< 2 Makoronike 27 >

1 Jotamu aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Amai vake vainzi Jerusha mwanasikana waZadhoki.
约坦登基的时候年二十五岁,在耶路撒冷作王十六年,他母亲名叫耶路沙,是撒督的女儿。
2 Akaita zvakanaka pamberi paJehovha sezvakanga zvaitwa nababa vake Uzia, asi iye haana kuzopinda zvake mutemberi yaJehovha. Kunyange zvakadaro, vanhu vakaramba vachiita zvakaipa zvavo.
约坦行耶和华眼中看为正的事,效法他父乌西雅一切所行的,只是不入耶和华的殿。百姓还行邪僻的事。
3 Jotamu akavakazve Suo Rokumusoro retemberi yaJehovha akaita basa guru kwazvo parusvingo rwapagomo raOferi.
约坦建立耶和华殿的上门,在俄斐勒城上多有建造,
4 Akavaka maguta muzvikomo zveJudhea, nenhare neshongwe mumatondo.
又在犹大山地建造城邑,在树林中建筑营寨和高楼。
5 Jotamu akarwa namambo wavaAmoni akavakunda. Mugore iroro vaAmoni vakamuripa matarenda zana esirivha, nezviyero zvegorosi zviuru gumi, nezviyero zvebhari zviuru gumi. VaAmoni vakauyisa zvimwe chetezvo mugore rechipiri nerechitatu.
约坦与亚扪人的王打仗胜了他们,当年他们进贡银一百他连得,小麦一万歌珥,大麦一万歌珥;第二年、第三年也是这样。
6 Jotamu akava nesimba kwazvo nokuti aifamba akatendeka pamberi paJehovha Mwari wake.
约坦在耶和华—他 神面前行正道,以致日渐强盛。
7 Zvimwe zvakaitwa mukutonga kwaJotamu pamwe chete nehondo dzake dzose dzaakarwa nezvimwe zvinhu zvaakaita, zvakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri neeJudha.
约坦其余的事和一切争战,并他的行为,都写在以色列和犹大列王记上。
8 Aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu.
他登基的时候年二十五岁,在耶路撒冷作王十六年。
9 Jotamu akazorora namadzibaba ake akavigwa muGuta raDhavhidhi. Uye Ahazi mwanakomana wake akamutevera paumambo.
约坦与他列祖同睡,葬在大卫城里。他儿子亚哈斯接续他作王。

< 2 Makoronike 27 >