< 1 Samueri 30 >

1 Dhavhidhi navanhu vake vakasvika kuZikiragi pazuva retatu. Zvino vaAmareki vakanga vakomba Negevhi neZikiragi. Vakanga varwisa Zikiragi vakaripisa,
Lorsque David arriva avec ses hommes le troisième jour à Siceleg, les Amalécites avaient fait une invasion dans le Négéb et à Siceleg; ils avaient frappé Siceleg et l’avaient brûlée;
2 uye vakanga vatapa vakadzi navose vakanga varimo, vose vakuru navaduku. Havana wavakauraya, asi vakavatora vakaenda navo.
et ils avaient fait prisonniers les femmes et tous ceux qui s’y trouvaient, petits et grands, sans tuer personne, et ils les avaient emmenés, et s’étaient remis en route.
3 Dhavhidhi navanhu vake vakati vasvika kuZikiragi, vakariwana raparadzwa nomoto, uye vakadzi vavo navanakomana navanasikana vavo vakanga vatapwa.
Lors donc que David et ses gens arrivèrent à la ville, ils virent qu’elle était brûlée, et que leurs femmes, leurs fils et leurs filles avaient été emmenés captifs.
4 Saka Dhavhidhi navanhu vake vakachema kwazvo kusvikira vapererwa nesimba rokuchema.
Et David et le peuple qui était avec lui élevèrent la voix et pleurèrent jusqu’à ce qu’ils n’eussent plus la force de pleurer.
5 Vakadzi vaDhavhidhi vari vaviri vakanga vatapwa, Ahinoami weJezireeri naAbhigairi, chirikadzi yaNabhari weKarimeri.
Les deux femmes de David avaient été aussi emmenées captives, Achinoam de Jezraël, et Abigaïl de Carmel, femme de Nabal.
6 Dhavhidhi akatambudzika zvikuru nokuti vanhu vakanga vachitaura zvokuda kumutaka namabwe; mumwe nomumwe akanga ane shungu mumweya make nokuda kwavanakomana navanasikana vake. Asi Dhavhidhi akawana simba muna Jehovha Mwari wake.
David fut dans une grande angoisse, car la troupe parlait de le lapider, parce que tout le peuple avait de l’amertume dans l’âme, chacun au sujet de ses fils et de ses filles. Mais David reprit courage en Yahweh, son Dieu.
7 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhiatari muprista, mwanakomana waAhimereki, “Ndivigirewo efodhi kuno.” Abhiatari akaenda nayo kwaari,
David dit au prêtre Abiathar, fils d’Achimélech: « Apporte-moi l’éphod. » Abiathar apporta l’éphod à David.
8 ipapo Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha akati, “Ndingatevera here vapambi ava? Ndichavabata here?” Akapindura akati, “Vatevere. Zvirokwazvo uchavabata uye uchakunda mukuvanunura.”
Et David consulta Yahweh en disant: « Poursuivrai-je cette bande? L’atteindrai-je? » Yahweh lui répondit: « Poursuis, car certainement tu atteindras et tu délivreras. »
9 Dhavhidhi navarume mazana matanhatu vaiva naye vakasvika parukova rweBhesori, vamwe vakasara ipapo,
Et David se mit en marche, lui et les six cents hommes qui étaient avec lui. Lorsqu’ils furent arrivés au torrent de Bésor, les traînards s’arrêtèrent.
10 nokuti varume mazana maviri vakanga vaneta kwazvo kuti vayambuke rukova. Asi Dhavhidhi namazana mana avarume vakaramba vachitevera.
Et David continua la poursuite avec quatre cents hommes; deux cents hommes s’étaient arrêtés, trop fatigués pour passer le torrent de Bésor.
11 Vakawana muIjipita ari mumunda ndokubva vauya naye kuna Dhavhidhi. Vakamupa mvura yokunwa nezvokudya kuti adye,
Ils trouvèrent dans les champs un Égyptien, qu’ils amenèrent à David. Ils lui donnèrent du pain qu’il mangea, et ils lui firent boire de l’eau;
12 chimedu chekeke ramaonde akaoma uye makeke maviri amazambiringa akaomeswa. Akadya akasimba, nokuti akanga asina kudya chipi zvacho kana kunwa mvura kwamazuva matatu nousiku hutatu.
ils lui donnèrent une tranche d’un gâteau de figues sèches et deux gâteaux de raisins secs. Dès qu’il eut pris de la nourriture, ses esprits lui revinrent, car il n’avait mangé de nourriture ni bu d’eau depuis trois jours et trois nuits.
13 Dhavhidhi akamubvunza akati, “Uri waaniko iwe, uye unobvepi?” Iye akati, “Ndiri muIjipita, mutapwa womumwe muAmareki. Tenzi wangu akandisiya pandakanga ndorwara mazuva matatu apfuura.
David lui dit: « À qui es-tu et d’où es-tu? » Il répondit: « Je suis un esclave égyptien, au service d’un Amalécite, et voilà trois jours que mon maître m’a abandonné, parce que j’étais malade.
14 Takapamba Zasi kwenyika yavaKereti uye nenyika yeJudha neZasi kwenyika yaKarebhu. Uye takapisa Zikiragi.”
Nous avons fait une incursion dans le Négéb des Céréthiens, et sur le territoire de Juda, et dans le Négéb de Caleb, et nous avons brûlé Siceleg. »
15 Dhavhidhi akamubvunza akati, “Ungagona kunditungamirira here kuti ndiburuke ndiende kuvapambi ava.” Iye akapindura akati, “Ndipikirei pamberi paMwari kuti hamuzondiurayi kana kundiisa kuna tenzi wangu, ini ndigokutungamirirai kwavari.”
David lui dit: « Veux-tu me conduire vers cette bande? » Il répondit: « Jure-moi par le nom de Dieu que tu ne me tueras pas et que tu ne me livreras pas aux mains de mon maître, et je te conduirai vers cette bande. »
16 Akatungamirira Dhavhidhi ikoko, vakavawana vakapararira munzvimbo yose, vachidya, vachinwa uye vachifara nokuda kwokuwanda kwezvavakanga vapamba kubva munyika yavaFiristia nokuJudha.
Lorsqu’il l’eut conduit, voici que les Amalécites étaient répandus sur toute la contrée, mangeant, buvant et dansant, à cause de tout le grand butin qu’ils avaient enlevé du pays des Philistins et du pays de Juda.
17 Dhavhidhi akarwa navo panguva yorubvunzavaeni kusvikira madekwana ezuva rakatevera, uye hakuna mumwe wavo akapunyuka, kunze kwamajaya mazana mana akatasva ngamera akatiza.
David les battit depuis le crépuscule du soir jusqu’au soir du lendemain, et aucun d’eux n’échappa, excepté quatre cents jeunes hommes, qui s’enfuirent, montés sur des chameaux.
18 Dhavhidhi akadzosa zvose zvakanga zvatorwa navaAmareki, pamwe chete navakadzi vake vaviri.
David sauva tout ce que les Amalécites avaient pris, et David sauva ses deux femmes.
19 Hakuna chakashayikwa: vaduku navakuru, mukomana kana musikana, chakapambwa kana chipi zvacho chavakanga vatora. Dhavhidhi akadzosa zvose.
Il ne leur manqua personne, ni petit ni grand, ni fils ni fille, ni aucune partie du butin, ni rien de ce qu’on leur avait enlevé: David ramena tout.
20 Akatora makwai ose nemombe dzose, uye vanhu vake vakazvitinha mberi kwezvimwe zvipfuwo, achiti, “Izvi ndizvo zvakapambwa naDhavhidhi.”
Et David prit tout le menu et le gros bétail, et ils se mirent en marche devant ce troupeau, en disant: « C’est le butin de David. »
21 Ipapo Dhavhidhi akasvika kuvarume vaya mazana maviri vakanga vaneta kwazvo pakumutevera uye vakanga vasiyiwa mumashure parukova rweBhesori. Vakabuda kuti vazosangana naDhavhidhi uye navanhu vakanga vanaye. Dhavhidhi navanhu vake vakati vaswedera kwavari, vakavakwazisa.
David revint vers les deux cents hommes qui avaient été trop fatigués pour suivre David, et qu’on avait laissés au torrent de Bésor; ils s’avancèrent au-devant de David et au-devant du peuple qui était avec lui. S’approchant d’eux, David les salua amicalement.
22 Asi vanhu vose vakaipa nevemhirizhonga pakati pavateveri vaDhavhidhi vakati, “Nemhaka yokuti havana kuenda nesu, hatidi kugovana navo zvatakapamba zvatakawana. Kunyange zvakadaro, murume mumwe nomumwe ngaatore hake mukadzi wake navana aende.”
Tout ce qu’il y avait d’hommes méchants et vils parmi les gens qui étaient allés avec David prirent la parole et dirent: « Puisqu’ils ne sont pas venus avec nous, nous ne leur donnerons rien du butin que nous avons sauvé, sinon à chacun sa femme et ses enfants; qu’ils les emmènent et s’en aillent. »
23 Dhavhidhi akati, “Kwete hama dzangu, hamufaniri kuita izvozvo pane zvatakapiwa naJehovha. Ndiye akatidzivirira akaisa mumaoko edu varwi vakauya kuzorwa nesu.
Mais David dit: « N’agissez pas ainsi, mes frères, avec ce que Yahweh nous a donné; car il nous a gardés, et il a livré entre nos mains la bande qui était venue contre nous.
24 Ndianiko achateerera kune zvamunoreva? Mugove womunhu akasara achichengeta nhumbi unofanira kuva wakaenzana nowouyo akaenda kuhondo.”
Et qui vous écouterait dans cette affaire? La part doit être la même pour celui qui est descendu au combat et pour celui qui est resté près des bagages: ils partageront ensemble. »
25 Dhavhidhi akaita izvi kuti uve mutemo nomurayiro kuvaIsraeri kubva pazuva iroro kusvikira nhasi.
Il en fut ainsi dès ce jour et dans la suite, et David a fait de cela une loi et une règle qui subsiste jusqu’à ce jour.
26 Dhavhidhi akati asvika muZikiragi, akatumira zvimwe zvezvakapambwa kuvakuru veJudha, avo vakanga vari shamwari dzake, achiti, “Hecho chipo chenyu chamapiwa chabva pane zvakapambwa zvavavengi vaJehovha.”
De retour à Siceleg, David envoya une partie du butin aux anciens de Juda, ses amis, en disant: « Voici un présent pour vous sur le butin des ennemis de Yahweh. »
27 Akachitumira kuna vaya vakanga vari muBheteri, Ramoti Negevhi neJariri;
Il fit ces envois à ceux de Béthel, à ceux de Ramoth du Négéb, à ceux de Jéther,
28 kuna avo vakanga vari muAroeri, Sifimoti, Eshitemoa
à ceux d’Aroër, à ceux de Séphamoth, à ceux d’Estamo,
29 neRakari; kuna avo vakanga vari mumaguta avaJerameeri navaKeni;
à ceux de Rachal, à ceux des villes de Jéraméélites, à ceux des villes des Cinéens,
30 kuna avo vakanga vari muHorima, Bhori Ashani, Ataki
à ceux d’Arama, à ceux de Cor-Asan, à ceux d’Athach,
31 neHebhuroni; uye kuna avo vakanga vari mune dzimwe nzvimbo dzose dzakanga dzafambwa naDhavhidhi navanhu vake.
à ceux d’Hébron et dans tous les lieux où David et ses gens avaient passé.

< 1 Samueri 30 >