< 2 Makoronike 19 >

1 Jehoshafati mambo weJudha paakadzoka zvakanaka kumuzinda wake muJerusarema,
וישב יהושפט מלך יהודה אל ביתו בשלום--לירושלם
2 Jehu muoni, mwanakomana waHanani, akabuda kundosangana naye akati kuna mambo, “Mungabatsira here vanhu vakaipa uye mugoda avo vanovenga Jehovha? Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaJehovha kwava pamusoro penyu.
ויצא אל פניו יהוא בן חנני החזה ויאמר אל המלך יהושפט הלרשע לעזר ולשנאי יהוה תאהב ובזאת עליך קצף מלפני יהוה
3 Kunyange zvakadaro hazvo, mamuri mune zvakanaka nokuti makabvisa matanda aAshera munyika uye makaisa mwoyo wenyu pakutsvaka Mwari.”
אבל דברים טובים נמצאו עמך כי בערת האשרות מן הארץ והכינות לבבך לדרש האלהים
4 Jehoshafati aigara muJerusarema, uye akaendazve pakati pavanhu vokuBheeri Shebha kunyika yezvikomo yaEfuremu akavadzosa kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba avo.
וישב יהושפט בירושלם וישב ויצא בעם מבאר שבע עד הר אפרים וישיבם אל יהוה אלהי אבותיהם
5 Akagadza vatongi munyika muguta rimwe nerimwe reJudha rakakomberedzwa namasvingo.
ויעמד שפטים בארץ בכל ערי יהודה הבצרות--לעיר ועיר
6 Akavaudza kuti, “Cherechedzai zvikuru zvamunoita, nokuti hamusi kutongera vanhu asi Jehovha, uyo anenge anemi pamunopa mitongo.
ויאמר אל השפטים ראו מה אתם עשים--כי לא לאדם תשפטו כי ליהוה ועמכם בדבר משפט
7 Zvino kutya Jehovha ngakuve pamusoro penyu mutonge zvakanaka, nokuti kuna Jehovha Mwari wedu hakuna kusaruramisira kana kutsaura vanhu kana kugamuchira fufuro.”
ועתה יהי פחד יהוה עליכם שמרו ועשו--כי אין עם יהוה אלהינו עולה ומשא פנים ומקח שחד
8 MuJerusarema, Jehoshafati akagadza vamwe vevaRevhi, vaprista navakuru vemhuri dzavaIsraeri kuti vagochengetedza murayiro waJehovha uye kuti vapedze gakava, uye vakagara muJerusarema.
וגם בירושלם העמיד יהושפט מן הלוים והכהנים ומראשי האבות לישראל למשפט יהוה ולריב וישבו ירושלם
9 Akavapa mirayiro iyi: “Munofanira kubata basa makatendeka nomwoyo wose muchitya Jehovha.
ויצו עליהם לאמר כה תעשון ביראת יהוה באמונה ובלבב שלם
10 Munyaya ipi neipi inouya kwamuri kubva kuna vamwe vomunyika yenyu vanogara mumaguta, kungava kuteuka kweropa kana zvimwewo zvinotaurwa nomurayiro, zvakarayirwa, mitemo kana zvirevo, munofanira kuvayambira kuti vasatadzira Jehovha; mukasadaro kutsamwa kwake kuchauya pamusoro penyu nehama dzenyu. Itai izvi uye hamuzotadzi.
וכל ריב אשר יבוא עליכם מאחיכם הישבים בעריהם בין דם לדם בין תורה למצוה לחקים ולמשפטים והזהרתם אתם ולא יאשמו ליהוה והיה קצף עליכם ועל אחיכם כה תעשון ולא תאשמו
11 “Amaria muprista mukuru ndiye achakutongai panyaya ipi zvayo iri maererano naJehovha. Uye Zebhadhia mwanakomana waIshumaeri mutungamiri worudzi rwaJudha, achakutongai panyaya ipi zvayo iri maererano naMambo uye vaRevhi vachashanda savatariri pamberi penyu. Itai zvose nokushinga uye Jehovha ngaave navose vanoita zvakanaka.”
והנה אמריהו כהן הראש עליכם לכל דבר יהוה וזבדיהו בן ישמעאל הנגיד לבית יהודה לכל דבר המלך ושטרים הלוים לפניכם חזקו ועשו ויהי יהוה עם הטוב

< 2 Makoronike 19 >