< 2 Makoronike 14 >

1 Uye Abhija akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Asa mwanakomana wake akamutevera kuva paumambo, uye mumazuva ake nyika yakava norugare kwamakore gumi.
亚比雅与他列祖同睡,葬在大卫城里。他儿子亚撒接续他作王。亚撒年间,国中太平十年。
2 Asa akaita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake.
亚撒行耶和华—他 神眼中看为善为正的事,
3 Akabvisa aritari dzavatorwa nenzvimbo dzakakwirira, akaputsa matombo anoera uye akatema matanda aAshera.
除掉外邦神的坛和邱坛,打碎柱像,砍下木偶,
4 Akarayira Judha kuti itsvage Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, uye kuti vateerere mirayiro yake nemitemo yake.
吩咐犹大人寻求耶和华—他们列祖的 神,遵行他的律法、诫命;
5 Akabvisa nzvimbo dzakakwirira nearitari dzezvinonhuhwira mumaguta ose muJudha, uye ushe hwakava norugare pasi pake.
又在犹大各城邑除掉邱坛和日像,那时国享太平;
6 Akavaka maguta ane masvingo eJudha, sezvo nyika yaiva norugare. Hapana akarwa naye panguva iyoyo nokuti Jehovha vakanga vamupa zororo.
又在犹大建造了几座坚固城。国中太平数年,没有战争,因为耶和华赐他平安。
7 Akati kuJudha, “Ngativakei maguta aya, uye tiise masvingo okuapoteredza, ane shongwe, masuo namazariro. Nyika ichiri yedu, nokuti takatsvaga Jehovha Mwari wedu; takamutsvaga uye akatipa zororo kumativi ose.” Saka vakavaka uye vakabudirira.
他对犹大人说:“我们要建造这些城邑,四围筑墙,盖楼,安门,做闩;地还属我们,是因寻求耶和华—我们的 神;我们既寻求他,他就赐我们四境平安。”于是建造城邑,诸事亨通。
8 Asa aiva nehondo yaisvika zviuru mazana matatu kubva kuJudha, vakanga vakapakata nhoo huru namapfumo, uye vamwe zviuru mazana maviri namakumi masere kubva kuBhenjamini, vakanga vakapakata nhoo diki neuta. Ava vose vaiva varwi vakashinga.
亚撒的军兵,出自犹大拿盾牌拿枪的三十万人;出自便雅悯拿盾牌拉弓的二十八万人。这都是大能的勇士。
9 Zera muEtiopia akauya kuzovarwisa nehondo huru kwazvo nengoro mazana matatu uye akauya akasvika muMaresha.
有古实王谢拉率领军兵一百万,战车三百辆,出来攻击犹大人,到了玛利沙。
10 Asa akabuda akandosangana naye uye vakamira panzvimbo dzavo dzokurwa vari mumupata weZefata pedyo neMaresha.
于是亚撒出去与他迎敌,就在玛利沙的洗法谷彼此摆阵。
11 Ipapo akadana kuna Jehovha Mwari wake akati, “Jehovha, hakuna mumwe akafanana nemi angabatsira vasina simba pavanorwisana navane simba. Tibatsireiwo, imi Jehovha Mwari, nokuti tinovimba nemi, uye muzita renyu tauya kuzorwisana nehondo yakakura ikadai. Haiwa Jehovha, ndimi Mwari wedu; musarega munhu achikukundai.”
亚撒呼求耶和华—他的 神说:“耶和华啊,惟有你能帮助软弱的,胜过强盛的。耶和华—我们的 神啊,求你帮助我们;因为我们仰赖你,奉你的名来攻击这大军。耶和华啊,你是我们的 神,不要容人胜过你。”
12 Jehovha akaparadza vaEtiopia pamberi paAsa naJudha vakatiza,
于是耶和华使古实人败在亚撒和犹大人面前,古实人就逃跑了;
13 uye hondo yaAsa yakavatandanisa kusvika kuGerari. VaEtiopia vazhinji kwazvo vakafa zvokuti havanazve kuzombodzokera pasimba rakare; vakabva vaparadzwa pamberi paJehovha navarwi vake. Varume veJudha vakatakura upfumi huzhinji kwazvo hwavakapamba.
亚撒和跟随他的军兵追赶他们,直到基拉耳。古实人被杀的甚多,不能再强盛,因为败在耶和华与他军兵面前。犹大人就夺了许多财物,
14 Vakaparadza misha yose yakanga yakapoteredza Gerari, nokuti kutsamwa kwaJehovha kwakanga kwawira pavari. Vakapamba misha iyi yose, nokuti yaiva nezvokupamba zvakawanda.
又打破基拉耳四围的城邑;耶和华使其中的人都甚恐惧。犹大人又将所有的城掳掠一空,因其中的财物甚多,
15 Vakarwisazve mapoka avafudzi vakatora makwai akawanda nembudzi nengamera zhinji. Ipapo vakadzokera kuJerusarema.
又毁坏了群畜的圈,夺取许多的羊和骆驼,就回耶路撒冷去了。

< 2 Makoronike 14 >