< 1 Samueri 27 >
1 Asi Dhavhidhi akafunga mumwoyo make, akati, “Rimwe ramazuva ano ndichaparadzwa noruoko rwaSauro. Chinhu chiri nani chandingaita ndechokutizira kunyika yavaFiristia. Ipapo Sauro acharega kunditsvaka muIsraeri yose, uye ndichapukunyuka muruoko rwake.”
David disait en son cœur: « Je vais maintenant périr un jour par la main de Saül. Il n'y a rien de mieux pour moi que de m'échapper dans le pays des Philistins; et Saül désespérera de moi, pour me chercher encore dans tout le territoire d'Israël. Je m'échapperai donc de sa main. »
2 Saka Dhavhidhi akabva navarume mazana matanhatu vakanga vanaye akaenda kuna Akishi mwanakomana waMaoki mambo weGati.
David se leva et passa, lui et les six cents hommes qui étaient avec lui, chez Akish, fils de Maoch, roi de Gath.
3 Dhavhidhi navanhu vake vakandogara muGati naAkishi. Murume mumwe nomumwe akanga ane mhuri yake, uye Dhavhidhi akanga ana vakadzi vake vaviri vanoti: Ahinoami weJezireeri naAbhigairi weKarimeri, chirikadzi yaNabhari.
David habitait avec Akish à Gath, lui et ses hommes, chacun avec sa maison, même David avec ses deux femmes, Ahinoam la Jizreelite et Abigaïl la Carmélite, femme de Nabal.
4 Sauro akati anzwa kuti Dhavhidhi akanga atizira kuGati, haana kuzomutsvakazve.
Saül apprit que David s'était enfui à Gath, et il cessa de le chercher.
5 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, regai ndipiwe hangu nzvimbo mune rimwe ramaguta omunyika kuti ndigareko. Muranda wenyu angagara seiko muguta ramambo nemi?”
David dit à Akish: « Si maintenant j'ai trouvé grâce à tes yeux, qu'on me donne une place dans une des villes du pays, pour que j'y demeure. Car pourquoi ton serviteur devrait-il habiter avec toi dans la ville royale? »
6 Saka musi iwoyo, Akishi akamupa Zikiragi, uye rikava guta ramadzimambo eJudha kusvikira nhasi.
Et Akish lui donna Ziklag ce jour-là: c'est pourquoi Ziklag appartient aux rois de Juda jusqu'à ce jour.
7 Dhavhidhi akagara munyika yavaFiristia kwegore nemwedzi mina.
Le nombre de jours que David vécut dans le pays des Philistins fut d'une année entière et de quatre mois.
8 Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakaenda vakandopamba vaGeshuri, vaGeziri, navaAmareki. (Kubva kare vanhu ava vakanga vachigara munyika yaisvika kuShuri neIjipiti.)
David et ses hommes montèrent et attaquèrent les Gueshuriens, les Girziens et les Amalécites, car c'étaient les habitants du pays d'autrefois, sur le chemin de Shur, jusqu'au pays d'Égypte.
9 Dhavhidhi aiti akarwisa nzvimbo, akanga asingasiyi murume kana mukadzi ari mupenyu, asi aitora makwai nemombe, mbongoro, nengamera, nenguo. Ipapo akadzokera kuna Akishi.
David frappa le pays, ne sauva ni homme ni femme en vie, et prit les brebis, les bœufs, les ânes, les chameaux et les vêtements. Il s'en retourna, et arriva chez Akish.
10 Akishi aiti amubvunza kuti, “Wanga waenda kundopamba kupiko nhasi?” Dhavhidhi aiti, “Kurutivi rweZasi kweJudha kana kuti kurutivi rweZasi kweJerameeri kana kuti kurutivi rweZasi kweKeni.”
Akish dit: « Contre qui as-tu fait un raid aujourd'hui? » David répondit: « Contre le midi de Juda, contre le midi des Jerahmeelites, et contre le midi des Kenites. »
11 Haana kusiya murume kana mukadzi ari mupenyu kuti auye navo kuGati, nokuti akafunga mumwoyo make kuti, “Vangazotirevera vachiti, ‘Izvi ndizvo zvaitwa naDhavhidhi.’” Uye aya ndiwo akanga ari maitiro ake pakugara kwake kwose munyika yavaFiristia.
David ne sauva ni homme ni femme en vie pour les amener à Gath, en disant: « De peur qu'on ne raconte à notre sujet: « David a fait cela, et c'est ainsi qu'il a agi tout le temps qu'il a vécu au pays des Philistins ». »
12 Akishi akavimba naDhavhidhi akati mumwoyo make, “Ava munhu anovengwa kwazvo navanhu vokwake, ivo vaIsraeri, zvokuti achava muranda wangu nokusingaperi.”
Akish crut David, en disant: « Il a rendu son peuple d'Israël complètement odieux. C'est pourquoi il sera mon serviteur pour toujours. »