< 1 Samueri 3 >

1 Mukomana uyu Samueri aishumira pamberi paJehovha ari pasi paEri. Mumazuva iwayo shoko raJehovha rakanga risinganzwiki zvakanyanya, kwakanga kusina zviratidzo zvizhinji.
Genç Samuel Eli'nin yönetimi altında RAB'be hizmet ediyordu. O günlerde RAB'bin sözü seyrek geliyordu; görümler de azalmıştı.
2 Rimwe zuva usiku, Eri akanga akavata panzvimbo yake yamazuva ose, uye meso ake akanga oonera madzerere, asisagoni kuona zvakanaka.
Bir gece Eli yatağında uyuyordu. Gözleri öyle zayıflamıştı ki, güçlükle görebiliyordu.
3 Mwenje waMwari wakanga usati wadzimwa, uye Samueri akanga akarara pasi mutemberi yaJehovha, maiva neareka yaMwari.
Samuel ise RAB'bin Tapınağı'nda, Tanrı'nın Sandığı'nın bulunduğu yerde uyuyordu. Tanrı'nın kandili daha sönmemişti.
4 Ipapo Jehovha akadana Samueri. Samueri akadavira achiti, “Ndiri pano.”
RAB Samuel'e seslendi. Samuel, “Buradayım” diye karşılık verdi.
5 Akamhanya kuna Eri akasvikoti, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Eri akati, “Handina kukudana; dzokera unorara.” Saka akaenda akanorara.
Ardından Eli'ye koşup, “Beni çağırdın, işte buradayım” dedi. Ama Eli, “Ben çağırmadım, dön yat” diye karşılık verdi. Samuel de dönüp yattı.
6 Jehovha akadana zvakare achiti, “Samueri!” Uye Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Eri akati, “Mwanakomana wangu, handina kukudana; dzokera unorara.”
RAB yine, “Samuel!” diye seslendi. Samuel kalkıp Eli'ye gitti ve, “İşte, buradayım, beni çağırdın” dedi. Eli, “Çağırmadım, oğlum” diye karşılık verdi, “Dön yat.”
7 Zvino Samueri akanga asati aziva Jehovha. Shoko raJehovha rakanga risati razarurirwa kwaari.
Samuel RAB'bi daha tanımıyordu; RAB'bin sözü henüz ona açıklanmamıştı.
8 Jehovha akadana Samueri kechitatu, Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Ipapo Eri akaona kuti Jehovha akanga achidana mukomana uyu.
RAB yine üçüncü kez Samuel'e seslendi. Samuel kalkıp Eli'ye gitti. “İşte buradayım, beni çağırdın” dedi. O zaman Eli genç Samuel'e RAB'bin seslendiğini anladı.
9 Saka Eri akaudza Samueri kuti, “Enda unorara pasi, kana akakudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu akateerera.’” Saka Samueri akaenda akandorara pasi, panzvimbo yake.
Bunun üzerine Samuel'e, “Git yat” dedi, “Sana yine seslenirse, ‘Konuş, ya RAB, kulun dinliyor’ dersin.” Samuel gidip yerine yattı.
10 Jehovha akauya akamirapo, akadana sapanguva dzimwe dzose achiti, “Samueri! Samueri!” Ipapo Samueri akati, “Taurai, nokuti muranda wenyu akateerera.”
RAB gelip orada durdu ve önceki gibi, “Samuel, Samuel!” diye seslendi. Samuel, “Konuş, kulun dinliyor” diye yanıtladı.
11 Zvino Jehovha akati kuna Samueri, “Tarira, ndava kuda kuita chimwe chinhu muIsraeri chichaita kuti nzeve dzavose vanochinzwa dziunge.
RAB Samuel'e şöyle dedi: “Ben İsrail'de her duyanı şaşkına çevirecek bir şey yapmak üzereyim.
12 Panguva iyoyo ndichaitira Eri zvose zvandakataura pamusoro peimba yake kubva kumavambo kusvika kumagumo.
O gün Eli'nin ailesine karşı söylediğim her şeyi baştan sona dek yerine getireceğim.
13 Nokuti ndakamuudza kuti ndichatonga mhuri yake nokusingaperi nokuda kwechivi chaaiziva pamusoro pacho, vanakomana vake vakazvigadzirira kutukwa asi iye haana kuvadzora.
Çünkü farkında olduğu günahtan ötürü ailesini sonsuza dek yargılayacağımı Eli'ye bildirdim. Oğulları Tanrı'ya saygısızlık ettiler. Eli de onlara engel olmadı.
14 Naizvozvo ndakatsidza kuimba yaEri ndichiti, ‘Mhosva yeimba yaEri haingayananisirwi nechibayiro kana nechipo.’”
Bu nedenle, ‘Eli'nin ailesinin günahı hiçbir zaman kurban ya da sunuyla bile bağışlanmayacaktır’ diyerek Eli'nin ailesi hakkında ant içtim.”
15 Samueri akarara kusvika mangwanani uye akazozarura misuo yeimba yaJehovha. Akatya kuudza Eri chiratidzo chake,
Samuel sabaha kadar yattı, sonra RAB'bin Tapınağı'nın kapılarını açtı. Gördüğü görümü Eli'ye söylemekten çekiniyordu.
16 asi Eri akamudana akati, “Samueri, mwanakomana wangu.” Samueri akapindura akati, “Ndiri pano.”
Ama Eli ona, “Oğlum Samuel!” diye seslendi. Samuel, “İşte buradayım” diye yanıtladı.
17 Eri akabvunza akati, “Wakaudzweiko naJehovha? Usandivanzira hako. Mwari ngaakurange zvakanyanya kana ukandivanzira kana chinhu chimwe zvacho chaakakuudza.”
Eli, “RAB sana neler söyledi?” diye sordu, “Lütfen benden gizleme. Sana söylediklerinden birini bile benden gizlersen, Tanrı sana aynısını, hatta daha kötüsünü yapsın!”
18 Saka Samueri akamuudza zvose, akasamuvanzira chinhu. Ipapo Eri akati, “NdiJehovha, regai aite zvaanoona zvakanaka.”
Bunun üzerine Samuel hiçbir şey gizlemeden ona her şeyi anlattı. Eli de, “O RAB'dir, gözünde iyi olanı yapsın” dedi.
19 Samueri akakura uye Jehovha aiva naye; uye Jehovha haana kurega kunyange shoko rake rimwe chete richiwira pasi.
Samuel büyürken RAB onunla birlikteydi. RAB ona verdiği sözlerin hiçbirinin boşa çıkmasına izin vermedi.
20 Uye Israeri yose kubva kuDhani kusvika kuBheerishebha vakaziva kuti Samueri akanga asimbiswa somuprofita waJehovha.
Samuel'in RAB'bin bir peygamberi olarak onaylandığını Dan'dan Beer-Şeva'ya kadar bütün İsrail anladı.
21 Jehovha akaramba achionekwa paShiro, uye ipapo akazviratidza kuna Samueri kubudikidza neshoko rake.
RAB Şilo'da görünmeyi sürdürdü. Orada sözü aracılığıyla kendisini Samuel'e tanıttı.

< 1 Samueri 3 >