hwetemberi makubhiti makumi maviri, urefu hwayo uye upamhi hwayo makubhiti makumi maviri. Akafukidza mukati mayo namatarenda mazana matanhatu egoridhe rakaisvonaka.
और उसने पाक तरीन मकान बनाया जिसकी लम्बाई घर के चौड़ाई के मुताबिक़ बीस हाथ और उसकी चौड़ाई बीस हाथ थी और उसने उसे छ: सौ क़िन्तार चोखे सोने से मंढ़ा।
9 Zvipikiri zvegoridhe zvairema mashekeri makumi mashanu. Akafukidzawo nzvimbo dzokumusoro negoridhe.
और कीलों का वज़न पचास मिस्क़ाल सोने का था और उसमें ऊपर की कोठरियाँ भी सोने से मंढ़ा।
10 MuNzvimbo Tsvene-tsvene akagadzira makerubhi maviri akavezwa akaafukidza negoridhe.
और उसने पाकतरिन मकान में दो करुबियों को तराशकर बनाया और उन्होंने उनको सोने से मंढ़ा।
11 Mapapiro amakerubhi pamwe chete aisvika makubhiti makumi maviri pakureba kwawo. Bapiro rimwe chete rekerubhi rokutanga rakanga rakareba makubhiti mashanu uye raibata madziro etemberi, rimwe bapiro rayo rakareba makubhiti mashanu richibata rimwe bapiro reimwe kerubhi.
और करुबियों के बाज़ू बीस हाथ लम्बे थे, एक करूबी का एक बाज़ू पाँच हाथ का घर की दीवार तक पहुँचा हुआ और दूसरा बाज़ू भी पाँच हाथ का दूसरे करूबी के बाज़ू तक पहुँचा हुआ था।
12 Zvimwe chetezvo bapiro rimwe rekerubhi rechipiri rakanga rakareba makubhiti mashanu uye raibata mamwe madziro etemberi uye rimwe racho rakareba zvimwe chetezvo makubhiti mashanu richibata bapiro rekerubhi rokutanga.
और दूसरे करूबी का एक बाज़ू पाँच हाथ का घर की दिवार तक पहुँचा हुआ और दूसरा बाज़ू भी पाँच हाथ का दूसरे करूबी के बाज़ू से मिला हुआ था।
13 Mapapiro amakerubhi aiva akareba makubhiti makumi maviri. Akanga akamira namakumbo awo, akatarisa kuimba huru.
इन करुबियों के पर बीस हाथ तक फैले हुएं थे और वह अपने पाँव पर खड़े थे और उनके मुँह उस घर की तरफ़ थे।
14 Akagadzira chidzitiro nezvakarukwa zvebhuruu, zvepepuru, nezvitsvuku nomucheka wakaisvonaka, namakerubhi akasonerwapo.
और उसने पर्दः आसमानी और अर्गवानी और क़िरमिज़ी कपड़े और महीन कतान से बनाया उस पर करुबियों को कढ़वाया।
15 Pamberi petemberi akagadzira mbiru mbiri, dzose pamwe chete dzakanga dzakareba makubhiti makumi matatu namashanu, mbiru imwe neimwe yaiva nomusoro pamusoro payo wakanga wakareba makubhiti mashanu.
और उसने घर के सामने पैंतीस पैंतीस हाथ ऊँचे दो सुतून बनाए, और हर एक के सिरे पर पाँच हाथ का ताज़ था।
16 Akagadzira ngetani dzakarukwa akadziisa pamusoro pembiru. Akagadzirawo matamba zana akaasungirira pangetani.
और उसने इल्हामगाह में ज़ंजीरे बनाकर सुतूनों के सिरों पर लगाए और एक सौ अनार बनाकर ज़ंजीरों में लगा दिए।
17 Akamisa mbiru pamberi petemberi, imwe zasi uye imwe kumusoro. Yezasi akaitumidza kuti Jakini uye yokumusoro akaitumidza kuti Bhoazi.
और उसने हैकल के आगे उन सुतूनों को एक दाहिनी और दूसरे को बाई तरफ़ खड़ा किया और जो दहिने था उसका नाम यक़ीन और जो बाएँ था उसका नाम बो'अज़ रखा।

< 2 Makoronike 3 >