< 1 Timoti 6 >

1 Vose varanda vari pasi pejoko rouranda vanofanira kukudza vatenzi vavo zvizere, kuitira kuti zita raMwari nedzidziso yedu zvirege kumhurwa.
凡負軛為奴隸的,應認為自己的主人堪受各種尊敬,以免天主的名號和道理被人褻瀆。
2 Avo vana vatenzi vanotenda ngavarege kuvazvidza nokuda kwokuti ihama. Asi kutoti vanofanira kuvashumira zviri nani, nokuti vaya vanobatsirwa nebasa ravo vatendi, uye vadikanwi kwavari. Izvi ndizvo zvinhu zvaunofanira kuvadzidzisa uye nokuvarayira.
奴隸若是有信教的主人,也不可因他們是弟兄,便加以輕視,反要越發服事他們,因為得服事之惠的是信徒,是可愛的弟兄。你要拿這些事教訓人,勸勉人。
3 Kana munhu achidzidzisa dzidziso dzenhema uye asingabvumi dzidziso yakanaka yaIshe wedu Jesu Kristu uye nedzidziso youmwari,
若有人講異端道理,不順從我們的主耶穌基督的健全道理,與那合乎虔敬的教訓,
4 anongozvikudza uye haazivi chinhu. Anongofarira nharo nokukakavara pamusoro pamashoko asingabatsiri, anongomutsa godo, gakava, kutukana nokufungirana zvakaipa,
他必是妄自尊大,一無所知,患有辨論和舌戰之癖的人;由此而生出嫉妒、爭吵、謾罵、惡意的猜疑,
5 uye nokupesana kusingaperi pakati pavanhu vane murangariro wakaora, vakabirwa zvokwadi uye vanofunga kuti umwari inzira yokuwana nayo mari.
以及心思敗壞和喪失理智者的口角;他們以為虔敬是獲利之源。
6 Asi umwari nokugutsikana nezvatinazvo zvinopfumisa kwazvo.
的確,虔敨是一種獲的富源,但應有知足的心,
7 Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hatigoniwo kubuda nechinhu kubva mairi.
因為我們沒有帶什麼到世界上,同樣也不能帶走什麼,
8 Asi kana tine zvokudya nezvokupfeka, tichagutsikana nazvo.
只要我們有吃有穿,就當知足。
9 Vanhu vanotsvaka kupfuma vanowira mukuedzwa nomumusungo uye nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza uye kunoisa vanhu mukuparadzwa nokuraswa.
至於那些想望致富的人,卻陷於誘感,墮入羅網和許多背理有害的慾望中,這慾望叫人沉溺於敗壞和滅亡人,
10 Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose. Vamwe vanhu vanoda mari zvikuru, vakatsauka kubva pakutenda uye vakazvibaya neshungu zhinji.
貪愛錢財乃萬惡的根源;有些人曾因求錢財而離棄了信德,使e 了許刺心的痛苦。
11 Asi iwe, munhu waMwari, tiza kubva pane izvi zvose, uye utevere kururama, umwari, kutenda, rudo, kutsungirira nounyoro.
至於你,天主的人哪,你要躲避這些事;但要追求正義、虔敬、信德愛德、堅忍和良善,
12 Irwa kurwa kwakanaka kwokutenda. Ubatisise upenyu husingaperi hwawakadanirwa kwahuri pawakapupura kupupura kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji. (aiōnios g166)
要奮力打這埸有關信仰的好仗,要爭取永生:你正是為此而蒙召,並為此在許多證人前宣示了你那美好的誓言。 (aiōnios g166)
13 Ndinokurayira, pamberi paMwari, anopa upenyu kuzvinhu zvose, napamberi paKristu Jesu akapupura zvakanaka paakapa uchapupu pamberi paPondio Pirato,
我在使萬有有生活的天主前和曾對般雀比拉多宣過美好誓言的基督耶穌前命令你,
14 kuti uchengete murayiro uyu, usina chinongo kana chaungapomerwa kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu,
務要保守這訓今,不受玷污,無可指摘,直到我們的主耶穌基督的顯現:
15 uyo achazoratidzwa naMwari panguva yake iye Mwari, iye oga Mutongi akaropafadzwa, Mambo wamadzimambo naIshe wamadzishe.
在預定的時期使人看見這顯現的,是那麼真福,惟一全能者,萬王之王,萬王之之主,
16 Iye oga ndiye asingafi uye agere pachiedza chisina angaswedera pachiri, uyo asina akambomuona kana angamuona. Kukudzwa nesimba ngazvive kwaari nokusingaperi. Ameni. (aiōnios g166)
那獨不死不滅,住於不可接近的光中,沒有人看見過,也不能看見的天主。願尊崇和永遠的威權歸衪。亞們。 (aiōnios g166)
17 Rayira vapfumi panyika ino kuti varege kuzvikudza kana kuisa tariro yavo mupfuma, isingagari, asi kuti vaise tariro yavo kuna Mwari, anotipa zvose zvizhinji kuti tifare nazvo. (aiōn g165)
至於今世的富人,你要勸告他們,不要心高氣傲,也不要寄望於無常的財物,惟獨寄望於那將萬物豐富地供給我們享用的天主。 (aiōn g165)
18 Varayire kuti vaite zvakanaka, uye kuti vafarire kupa vamwe uye nokugoverana.
又要勸他們行善,在善工上致富,甘心施捨,樂意通財,
19 Vachazviunganidzira pfuma senheyo yakasimba kunguva dzinouya, kuti vagobatisisa upenyu hunova upenyu kwechokwadi.
為自己積蓄好的根基,以備將來能享受那真正的生命。
20 Timoti, chengeta icho chawakapiwa. Furatira zvokutaura mashoko asina umwari nepfungwa dzinopikisa, dzezvinonzi pakutaura kwenhema zivo,
弟茂德啊,要保管所受的寄托,要躲避凡俗的空談,和假冒知識之名的反論。
21 idzo dzakapupurwa navamwe uye nokudaro vakatsauka kubva pakutenda. Nyasha ngadzive newe.
有些人自充有這知識,但終於失落了信德。願恩寵與你們同在!

< 1 Timoti 6 >