< 1 Samueri 4 >
1 Uye shoko raSamueri rakasvika kuIsraeri yose. Zvino vaIsraeri vakaenda kundorwa navaFiristia. VaIsraeri vakaungana paEbhenezeri, vaFiristia vakavaka misasa yavo paAfeki.
The word of Samuel came to all of Israel. Now Israel went out to battle against the Philistines. They set up camp at Ebenezer, and the Philistines set up camp at Aphek.
2 VaFiristia vakagadzirira varwi vavo kuti vandosangana neIsraeri, uye hondo payakanga yava kupararira, Israeri yakakundwa navaFiristia avo vakauraya varume zviuru zvina zvavo pavairwira.
The Philistines lined up for battle against Israel. When the battle spread, Israel was defeated by the Philistines, who killed about four thousand men on the field of battle.
3 Varwi pavakadzoka kumusasa, vakuru veIsraeri vakabvunza vakati, “Sei Jehovha aita kuti tikundwe nhasi pamberi pavaFiristia? Ngatitorei areka yesungano yaJehovha kubva kuShiro, kuti igoenda nesu uye igotiponesa kubva muruoko rwavavengi vedu.”
When the people came into the camp, the elders of Israel said, “Why has Yahweh defeated us today before the Philistines? Let us bring the ark of the covenant of Yahweh here from Shiloh, that it may be here with us, that it might keep us safe from the hands of our enemies.”
4 Naizvozvo vanhu vakatuma varume kuShiro, uye vakadzosa areka yaJehovha Wamasimba Ose uye agere pachigaro choushe pakati pamakerubhi. Zvino vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vaivapo neareka yesungano yaMwari.
So the people sent men to Shiloh; from there they carried the ark of the covenant of Yahweh of hosts, who sits above the cherubim. The two sons of Eli, Hophni and Phinehas, were there with the ark of the covenant of God.
5 Areka yesungano yaJehovha payakauya mumusasa, Israeri yose yakapururudza uye vakaita ruzha rukuru zvokuti pasi pakatinhira.
When the ark of the covenant of Yahweh came into the camp, all of the people of Israel gave a great shout, and the earth resounded.
6 Pavakanzwa mheremhere, vaFiristia vakabvunza vakati, “Mheremhere iri mumusasa wavaHebheru ndeyei?” Vakati vazvinzwa kuti areka yaJehovha yakanga yauya mumusasa,
When the Philistines heard the noise of the shouting, they said, “What does this loud shouting in the camp of the Hebrews mean?” Then they realized that the ark of Yahweh had come into the camp.
7 vaFiristia vakatya. Vakati, “Mwari asvika mumusasa. Tava munhamo! Hapana chinhu chakadai seichi chati chamboitika.
The Philistines were afraid; they said, “A god has come into the camp.” They said, “Woe to us! Nothing like this has happened before!
8 Tine nhamo! Ndianiko achatirwira pamaoko avamwari ava vane simba? Ndivo vamwari vakarova vaIjipita namarudzi ose amatambudziko mugwenga.
Woe to us! Who will protect us from the strength of these mighty gods? These are the gods who attacked the Egyptians with many different kinds of plagues in the wilderness.
9 Simbai vaFiristia! Ivai varume, mukasadaro muchava varanda vavaHebheru sezvavakanga vakaita kwamuri. Ivai varume, murwe!”
Take courage, and be men, you Philistines, or you will become slaves to the Hebrews, as they have been slaves to you. Be men, and fight.”
10 Saka vaFiristia vakarwa, vaIsraeri vakakundwa uye munhu wose akatiza achidzokera kutende rake. Pakava nokuurayiwa kukuru; Israeri yakarasikirwa navarwi vetsoka zviuru makumi matatu.
The Philistines fought, and Israel was defeated. Every man fled to his house, and the slaughter was very great; for thirty thousand foot soldiers from Israel fell.
11 Areka yaJehovha yakapambwa uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vakafa.
The ark of God was taken, and the two sons of Eli, Hophni and Phinehas, died.
12 Zuva rimwe chetero, mumwe murume weBhenjamini akamhanya achibva kuhondo akaenda kuShiro, nguo dzake dzakabvaruka uye ane guruva pamusoro wake.
A man of Benjamin ran from the battle line and came to Shiloh the same day, arriving with his clothes torn and earth on his head.
13 Paakasvikako, Eri akanga akagara pachigaro chake parutivi rwenzira, akangotarisa, nokuti mwoyo wake waityira areka yaJehovha. Murume uyu paakapinda muguta akataura zvakanga zvaitika, guta rose rakachema.
When he arrived, Eli was sitting on his seat by the road watching because his heart trembled with concern for the ark of God. When the man entered the city and told the news, the whole city cried out.
14 Eri akanzwa kuchema akandobvunza achiti, “Mheremhere iyi yose ndeyeiko?” Murume uyu akachimbidza kuenda kuna Eri,
When Eli heard the noise of the outcry, he said, “What is the meaning of this uproar?” The man quickly came and told Eli.
15 akanga ava namakore makumi mapfumbamwe namasere okuberekwa uye meso ava norutara zvokuti akanga asisaoni.
Now Eli was ninety-eight years old; his eyes did not focus, and he could not see.
16 Akati kuna Eri, “Ndiri kubva kuhondo izvozvi; ndatotizako nhasi chaiye.” Eri akabvunza akati, “Chiiko chaitika mwanakomana wangu?”
The man said to Eli, “I am the one who came from the battle line. I fled from the battle today.” Eli said, “How did it go, my son?”
17 Murume akauya neshoko akapindura achiti, “Israeri yatiza vaFiristia, uye hondo yarasikirwa zvikuru. Uyewo vanakomana venyu vaviri Hofini naFinehasi vafa, uye areka yaMwari yapambwa.”
The man who brought the news answered and said, “Israel fled from the Philistines. Also, there has been a great defeat among the people. Also, your two sons, Hophni and Phinehas, are dead, and the ark of God has been taken.”
18 Paakataura nezveareka yaMwari, Eri akawa negotsi kubva pachigaro chake parutivi rwesuo. Mutsipa wake wakatyoka akabva afa nokuti aiva murume akanga akwegura uye ari mukobvu. Akanga atungamirira Israeri kwamakore makumi mana.
When he mentioned the ark of God, Eli fell over backward from his seat by the side of the gate. His neck was broken, and he died, because he was old and heavy. He had judged Israel for forty years.
19 Muroora wake, mukadzi waFinehasi, akanga ane pamuviri ava pedyo nokuda kubatsirwa. Paakanzwa nhau idzi dzokuti areka yaJehovha yakanga yapambwa uye kuti vatezvara vake nomurume wake vakanga vafa, akarwadziwa napamuviri akabereka mwana, asi akakurirwa namarwadzo ake pakusununguka.
Now his daughter-in-law, Phinehas' wife, was pregnant and about to give birth. When she heard the news that the ark of God was captured and that her father-in-law and her husband were dead, she knelt down and gave birth, but her labor pains overwhelmed her.
20 Paakanga ava kufa madzimai aimubatsira akati, “Usaora mwoyo wabatsirwa nomwana mukomana.” Asi haana kumbopindura kana kuzviteerera.
About the time of her death the women attending to her said, “Do not be afraid, for you have given birth to a son.” But she did not answer or take what they said to heart.
21 Akatumidza mukomana uyu kuti Ikabhodhi, achiti, “Kubwinya kwabva muIsraeri,” nokuda kwokutorwa kweareka yaMwari uye nokufa kwatezvara vake nomurume wake.
She named the child Ichabod, saying, “The glory has gone away from Israel!” for the ark of God had been captured, and because of her father-in-law and her husband.
22 Akati, “Kubwinya kwabva muIsraeri, nokuti areka yaMwari yapambwa.”
She said, “The glory has gone away from Israel, because the ark of God has been captured.”