< 1 Samueri 31 >

1 Zvino vaFiristia vakarwa navaIsraeri; vaIsraeri vakatiza pamberi pavo, uye vazhinji vakawira pasi vaurayiwa paGomo reGiribhoa.
Now the Philistines fought against Israel: and the men of Israel fled from before the Philistines, and fell down slain on Mount Gilboa.
2 VaFiristia vakasimbirira kwazvo kuteverera Sauro navanakomana vake, uye vakauraya vanakomana vake, Jonatani, Abhinadhabhi naMariki-Shua.
The Philistines followed hard on Saul and on his sons; and the Philistines killed Jonathan, and Abinadab, and Malkishua, the sons of Saul.
3 Hondo yakapisa pakanga pana Sauro, uye vapfuri vouta vakati vasvika pedyo naye, vakamukuvadza zvakaipisisa.
The battle was fierce against Saul, and the archers found him, and he was wounded by the archers.
4 Sauro akati kune aibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Vhomora munondo wako undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kuuya vakandibaya uye vakandidadira.” Asi mubati wenhumbi dzake akatya akasazviita; saka Sauro akatora munondo wake akazviwisira pauri.
Then Saul said to his armor bearer, "Draw your sword, and thrust me through with it, lest these uncircumcised come and thrust me through, and torture me." But his armor bearer would not; for he was terrified. Therefore Saul took his sword, and fell on it.
5 Mubati wenhumbi dzake dzokurwa akati aona kuti Sauro afa, iyewo akawira pamunondo wake akafa.
When his armor bearer saw that Saul was dead, he likewise fell on his sword, and died with him.
6 Saka Sauro navanakomana vake vatatu nomubati wenhumbi dzake dzokurwa uye navanhu vake vose vakafa pamwe chete pazuva iroro.
So Saul died, and his three sons, and his armor bearer, and all his men, that same day together.
7 VaIsraeri vaiva mumupata navose vaiva mhiri kweJorodhani vakati vaona kuti hondo yavaIsraeri yakanga yatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vatatu vakanga vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. Saka vaFiristia vakauya vakagaramo.
When the men of Israel who were on the other side of the valley, and those who were beyond the Jordan, saw that the men of Israel fled, and that Saul and his sons were dead, they abandoned their cities, and fled; and the Philistines came and lived in them.
8 Fume mangwana, vaFiristia vakati vachiuya kuzokutunura zvinokosha zvaiva pazvitunha, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vakawirawo pasi vakafa paGomo reGiribhoa.
It happened on the next day, when the Philistines came to strip the slain, that they found Saul and his three sons fallen on Mount Gilboa.
9 Vakagura musoro wake vakabvisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume munyika yose yavaFiristia kundozivisa mashoko aya kutemberi yezvifananidzo zvavo uye napakati pavanhu vavo.
They cut off his head, and stripped off his armor, and sent into the land of the Philistines all around, to carry the news to their idols, and to the people.
10 Vakaisa nhumbi dzake dzokurwa mutemberi yaAshitoreti vakasungirira chitunha chake pamasvingo eBheti Shani.
They put his armor in the house of the Ashtaroth; and they fastened his body to the wall of Beth Shan.
11 Vanhu vokuJabheshi Gireadhi vakati vanzwa zvakanga zvaitwa navaFiristia kuna Sauro,
But when the inhabitants of Jabesh Gilead heard what the Philistines had done to Saul,
12 mhare dzavo dzose dzakasimuka dzikafamba usiku hwose dzichienda kuBheti Shani. Vakaburutsa mitumbi yaSauro navanakomana vake kubva pamasvingo eBheti Shani vakaenda kuJabheshi, kwavakandoipisa.
all the valiant men arose and traveled all night, and took the body of Saul and the bodies of his sons from the wall of Beth Shan, and brought them to Jabesh and burnt them there.
13 Ipapo vakatora mapfupa avo vakaaviga pasi pomuti womutamariki paJabheshi, uye vakatsanya kwamazuva manomwe.
They took their bones, and buried them under the tamarisk tree in Jabesh, and fasted seven days.

< 1 Samueri 31 >