< 1 Timoti 1 >

1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokurayira kwaMwari Muponesi wedu, naKristu Jesu, tariro yedu,
Paulo, Mitumi nuang'wa Yesu Kilisto, kendenkania mlago lang'wi Tunda numuguni witu Yesu Kilisto numugimya witu,
2 kuna Timoti mwanakomana wangu chaiye pakutenda: Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu.
kung'wa Timoteo ung'wanane nuatai muuhueli: Nekanda, ukende nuupolo nuupumile kung'wi Tunda Tata nukung'wa Yesu Kilisto Mukulu witu.
3 Sezvandakakumbira zvikuru kwauri pandakaenda kuMasedhonia, gara paEfeso kuitira kuti ugorayira vamwe varume kuti varege kudzidzisa dzidziso dzenhema,
Anga naenukupepeeye naenihegile nikenda kumakedonia, usage kuefeso inge kina uhume kuahama iantu angwi alekekumanyisa umanyisi nuungiza.
4 kana kuzvipira kungano nokunhoroondo dzamazita amadzitateguru dzisingaperi. Izvi zvinongomutsa nharo panzvimbo yebasa raMwari rinoitwa nokutenda.
Hange alekekulegeelya imakumo nuupangi nuaulangi nimagila impelo. Aya isasha kikunguma kukila kuaaelya kulongolesha umupango nuang'wi Tunda nuauhueli.
5 Chinovavarirwa nomurayiro uyu ndirwo rudo runobva pamwoyo wakachena, hana yakanaka nokutenda kwechokwadi.
Inge gwa isigo nelilago ile ulowa nuupumile munkolo ninza, muusigi nuuza numuhueli nuatai.
6 Vamwe vakarasika kubva pazvinhu izvi uye vakatsaukira mukutaura kusina maturo.
Ang'wi aantu aliuiye isigo ikaleka uumanyisigwa uwu nukupilukila uligiti nuekepungu.
7 Vanoda kuva vadzidzisi vomurayiro, asi havazivi zvavari kutaura pamusoro pazvo kana izvo zvavari kushingira kusimbisa.
Aloilwe kutula amanyisi amalago, kuile shaaine niakulutambula ang'ei niakulukazela.
8 Tinoziva kuti murayiro wakanaka kana munhu achiushandisa zvakanaka.
Kuite kuine kina ilago iza angwi umuntu ukulitumila mutaitaii.
9 Tinozivawo kuti murayiro hauna kuitirwa vakarurama asi vanodarika murayiro navanomukira, vasina umwari navatadzi, vasiri vatsvene navasina chinamato; vaya vanouraya vanababa vavo kana vanamai vavo, vanouraya vanhu,
Kulengile kina, ilago singaaileikilwe kunsoko amuntu nukele etai, inge kunsoko aunangi ilago niapiluki, antu nesinga akueli hange niakete imilandu agila Itunda hange ashapu (Adobu). Iikilwe kunsoko ao niibulaga Atata niaia ao, kunsoko aabulagi.
10 mhombwe navanopomba navamwe varume, navanotengesa vanhu kuti vave varanda, varevi venhema, navanopika nhema, uye kana chimwe chipi zvacho chinopesana nedzidziso yechokwadi
Kunsoko akosi, kunsoko aantu niigoolya, kunsoko aawa niiteka iantu nukuatenda atugwa, kunsoko aateele, kunsoko aihengi auteele hangi wihi nukule kensengele nyuma nuulagili nuauhueli.
11 inosimbisa vhangeri rokubwinya, raMwari akaropafadzwa, iro raakapa kwandiri.
Ulagiili uwu utakanile ninkani ninziza niaukulu wang'wi Tunda nuekembetwa naza kung'wao ehuiwe.
12 Ndinovonga Kristu Jesu Ishe wedu, akandipa simba, akati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake.
Numulumbeye u Yesu Kilisto Mkulu witu. Aeumpee ngulu, kunsoko aeumbaiye unene kulula numuhueli, hange wikambika muwitumi.
13 Kunyange zvazvo ndaimbomhura Mwari ndiri mutambudzi nomunhu wokumanikidza, ndakaitirwa ngoni nokuti ndakazviita mukusaziva uye nomukusatenda.
Aeni muntu numumeli, maji hange muntu numulei. Kuite nikapegwa ukende kunsoko aitendile kuupungu singaainikuie.
14 Nyasha zhinji dzaIshe wedu dzakadururwa pamusoro pangu, pamwe chete nokutenda norudo zviri muna Kristu Jesu.
Kuite ukende nuang'wi Tunda witu wizue uuhueli nuulowa nuukole mung'wa Kilisto u Yesu.
15 Herino shoko rezvokwadi rinofanira kutendwa kwazvo: Kristu Jesu akauya munyika kuti aponese vatadzi, ini ndiri mukuru wavo.
Uutung'wa uwu wauhueli hange unonee usingiligwe niantu ehi, kunsoko u Yesu Kilisto auzile muhe kuguna niamilandu. Une numubii kukila ehi.
16 Asi nokuda kwechikonzero ichochi ndakaitirwa ngoni kuitira kuti mandiri ini mutadzi mukuru, Kristu Jesu aratidze mwoyo murefu wake usingaperi kuti ndive muenzaniso kuna avo vachatenda kwaari uye vagowana upenyu husingaperi. (aiōnios g166)
Kuite kunsoko eye une aepegilwe ukende nuukati ane unene, kanziilya ehi, u Yesu Kilisto wigeelye ugimya wehi. Autendile ite anga kilingasiilyo kuehi neikamuhuela nuanso kunsoko aupanga nuakale. (aiōnios g166)
17 Zvino iye Ishe asingaperi, asingafi, asingaonekwi, iye Mwari oga, ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri. (aiōn g165)
Nitungeli kumutemi numugila empelo, nisingaukusha nisingukigela, Itunda ung'wenso, itule ikulyo nuukulu nuakale nakale. Hueli. (aiōn g165)
18 Timoti, mwanakomana wangu, ndinokupa murayiro uyu maererano nezvakaprofitwa kare pamusoro pako, kuti kana ukautevera ucharwa kurwa kwakanaka,
Kuleika ilagiilyo ile ntongela ako Timoteo, ng'waane. Kutenda ite kuning'aniilya nuunyakidagu naeupumigwe apo pang'wandyo kunsoko ako. Inge utule mumbita ninza.
19 wakabata kutenda uye nehana yakanaka. Vamwe vakaramba mirayiro iyi vakarasikirwa nokutenda kwavo.
Tenda uu inge utule nuuhueli ni sigo niza. Ang'wiao niantu amahitile aya ikaulimilya uuhueli.
20 Vamwe vavo ndiHimenio naArekizanda, avo vandakaisa kuna Satani kuti vadzidziswe kuti varege kumhura Mwari.
Anga ite Himenayo nu Alekizanda ninamupeza umulugu amanyisigwe alekekumumela.

< 1 Timoti 1 >