< 2 Makoronike 23 >
1 Mugore rechinomwe Jehoyadha akaratidza simba rake. Akaita sungano navatungamiri vamapoka amazana: Azaria mwanakomana waJerohamu, Ishumaeri mwanakomana waJehohanani, Azaria mwanakomana waObhedhi, Maaseya mwanakomana waAdhaya naErishafati mwanakomana waZikiri.
第七年になって、エホヤダは勇気をだしてエロハムの子アザリヤ、ヨハナンの子イシマエル、オベデの子アザリヤ、アダヤの子マアセヤ、ジクリの子エリシャパテなどの百人の長たちを招いて契約を結ばせた。
2 Vakaenda muJudha yose vakandokokorodza vaRevhi navakuru vemhuri dzavaIsraeri kubva kumaguta ose. Pavakauya kuJerusarema,
そこで彼らはユダを行きめぐって、ユダのすべての町からレビびとを集め、またイスラエルの氏族の長たちを集めて、エルサレムに来た。
3 ungano yose yakaita sungano namambo patemberi yaMwari. Jehoyadha akati kwavari, “Mwanakomana wamambo achatonga sokuvimbisa kwakaita Jehovha maererano nezvizvarwa zvaDhavhidhi.
そしてその会衆は皆神の宮で王と契約を結んだ。その時エホヤダは彼らに言った、「主がダビデの子孫のことについて言われたように、王の子が位につくべきです。
4 Zvino izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Chikamu chimwe chete muzvitatu chenyu vaprista navaRevhi vanoshanda neSabata vanofanira kurinda mikova,
あなたがたのなすべき事はこれです。すなわちあなたがた祭司およびレビびとの安息日にはいって来る者の、三分の一は門を守る者となり、
5 chikamu chimwe chete muzvitatu pakati penyu kumuzinda wamambo, nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu pakati penyu pasuo renheyo, uye vamwe varume vose vanofanira kuva muzvivanze zvetemberi yaJehovha.
三分の一は王の家におり、三分の一は礎の門におり、民は皆、主の宮の庭にいなさい。
6 Hapana anofanira kupinda mutemberi yaJehovha kunze kwavaprista navaRevhi vanenge vari pabasa, vanokwanisa kupinda havo nokuti ivo vakanatswa. Asi vamwe varume vose vanofanira kuchengetedza basa ravakapiwa naJehovha.
祭司と、勤めをするレビびとのほかは、だれも主の宮に、はいってはならない。彼らは聖なる者であるから、はいることができる。民は皆、主の命令を守らなければならない。
7 VaRevhi vanofanira kumira vakakomba mambo, murume mumwe nomumwe aine zvombo zvake muruoko rwake. Ani naani zvake anopinda mutemberi anofanira kuurayiwa. Garai pedyo namambo kwose kwaanoenda.”
レビびとはめいめい手に武器をとって王のまわりに立たなければならない。宮にはいる者をすべて殺しなさい。あなたがたは王がはいる時にも出る時にも、王と共にいなさい」。
8 VaRevhi navarume vose veJudha vakaita sezvavakanga varayirwa naJehoyadha muprista. Mumwe nomumwe akatora vanhu vake vaifanira kupinda pabasa nokuti Jehoyadha muprista akanga asina kusunungura boka ripi zvaro.
そこでレビびとおよびユダの人々は、祭司エホヤダがすべて命じたように行い、めいめいその組の者で、安息日にはいって来るべき者と、安息日に出て行くべき者を率いていた。祭司エホヤダが組の者を去らせなかったからである。
9 Ipapo akapa vakuru vamapoka amazana mapfumo nenhoo huru nediki dzaiva dzaMambo Dhavhidhi dzaiva mutemberi yaMwari.
また祭司エホヤダは、神の宮にあるダビデ王のやりおよび大盾、小盾を百人の長たちに渡し、
10 Akamisa varume vose panzvimbo, mumwe nomumwe aine chombo chake muruoko rwake, vakakomberedza mambo, pedyo nearitari netemberi, kubva kurutivi rwezasi kusvika kurutivi rwokumusoro kwetemberi.
また王を守るために、すべての民にめいめい手に武器をとらせ、宮の南側から北側にわたって、祭壇と宮に沿って立たせた。
11 Jehoyadha navanakomana vake vakaburitsa mwanakomana wamambo vakaisa korona paari, vakamupa gwaro resungano vakamugadza samambo. Vakamuzodza vakadaidzira vachiti, “Mambo ngaararame kwamakore akawanda!”
こうして王の子を連れ出して、これに冠をいただかせ、あかしの書を渡して王となし、エホヤダおよびその子たちが彼に油を注いだ。そして「王万歳」と言った。
12 Ataria paakanzwa ruzha rwavanhu vaimhanya vachipemberera mambo, akaenda kwavari patemberi yaJehovha.
アタリヤは民の走りながら王をほめる声を聞いたので、主の宮に入り、民の所へ行って、
13 Akatarisa, akaona mambo akamira pambiru yake pavanopinda napo. Vakuru navaridzi vehwamanda vakanga vamire namambo. Uye vanhu vose venyika vakanga vachipembera vachiridza hwamanda uye vaimbi vaine zviridzwa vaitungamirira mukurumbidza. Ipapo Ataria akabvarura nguo dzake akadanidzira achiti, “Ndamukirwa! Ndamukirwa!”
見ると、王は入口で柱のかたわらに立ち、王のかたわらには将軍たちとラッパ手が立っており、また国の民は皆喜んでラッパを吹き、歌をうたう者は楽器をもってさんびしていたので、アタリヤは衣を裂いて「反逆だ、反逆だ」と叫んだ。
14 Jehoyadha muprista akatuma vakuru vamapoka ezana, vaitungamirira varwi akati kwavari, “Muburitsei kunze pakati pavanhu, uye muuraye ani naani anenge amutevera.” Nokuti muprista akanga ati, “Musamuurayire patemberi yaJehovha.”
その時エホヤダは軍勢を統率する百人の長たちを呼び出し、「列の間から彼女を連れ出せ、彼女に従う者をつるぎで殺せ」と言った。祭司が彼女を主の宮で殺してはならないと言ったからである。
15 Saka vakamubata paakasvika pamukova weSuo Ramabhiza pachivanze chomuzinda uye ipapo vakamuuraya.
そこで人々は彼女に手をかけ、王の家の馬の門の入口まで連れて行き、その所で彼女を殺した。
16 Ipapo Jehoyadha akaita sungano yokuti iye navanhu namambo vachava vanhu vaJehovha.
エホヤダは自分とすべての民と王との間に、彼らは皆、主の民となるとの契約を結んだ。
17 Vanhu vose vakaenda kutemberi yaBhaari vakandoiparadza, vakaputsa aritari nezvifananidzo vakauraya Matani muprista waBhaari pamberi pearitari.
そこですべての民はバアルの家に行って、それをこわし、その祭壇とその像とを打ち砕き、バアルの祭司マッタンを祭壇の前で殺した。
18 Ipapo Jehoyadha akaisa temberi yaJehovha mumaoko avaprista, vaiva vaRevhi vakanga vapiwa mabasa naDhavhidhi, omutemberi, okupisira zvipiriso zvinopiswa zvaJehovha sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi, vachifara uye vachiimba, sokurayira kwakanga kwaitwa naDhavhidhi.
エホヤダはまた主の宮の守衛を、祭司とレビびとの指揮のもとに置いた。このレビびとは昔ダビデがモーセの律法にしるされているように、喜びと歌とをもって主に燔祭をささげるために、主の宮に配置したものであって、今そのダビデの例にならったものである。
19 Akamisazve vachengeti vamasuo pamasuo etemberi yaJehovha kuitira kuti pasawana uyo akanga asina kuchena nenzira ipi zvayo angapinda.
彼はまた主の宮のもろもろの門に門衛を置き、汚れた者は何によって汚れた者でも、はいらせないようにした。
20 Akaenda navatungamiri vamazana, makurukota navatongi vavanhu navanhu vose venyika vakandotora mambo kubva kutemberi yaJehovha. Vakapinda mumuzinda neSuo Rokumusoro vakagarisa mambo pachigaro choumambo,
こうしてエホヤダは百人の長たち、貴族たち、民のつかさたちおよび国のすべての民を率いて、主の宮から王を連れ下り、上の門から王の家に進み、王を国の位につかせた。
21 vanhu vose vomunyika vakapembera. Uye guta rakava norunyararo nokuti Ataria akanga aurayiwa nomunondo.
国の民は皆喜んだ。町はアタリヤがつるぎで殺された後、穏やかであった。