< 2 Makoronike 11 >
1 Rehobhoamu paakasvika muJerusarema, akakurudzira imba yaJudha naBhenjamini, varume zviuru zana namakumi masere zvavarwi, kuti varwisane neIsraeri vatorezve umambo hwaRehobhoamu.
[上主禁止進攻以色列]勒哈貝罕一回到耶路撒冷,即刻召集猶大和本雅明家族中十八萬善戰的精兵,去攻打以色列,想把王國奪回,再歸屬勒哈貝罕。
2 Asi shoko iri raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti,
但是,上主有話傳於天主的人舍瑪雅說:「
3 “Udza Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo weJudha navaIsraeri vose vari muJudha neBhenjamini, uti,
你去告訴撒羅滿的兒子猶大王勒哈貝罕,及所有猶大和本雅明的以色列人說:
4 ‘Zvanzi naJehovha: Musaenda kunorwisana nehama dzenyu; endai kumba, mumwe nomumwe wenyu, nokuti uku kuita kwangu.’” Saka vakateerera mashoko aJehovha vakadzoka kubva mukuda kundorwisana naJerobhoamu.
上主這樣說:你們不可前去攻打你們的弟兄! 你們各人回本家罷! 因為這事是出於我。」他們便聽從上主的話,都回去了,沒有去攻打雅洛貝罕。[勒哈貝罕加強防禦工事]
5 Rehobhoamu akagara muJerusarema akavaka maguta okuzvidzivirira muJudha aiti:
勒哈貝罕住在耶路撒冷,在猶大修築了各成的防禦工事,
6 Bheterehema, Etami, Tekoa,
即修築了白冷、厄坦、特科亞、
7 Bheti Zuri, Soko, Adhuramu,
貝特族爾、索苛、阿杜藍、
9 Adhoraimi, Rakishi, Azeka,
阿多蘭、拉基士、阿則卡、
10 Zora, Aijaroni neHebhuroni. Aya ndiwo aiva maguta enhare muJudha neBhenjamini.
祚辣、阿雅隆和赫貝龍:這些都是猶大和本雅明境內設防的城。
11 Akasimbisa nhare dzawo akaisa vakuru vehondo maari, nezvokudya zvizhinji, mafuta omuorivhi newaini.
他加強鞏固這些城,派軍駐守,儲備食糧,酒、油;
12 Akaisa nhoo namapfumo mumaguta ose, akaaita kuti ave akasimba kwazvo. Saka Judha neBhenjamini vaiva vake.
各城內又備有干戈,使之極其堅固,為統治猶大和本雅明。[聖職人員來歸]
13 Vaprista navaRevhi kubva kumatunhu ose muIsraeri yose vaiva kurutivi rwake.
凡以色列所有的司祭和肋未人都由各地歸勒哈貝罕。
14 Vaprista navaRevhi vakatosiya mafuro ezvipfuwo zvavo nemidziyo yavo vakauya kuJudha neJerusarema nokuti Jerobhoamu navanakomana vake vakanga vavaramba savaprista vaJehovha.
肋未人離開自己的牧場和產業,來到猶大和耶路撒冷,是因為雅洛貝罕和他的兒子們拒絕他們充當司祭,服事上主,
15 Uye iye akagadza vaprista vake pachake akavaisa panzvimbo dzakakwirira uye nezvifananidzo zvembudzi nezvemhuru zvaakanga agadzira.
而另為高丘、公山羊像和自己所製的牛犢委派了司祭。
16 Vose vaibva kumarudzi ose aIsraeri vakaisa mwoyo yavo pakutsvaga Jehovha, Mwari waIsraeri, vakatevera vaRevhi kuJerusarema kuti vandopa zvibayiro kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
為此,以色列各支派中,凡專心尋求上主以色列天主的,都隨那些肋未人到了耶路撒冷,向上主他們祖先的天主奉獻犧牲。
17 Vakasimbisa umambo hwaJudha vakatsigira Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni kwamakore matatu, vachifamba munzira dzaDhavhidhi naSoromoni panguva iyoyi.
如此,這般人加強了猶大的國勢,使撒羅滿的兒子勒哈貝罕有了勢力,凡三年之久,因為他們在三年之中,遵循了達味和撒羅滿的道路。[勒哈貝罕的家室]
18 Rehobhoamu akawana Maharati aiva mwanasikana womwanakomana waDhavhidhi ainzi Jerimoti uye waAbhihairi mwanasikana womwanakomana waJese ainzi Eriabhi.
勒哈貝罕取了達味之子耶黎摩特的女兒,亦即葉瑟之子厄里雅布的女兒阿彼海耳的女兒瑪哈拉特為妻。
19 Akamuberekera vanakomana vaiti, Jeushi, Shemaria naZahamu.
瑪哈拉特給他生的兒子,即耶烏士、舍瑪黎雅和匝罕。
20 Ipapo akawana Maaka mwanasikana waAbhusaromu akamuberekera Abhija, Atai, Ziza naSheromiti.
以後,他又娶了阿貝沙隆的外孫女瑪阿加,她生了阿彼雅,阿泰、齊匝和舍羅米特。
21 Rehobhoamu aida Maaka mwanasikana waAbhusaromu kupfuura vamwe vakadzi vake navarongo vake vose. Pamwe chete aiva navakadzi gumi navasere, navarongo makumi matanhatu, vanakomana makumi maviri navasere, navanasikana makumi matanhatu.
勒哈貝罕共娶了十八個妻子,六十個妾侍,生了二十八個兒子,六十個女兒;但他愛阿貝沙龍的外孫女瑪阿加,超過其他的妻妾。
22 Rehobhoamu akagadza Abhija mwanakomana waMaaka kuti ave muchinda mukuru pakati pavana vababa vake kuitira kuti azova mambo.
勒哈貝罕遂將瑪阿加的兒子阿彼雅立為儲君,為眾兄弟之長,有意立他為王。
23 Akaita zvakachenjera akaparadzira vamwe vavanakomana vake mumatunhu ose eJudha neBhenjamini nokumaguta ose enhare. Akavapa zvinhu zvizhinji akavawanira vakadzi vakawanda.
勒哈貝罕作事聰明,將他所有的兒子分派在猶大和本雅明全境所有設防的城內,供給他們豐富食糧,並給他們娶了許多妻妾。