< 2 Makoronike 21 >

1 Ipapo Jehoshafati akazozorora namadzibaba ake akavigwa navo muguta raDhavhidhi uye Jehoramu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
And Jehoshaphat went to rest with his fathers, and his body was put into the earth in the town of David. And Jehoram his son became king in his place.
2 Vanunʼuna vaJehoramu vanakomana vaJehoshafati vaiti Azaria, Jehieri, Zekaria, Azariyahu, Mikaeri naShefatia. Vose ava vaiva vanakomana vaJehoshafati mambo weIsraeri.
And he had brothers, sons of Jehoshaphat, Azariah, Jehiel, Zechariah, Azariah, Michael, and Shephatiah; all these were sons of Jehoshaphat, king of Israel.
3 Baba vavo vakanga vavapa zvipo zvakawanda zvesirivha negoridhe nezvinhu zvinokosha pamwe chete namaguta ana masvingo muJudha, asi akanga apa umambo kuna Jehoramu nokuti aiva mwanakomana wake wokutanga.
And their father gave them much silver and gold and things of great value, as well as walled towns in Judah; but the kingdom he gave to Jehoram, because he was the oldest.
4 Jehoramu paakazvisimbisa paumambo hwababa vake, akauraya vanunʼuna vake vose pamwe chete navamwe vana voumambo veIsraeri.
Now when Jehoram had taken his place over his father's kingdom, and had made his position safe, he put all his brothers to death with the sword, as well as some of the princes of Israel.
5 Jehoramu aiva namakore makumi matatu namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore masere.
Jehoram was thirty-two years old when he became king; and he was ruling in Jerusalem for eight years.
6 Akafamba nenzira dzamadzimambo eIsraeri, sezvakanga zvaitwa neimba yaAhabhu nokuti akawana mwanasikana waAhabhu. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha.
He went in the ways of the kings of Israel, and did as the family of Ahab did, for the daughter of Ahab was his wife; and he did evil in the eyes of the Lord.
7 Zvisinei hazvo, nokuda kwesungano yakanga yaitwa naJehovha naDhavhidhi, Jehovha haana kuda kuparadza imba yaDhavhidhi. Akanga avimbisa kuchengetedza mwenje wake nezvizvarwa zvake nokusingaperi.
But it was not the Lord's purpose to send destruction on the family of David, because of the agreement he had made with David, when he said he would give to him and to his sons a light for ever.
8 Panguva yaJehoramu, Edhomu yakapandukira Judha ikagadza mambo wayo.
In his time Edom made themselves free from the rule of Judah, and took a king for themselves.
9 Saka Jehoramu akaendako namachinda ake nengoro dzake dzose. VaEdhomu vakamukomba navakuru vake nengoro dzake asi akasimuka akabuda pakati pavo nousiku.
Then Jehoram went over with his captains and all his war-carriages ... made an attack by night on the Edomites, whose forces were all round him ... on the captains of the war-carriages.
10 Kusvikira nhasi vaEdhomu vakaramba vakamukira Judha. Ribhina yakavamukirawo panguva imwe cheteyo, nokuti Jehoramu akanga arasa Jehovha, Mwari wamadzibaba ake.
So Edom made themselves free from the rule of Judah, to this day: and at the same time Libnah made itself free from his rule; because he was turned away from the Lord, the God of his fathers.
11 Akanga avakawo nzvimbo dzakakwirira pamakomo eJudha akaita kuti vanhu veJerusarema vaite upombwe akatungamirira Judha mukurasika.
And more than this, he made high places in the mountains of Judah, teaching the people of Jerusalem to go after false gods, and guiding Judah away from the true way.
12 Jehoramu akatambira tsamba kubva kuna muprofita Eria yaiti: “Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi: ‘Hauna kufamba munzira dzababa vako Jehoshafati kana dzaAsa mambo weJudha.
And a letter came to him from Elijah the prophet, saying, The Lord, the God of your father David, says, Because you have not kept to the ways of your father Jehoshaphat or the ways of Asa, king of Judah,
13 Asi wakafamba nomunzira dzamadzimambo eIsraeri uye wakatungamirira Judha navanhu vose veJerusarema mukuita upombwe sezvakaitwa neimba yaAhabhu. Wakaurayawo hama dzako, nhengo dzeimba yababa vako varume vakanga vari nani kupfuura iwe.
But have gone in the way of the kings of Israel, and have made Judah and the people of Jerusalem go after false gods, as the family of Ahab did: and because you have put to death your father's sons, your brothers, who were better than yourself:
14 Saka zvino Jehovha ava kuda kuparadza vanhu vako, vanakomana vako, vakadzi vako nechose chinonzi ndechako, neshamhu inorema kwazvo.
Now, truly, the Lord will send a great destruction on your people and your children and your wives and everything which is yours:
15 Iwewe pachako ucharwara zvikuru nechirwere chomuura, kusvikira chirwere ichi chaita kuti ura hwako hubude kunze.’”
And you yourself will undergo the cruel pains of a disease in your stomach, so that day by day your inside will be falling out because of the disease.
16 Jehovha akamutsa vaFiristia navaArabhu vaigara pedyo navaEtiopia kuti varwise Jehoramu.
Then the Philistines and the Arabians, who are by Ethiopia, were moved by the Lord to make war on Jehoram;
17 Vakarwisa Judha, vakaipamba vakatakura zvinhu zvose zvavakawana mumuzinda wamambo pamwe chete navanakomana vake navakadzi vake. Hakuna mwanakomana mumwe chete akasiyiwa kwaari kunze kwaAhazia mudiki pane vose.
And they came up against Judah, forcing a way into it, and took away all the goods in the king's house, as well as his sons and his wives; so that he had no son but only Jehoahaz, the youngest.
18 Shure kwaizvozvi zvose, Jehovha akarwadzisa Jehoramu nechirwere chisingarapike choura.
And after all this the Lord sent on him a disease of the stomach from which it was impossible for him to be made well.
19 Nokufamba kwenguva mukupera kwegore rechipiri maura ake akabuda kunze nokuda kwechirwere ichi, uye akafa achirwadziwa zvikuru. Vanhu vose havana kuvesa moto wokumuremekedza sezvavakanga vaitira baba vake.
And time went on, and after two years, his inside falling out because of the disease, he came to his death in cruel pain. And his people made no burning for him like the burning made for his fathers.
20 Jehoramu aiva namakore makumi matatu namaviri paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore masere. Paakafa hapana akarwadziwa nokufa kwake, akavigwa muguta raDhavhidhi asi kwete kumakuva amadzimambo.
He was thirty-two years old when he became king, and he was ruling in Jerusalem for eight years: and at his death he was not regretted; they put his body into the earth in the town of David, but not in the resting-place of the kings.

< 2 Makoronike 21 >