< 1 Samueri 8 >

1 Samueri akati akwegura, akagadza vanakomana vake kuti vave vatongi veIsraeri.
وقتی سموئیل پیر شد، پسران خود را به عنوان داور بر اسرائیل گماشت.
2 Zita redangwe rake rainzi Joere uye zita rowechipiri rainzi Abhia, uye vaishanda vari paBheerishebha.
نام پسر اول، یوئیل و پسر دوم اَبیّا بود. ایشان در بئرشبع بر مسند داوری نشستند.
3 Asi vanakomana vake vakatsaukira kupfuma yakaipa, vakatambira fufuro, vakasaruramisira pakutonga.
اما آنها مثل پدر خود رفتار نمی‌کردند بلکه طمعکار بودند و از مردم رشوه می‌گرفتند و در قضاوت، عدالت را رعایت نمی‌کردند.
4 Saka vakuru vose veIsraeri vakaungana pamwe chete vakauya kuna Samueri paRama.
بالاخره، رهبران اسرائیل در رامه جمع شدند تا موضوع را با سموئیل در میان بگذارند.
5 Vakati kwaari, “Makwegura, uye vana venyu havafambi munzira dzenyu; naizvozvo gadzai mambo kuti atitungamirire, sezvakaita mamwe marudzi ose.”
آنها به او گفتند: «تو پیر شده‌ای و پسرانت نیز مانند تو رفتار نمی‌کنند. پس برای ما پادشاهی تعیین کن تا بر ما حکومت کند و ما هم مانند سایر قومها پادشاهی داشته باشیم.»
6 Asi pavakati, “Tipei mambo kuti atitungamirire,” izvi hazvina kufadza Samueri; saka akanyengetera kuna Jehovha.
سموئیل از درخواست آنها بسیار ناراحت شد و برای کسب تکلیف به حضور خداوند رفت.
7 Uye Jehovha akamuudza kuti: “Teerera zvose zvinotaura vanhu kwauri; havana kuramba iwe, asi varamba ini samambo wavo.
خداوند در پاسخ سموئیل فرمود: «طبق درخواست آنها عمل کن، زیرا آنها مرا رد کرده‌اند نه تو را. آنها دیگر نمی‌خواهند من پادشاه ایشان باشم.
8 Sezvavakaita kubva pazuva randakavabudisa muIjipiti kusvikira nhasi, vachindisiya uye vachishumira vamwe vamwari, ndizvo zvavari kuita nokwauri.
از موقعی که ایشان را از مصر بیرون آوردم، پیوسته مرا ترک نموده، به دنبال خدایان دیگر رفته‌اند. الان با تو نیز همان رفتار را پیش گرفته‌اند.
9 Zvino, teerera zvavanotaura; asi uvayambire zvakasimba uye uvazivise zvichaitwa namambo achavatonga.”
هر چه می‌گویند بکن، اما به ایشان هشدار بده که داشتن پادشاه چه عواقبی دارد.»
10 Samueri akataura mashoko ose aJehovha kuvanhu vakanga vachimukumbira mambo.
سموئیل از جانب خداوند به ایشان که از او پادشاه می‌خواستند، چنین گفت:
11 Akati, “Izvi ndizvo zvichaitwa neachakutongai: Achatora vanakomana venyu agoita kuti vashande nengoro dzake dzehondo namabhiza, uye vachamhanya vari mberi kwengoro dzake.
«اگر می‌خواهید پادشاهی داشته باشید، بدانید که او پسران شما را به خدمت خواهد گرفت تا بعضی بر ارابه‌ها و بعضی بر اسبها او را خدمت کنند و بعضی در جلوی ارابه‌هایش بدوند.
12 Vamwe vavo achavaita vatungamiri vezviuru navatungamiri vamakumi mashanu, uye achaita kuti vamwe varime minda yake pamwe chete nokuikohwa, uye achaita kuti vamwe vagadzire zvombo zvehondo nemidziyo yengoro dzake.
او بعضی را به فرماندهی سپاه خود خواهد گماشت و بعضی دیگر را به مزارع خود خواهد فرستاد تا زمین را شیار کنند و محصولات او را جمع‌آوری نمایند، و از عده‌ای نیز برای ساختن اسلحه و وسایل ارابه استفاده خواهد کرد.
13 Achatora vanasikana venyu kuti vave vagadziri vamafuta anonhuhwira navabiki vezvokudya navabiki vechingwa.
پادشاه، دختران شما را هم به کار می‌گیرد تا نان بپزند و خوراک تهیه کنند و برایش عطر بسازند.
14 Achatora minda yenyu yakaisvonaka neminda yemizambiringa neminda yemiorivhi agozvipa kuvatariri vake.
او بهترین مزارع و تاکستانها و باغهای زیتون را از شما خواهد گرفت و به افراد خود خواهد داد.
15 Achatora chegumi chembeu dzenyu namazambiringa enyu agozvipa kumachinda ake nevanomushandira.
از شما ده‌یک محصولاتتان را مطالبه خواهد نمود و آن را در میان افراد دربار، تقسیم خواهد کرد.
16 Varandarume venyu navarandakadzi venyu nemombe dzenyu dzakaisvonaka nembongoro achazvitora kuti azvishandise pamabasa ake.
غلامان، کنیزان، رمه‌ها و الاغهای شما را گرفته، برای استفادهٔ شخصی خود به کار خواهد برد.
17 Achatora chegumi chamakwai enyu, uye imi pachenyu muchava nhapwa dzake.
او ده‌یک گله‌های شما را خواهد گرفت و شما بردهٔ وی خواهید شد.
18 Zuva iroro parichasvika muchachema kwazvo nokuda kwamambo iyeye wamazvisarudzira, uye Jehovha haazokupindurai pazuva iroro.”
وقتی آن روز برسد، شما از دست پادشاهی که انتخاب کرده‌اید فریاد برخواهید آورد، ولی خداوند به داد شما نخواهد رسید.»
19 Asi vanhu vakaramba kuteerera Samueri. Vakati, “Kwete! Tinoda mambo kuti atitonge.
اما مردم به نصیحت سموئیل گوش ندادند و به اصرار گفتند: «ما پادشاه می‌خواهیم
20 Ipapo tichava sedzimwe nyika dzose, tiina mambo anotitungamirira nokutiendera pamberi achitirwira hondo dzedu.”
تا مانند سایر قومها باشیم. می‌خواهیم او بر ما سلطنت کند و در جنگ ما را رهبری نماید.»
21 Samueri akati anzwa zvose zvakanga zvataurwa navanhu, akandozvitaura zvakare pamberi paJehovha.
سموئیل آنچه را که مردم گفتند با خداوند در میان گذاشت،
22 Jehovha akapindura achiti, “Vateerere uye uvape mambo.” Ipapo Samueri akati kuvarume veIsraeri, “Munhu wose ngaadzokere kuguta rake.”
و خداوند بار دیگر پاسخ داد: «هر چه می‌گویند بکن و پادشاهی برای ایشان تعیین نما.» سموئیل موافقت نمود و مردم را به خانه‌هایشان فرستاد.

< 1 Samueri 8 >