< 2 Makoronike 17 >

1 Jehoshafati mwanakomana wake akamutevera paumambo uye akazvisimbisa pakurwisana neIsraeri.
アサの子ヨシャパテがアサに代って王となり、イスラエルに向かって自分を強くし、
2 Akaisa varwi mumaguta akakomberedzwa namasvingo eJudha aya akaisa mapoka avarwi muJudha nomumaguta eEfuremu akanga atapwa nababa vake Asa.
ユダのすべての堅固な町々に軍隊を置き、またユダの地およびその父アサが取ったエフライムの町々に守備隊を置いた。
3 Jehovha vaiva naJehoshafati nokuti pamazuva ake okutonga akafamba munzira dzaiteverwa nababa vake Dhavhidhi. Haana kubvunza kuna vana Bhaari.
主はヨシャパテと共におられた。彼がその父ダビデの最初の道に歩んで、バアルに求めず、
4 Asi akatsvaka Mwari wababa vake akatevera kurayira kwake akasatevera mabasa aIsraeri.
その父の神に求めて、その戒めに歩み、イスラエルの行いにならわなかったからである。
5 Jehovha akasimbisa umambo hwaiva pasi pake; uye Judha yose yakauya nezvipo kuna Jehoshafati, saka akava nepfuma zhinji nokuremekedzwa kukuru.
それゆえ、主は国を彼の手に堅く立てられ、またユダの人々は皆ヨシャパテに贈り物を持ってきた。彼は大いなる富と誉とを得た。
6 Mwoyo wake wakanga wakazvipira kunzira dzaJehovha uyezve akabvisa nzvimbo dzakakwirira namatanda aAshera kubva muJudha.
そこで彼は主の道に心を励まし、さらに高き所とアシラ像とをユダから除いた。
7 Mugore rechitatu rokutonga kwake akatuma vakuru vavabati vake vaiti Bheni-Hairi, Obhadhia, Zekaria, Netaneri naMikaya kuti vandodzidzisa mumaguta eJudha.
彼はまたその治世の三年に、つかさたちベネハイル、オバデヤ、ゼカリヤ、ネタンエルおよびミカヤをつかわしてユダの町々で教えさせ、
8 Pamwe chete navo paiva navamwe vaRevhi vaiti: Shemaya, Netania, Zebhadhia, Asaheri, Shemiramoti, Jehonatani, Adhoniya, Tobhiya naTobhi-Adhoniya, uye navaprista Erishama naJehoramu.
また彼らと共にレビびとのうちからシマヤ、ネタニヤ、ゼバデヤ、アサヘル、セミラモテ、ヨナタン、アドニヤ、トビヤ、トバドニヤをつかわし、またこれらのレビびとと共に祭司エリシャマとヨラムをもつかわした。
9 Vakadzidzisa Judha yose vaine Bhuku roMurayiro waJehovha; vakatenderera kumaguta ose aJudha vakadzidzisa vanhu.
彼らは主の律法の書を携えて、ユダで教をなし、またユダの町々をことごとく巡回して、民の間に教をなした。
10 Kutya Jehovha kwakawira madzimambo enyika dzakanga dzakapoteredza Judha, zvokuti havana kuda kurwa naJehoshafati.
そこでユダの周囲の国々は皆主を恐れ、ヨシャパテと戦うことをしなかった。
11 Vamwe vaFiristia vakavigira Jehoshafati zvipo nesirivha somutero, uye vaArabhu vakamuvigira mapoka amakwai aiti: zviuru zvinomwe namazana manomwe amakondobwe nezviuru zvinomwe namazana manomwe embudzi.
また、ペリシテびとのうちで贈り物や、みつぎの銀をヨシャパテの所に持ってくる者があり、またアラビヤびとは雄羊七千七百頭、雄やぎ七千七百頭を彼に持ってきた。
12 Jehoshafati akazova nesimba guru kwazvo; akavaka nhare namaguta amatura muJudha;
こうしてヨシャパテはますます大いになり、ユダに要害および倉の町を建て、
13 uye akaita mabasa mazhinji mumaguta eJudha. Aivawo navarwi vane ruzivo rwokurwa muJerusarema.
ユダの町々に多くの軍需品を持ち、またエルサレムに大勇士である軍人たちを持っていた。
14 Kunyoreswa kwavo nemhuri dzavo kwakanga kwakadai: Kubva kuJudha, vatungamiri vamapoka avarwi chiuru: Adhina mutungamiri aiva navarwi zviuru mazana matatu;
彼らをその氏族によって数えれば次のとおりである。すなわちユダから出た千人の長のうちでは、アデナという軍長と彼に従う大勇士三十万人、
15 aitevera ndiJehohanani mutungamiri aiva navarwi zviuru mazana maviri namakumi masere;
その次は軍長ヨハナンと彼に従う者二十八万人、
16 aitevera ndiAmasia mwanakomana waZikiri, uyo akazvipira kushandira Jehovha, aina varwi zviuru mazana maviri.
その次は喜んでその身を主にささげた者ジクリの子アマジヤと彼に従う大勇士二十万人。
17 Kubva kuBhenjamini: Eriadha murwi akanga akashinga, aiva murwi aiva navarwi zviuru mazana maviri vakanga vakabata uta nenhoo;
ベニヤミンから出た者のうちでは、エリアダという大勇士と彼に従う弓および盾を持つ者二十万人、
18 aitevera ndiJehozabhadhi navarume zviuru zana namakumi masere vakagadzirira kurwa hondo.
その次はヨザバデと彼に従う戦いの備えある者十八万人である。
19 Ava ndivo varume vaibatira mambo, tisingaverengi avo vaakaisa mumaguta ane masvingo muJudha yose.
これらは皆王に仕える者たちで、このほかにまたユダ全国の堅固な町々に、王が駐在させた者があった。

< 2 Makoronike 17 >