< 2 Makoronike 13 >

1 Mugore regumi namasere rokutonga kwaJerobhoamu, Abhija akava mambo weJudha.
در سال هجدهم سلطنت یربعام، ابیا بریهودا پادشاه شد.۱
2 Uye akatonga muJerusarema kwamakore matatu. Zita ramai vake rainzi Maaka, mwanasikana waUrieri weGibhea. Pakava nokurwisana pakati paAbhija naJerobhoamu.
سه سال دراورشلیم پادشاهی کرد و اسم مادرش میکایادختر اوریئیل از جبعه بود.۲
3 Abhija akaenda kundorwa nehondo yaiva navarume zviuru mazana mana vaigona kurwa, uye Jerobhoamu akamurwisa navarwi zviuru mazana masere vaigona kurwa.
و ابیا بافوجی از شجاعان جنگ آزموده یعنی چهارصدهزار مرد برگزیده تدارک جنگ دید، و یربعام باهشتصد هزار مرد برگزیده که شجاعان قوی بودند با وی جنگ را صف آرایی نمود.۳
4 Abhija akamira paGomo reZemaraimi munyika yezvikomo yeEfuremu akati, “Iwe Jerobhoamu neIsraeri yose teererai kwandiri!
و ابیا برکوه صمارایم که در کوهستان افرایم است برپاشده، گفت: «ای یربعام و تمامی اسرائیل مراگوش گیرید!۴
5 Hamuzivi here kuti Jehovha Mwari waIsraeri, akapa umambo hwaIsraeri kuna Dhavhidhi navana vake nokusingaperi nesungano yemunyu?”
آیا شما نمی دانید که یهوه خدای اسرائیل سلطنت اسرائیل را به داود و پسرانش باعهد نمکین تا به ابد داده است؟۵
6 Asi Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, mumwe wavakuru vaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi akapandukira mambo wake.
و یربعام بن نباطبنده سلیمان بن داود برخاست و بر مولای خودعصیان ورزید.۶
7 Vamwe vakapikisana naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni paakanga achiri mudiki asati ava kugona kuzvisarudzira zvaaida uye asati asimba kuti angarwisana navo.
و مردان بیهوده که پسران بلیعال بودند نزد وی جمع شده، خویشتن را به ضدرحبعام بن سلیمان تقویت دادند، هنگامی که رحبعام جوان و رقیق القلب بود و با ایشان مقاومت نمی توانست نمود.۷
8 “Uye zvino mava kurangana kurwisana noumambo hwaJehovha, huri mumaoko ezvizvarwa zvaDhavhidhi. Zvirokwazvo muri hondo huru; uye mune zvimhuru zvegoridhe zvakagadzirwa naJerobhoamu kuti zvive vamwari venyu.
و شما الان گمان می‌برید که با سلطنت خداوند که در دست پسران داود است مقابله توانید نمود؟ و شما گروه عظیمی می‌باشید و گوساله های طلا که یربعام برای شما به‌جای خدایان ساخته است با شمامی باشد.۸
9 Asi hamuna kudzinga here vaprista vaJehovha, vanakomana vaAroni navaRevhi mukagadza vaprista venyu moga sezvinoitwa navamwe vanhu vedzimwe nyika? Ani naani anenge auya kuzozvitsaura nehando diki namakondobwe manomwe anogona kuva muprista wezvisiri zvamwari.
آیا شما کهنه خداوند را از بنی هارون و لاویان را نیز اخراج ننمودید و مثل قومهای کشورها برای خود کاهنان نساختید؟ و هرکه بیاید و خویشتن را با گوساله‌ای و هفت قوچ تقدیس نماید، برای آنهایی که خدایان نیستند کاهن می‌شود.۹
10 “Asi kana tiri isu, Jehovha ndiye Mwari wedu, uye hatina kumurasa. Vaprista vanoshumira Jehovha vana vaAroni, uye vaRevhi vanovabatsira.
و اما ما یهوه خدای ماست و اورا ترک نکرده‌ایم و کاهنان از پسران هارون خداوند را خدمت می‌کنند و لاویان در کار خودمشغولند.۱۰
11 Mangwanani namanheru oga oga vanopisa zvipiriso zvinopiswa nezvinonhuhwira kuna Jehovha. Vanoisa chingwa patafura yakanatswa uye vanobatidza mwenje iri pazvigadziko zvegoridhe manheru oga oga. Tiri kutevera zvinodikanwa naJehovha Mwari wedu asi imi makamurasa.
و هر صبح و هر شام قربانی های سوختنی و بخور معطر برای خداوند می‌سوزانندو نان تقدمه بر میز طاهر می‌نهند و شمعدان طلا وچراغهایش را هر شب روشن می‌کنند زیرا که ماوصایای یهوه خدای خود را نگاه می‌داریم اماشما او را ترک کرده‌اید.۱۱
12 Mwari anesu; ndiye mutungamiri wedu. Vaprista vake nehwamanda dzavo vachakuridzirai mhere yehondo. Varume veIsraeri, musarwisana naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu, nokuti hamuzokundi.”
و اینک با ما خدارئیس است و کاهنان او با کرناهای بلند آوازهستند تا به ضد شما بنوازند. پس‌ای بنی‌اسرائیل با یهوه خدای پدران خود جنگ مکنید زیراکامیاب نخواهید شد.»۱۲
13 Zvino Jerobhoamu akanga atuma mamwe mapoka avarwi nokushure kwavo kuitira kuti iye paainge ari mberi kwaJudha vamwe vainge vakavandira shure kwavo.
اما یربعام کمین گذاشت که از عقب ایشان بیایند و خود پیش روی یهودا بودند و کمین درعقب ایشان بود.۱۳
14 VaJudha vakatendeuka vakaona kuti vakanga vava kurwiswa kwose mberi neshure. Ipapo vakachema kuna Jehovha. Vaprista vakaridza hwamanda dzavo,
و چون یهودا نگریستند، اینک جنگ هم از پیش و هم از عقب ایشان بود، پس نزد خداوند استغاثه نمودند و کاهنان کرناهارا نواختند.۱۴
15 varume veJudha vakaita mhere yehondo. Pakangonzwikwa mhere yehondo, Mwari akaparadza Jerobhoamu neIsraeri yose pamberi paAbhija navanhu veJudha.
و مردان یهودا بانگ بلند برآوردند، و واقع شد که چون مردان یهودا بانگ برآوردند، خدا یربعام و تمامی اسرائیل را به حضور ابیا ویهودا شکست داد.۱۵
16 VaIsraeri vakatiza pamberi paJudha uye Mwari akavaisa mumaoko avo.
و بنی‌اسرائیل از حضوریهودا فرار کردند و خدا آنها را به‌دست ایشان تسلیم نمود.۱۶
17 Abhija navanhu vake vakaparadza vazhinji vavo kwazvo, zvokuti zviuru mazana mashanu zvavarume vaigona kurwa pakati paIsraeri vakafa.
و ابیا و قوم او آنها را به صدمه عظیمی شکست دادند، چنانکه پانصد هزار مردبرگزیده از اسرائیل مقتول افتادند.۱۷
18 Varume veIsraeri vakakundwa panguva iyi, uye varume veJudha vakakunda nokuti vaivimba naJehovha, Mwari wamadzibaba avo.
پس بنی‌اسرائیل در آن وقت ذلیل شدند و بنی یهوداچونکه بر یهوه خدای پدران خود توکل نمودند، قوی گردیدند.۱۸
19 Abhija akatevera Jerobhoamu akatora kubva kwaari maguta anoti Bheteri, Jeshana, neEfuroni nemisha yawo yakapoteredza.
و ابیا یربعام را تعاقب نموده، شهرهای بیت ئیل را با دهاتش و یشانه را بادهاتش و افرون را با دهاتش از او گرفت.۱۹
20 Jerobhoamu haana kuzotongazve panguva yaAbhija. Uye Jehovha akamurova akafa.
ویربعام در ایام ابیا دیگر قوت بهم نرسانید و خداوند او را زد که مرد.۲۰
21 Asi Abhija akakura pasimba. Akawana vakadzi gumi navana uye akava navanakomana makumi maviri nevaviri uye navanasikana gumi navatanhatu.
و ابیا قوی می‌شد وچهارده زن برای خود گرفت و بیست و دو پسر وشانزده دختر به وجود آورد.۲۱
22 Mamwe mabasa okutonga kwaAbhija, zvaakaita nezvaakataura, zvakanyorwa mumashoko ezvinyorwa zvamuprofita Idho.
پس بقیه وقایع ابیااز رفتار و اعمال او در مدرس عدوی نبی مکتوب است.۲۲

< 2 Makoronike 13 >