< 1 Samueri 26 >

1 VaZifi vakaenda kuna Sauro paGibhea vakati, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pachikomo cheHakira, chakatarisana neJeshimoni here?”
Les Ziphéens vinrent auprès de Saül à Gabaa, et dirent: « David est caché sur la colline de Hachila, à l’est de la lande. »
2 Saka Sauro akaburuka akaenda kuRenje reZifi, ana varume zviuru zvitatu vakanga vasarudzwa pakati pavaIsraeri, kuti vandotsvaka Dhavhidhi ikoko.
Saül se leva et descendit au désert de Ziph avec trois mille hommes d’élite d’Israël, pour chercher David au désert de Ziph.
3 Sauro akaita musasa wake parutivi pomugwagwa uri pachikomo cheHakira chakatarisana neJeshimoni, asi Dhavhidhi akanga achigara murenje. Akati achiona kuti Sauro akanga amutevera imomo,
Saül campa sur la colline de Hachila, à l’est de la lande, près du chemin, et David demeurait dans le désert. S’étant aperçut que Saül marchait à sa recherche au désert,
4 akatuma vasori akanzwa kuti Sauro akanga asvika, zvirokwazvo.
David envoya des espions et apprit que Saül était réellement arrivé.
5 Ipapo Dhavhidhi akasimuka akaenda kunzvimbo kwakanga kwadzikwa musasa naSauro. Akaona pakanga pakavata Sauro naAbhineri mwanakomana waNeri mukuru wehondo. Sauro akanga akavata mukati momusasa, uye varwi vakavaka misasa yavo vakamupoteredza.
David se leva et vint au lieu où Saül était campé. David vit l’endroit où était couché Saül, avec Abner, fils de Ner, chef de son armée: — or Saül couchait au milieu du camp, et le peuple était campé autour de lui. —
6 Ipapo Dhavhidhi akabvunza Ahimereki muHeti naAbhishai mwanakomana waZeruya, mununʼuna waJoabhu akati, “Ndianiko achapinda neni mumusasa kuna Sauro?” Abhishai akati, “Ndichaenda nemi.”
S’adressant donc à Achimélech, le Hittite, et à Abisaï, fils de Sarvia et frère de Joab, David dit: « Qui veut descendre avec moi au camp vers Saül. » Et Abisaï répondit: « Moi, je descendrai avec toi. »
7 Saka Dhavhidhi naAbhishai vakaenda kuvarwi usiku, uye vakawana Sauro avete mukati momusasa, pfumo rake rakabayirwa pasi pedyo nomusoro wake. Abhineri navarwi vakanga vavete vakamupoteredza.
David et Abisaï arrivèrent de nuit vers le peuple, et voici que Saül était couché au milieu du camp et dormait, sa lance fichée en terre à son chevet; Abner et le peuple étaient couchés autour de lui.
8 Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Nhasi Mwari aisa muvengi wenyu mumaoko enyu. Zvino regai ndimubayire pasi kamwe chete nepfumo rangu; handimbomubayi kaviri.”
Abisaï dit à David: « Dieu a enfermé aujourd’hui ton ennemi entre tes mains; maintenant, je te prie, laisse-moi le frapper de la lance et le clouer en terre d’un seul coup, sans que j’aie à y revenir. »
9 Asi Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Usamuparadza! Ndianiko angagona kutambanudza ruoko rwake pamuzodziwa waJehovha akashaya mhosva?
Mais David dit à Abisaï: « Ne le tue pas! Car qui porterait la main sur l’oint de Yahweh et resterait impuni? »
10 Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, Jehovha pachake ndiye achamuuraya; zvimwe nguva yake ichasvika uye achafa, kana kuti achaenda kuhondo agofa.
Et David dit: « Aussi vrai que Yahweh est vivant! Ce sera seulement Yahweh qui le frappera; ou bien son jour arrivera et il mourra, ou bien il descendra à la guerre et il périra;
11 Asi Jehovha ngaandidzivise kuti ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodziwa waJehovha. Zvino chitora pfumo nechirongo chemvura zviri pedyo nomusoro wake tiende.”
mais que Yahweh me préserve de porter la main sur l’oint de Yahweh! Maintenant, prends la lance qui est à son chevet, avec la cruche d’eau, et allons-nous-en. »
12 Saka Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura pedyo nomusoro waSauro, ivo ndokubvapo. Hakuna akaona kana kuziva nezvazvo, uye hakuna kana akamuka. Vose vakanga vavete, nokuti Jehovha akanga avapa hope huru.
Et David prit la lance et la cruche d’eau qui étaient au chevet de Saül, et ils s’en allèrent. Personne ne vit, personne ne sut, personne ne se réveilla, car ils dormaient tous, Yahweh ayant fait tomber sur eux un profond assoupissement.
13 Ipapo Dhavhidhi akayambuka akaenda kuno rumwe rutivi akandomira pamusoro pechikomo, chinhambwe chiri kure; pakanga pane nzvimbo yakafara pakati pavo.
David passa de l’autre côté, et se tint au loin sur le sommet de la montagne; un grand espace les séparait.
14 Akadanidzira kuvarwi nokuna Abhineri mwanakomana waNeri akati, “Abhineri haundidaviri here?” Abhineri akapindura akati, “Ndiwe aniko unodanidzira kuna mambo?”
Et David cria au peuple et à Abner, fils de Ner, en disant: « Ne répondras-tu pas, Abner! » Abner répondit en disant: « Qui es-tu, toi qui cries vers le roi? »
15 Dhavhidhi akati, “Uri murume, handizvo here? Uye ndianiko akaita sewe muIsraeri? Ko, wakaregererei kurinda ishe wako iye mambo? Mumwe akasvika kuzoparadza ishe wako iye mambo.
David dit à Abner: « N’es-tu pas un homme? Et qui est ton pareil en Israël? Pourquoi donc n’as-tu pas gardé le roi, ton seigneur? Car quelqu’un du peuple est venu pour tuer le roi, ton seigneur.
16 Zvawaita hazvina kunaka. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iwe navanhu vako munofanira kufa, nokuti hamuna kurinda tenzi wenyu, iye muzodziwa waJehovha. Chitarira pauri. Ko, pfumo ramambo nechirongo chavo zvakanga zviri pedyo nomusoro wavo zviripi?”
Ce que tu as fait là n’est pas bien. Aussi vrai que Yahweh est vivant! Vous avez mérité la mort, pour n’avoir pas gardé votre maître, l’oint de Yahweh. Regarde maintenant où sont la lance du roi et la cruche d’eau qui était à son chevet. »
17 Sauro akaziva inzwi raDhavhidhi akati, “Ko, inzwi rako here Dhavhidhi mwanakomana wangu?” Dhavhidhi akapindura akati, “Hongu ndiro, ishe wangu mambo.”
Saül reconnut la voix de David et dit: « Est-ce bien ta voix, mon fils David? » Et David répondit: « C’est ma voix, ô roi, mon seigneur. »
18 Akatizve, “Seiko ishe wangu achidzinganisa muranda wake? Ndakaiteiko, uye mhosva yandakapara ndeipiko?
Il ajouta: « Pourquoi mon seigneur poursuit-il son serviteur? Qu’ai-je fait, et quel crime ma main a-t-elle commis?
19 Zvino ishe wangu mambo ngaateerere mashoko omuranda wake. Kana Jehovha akakukurudzirai kuti muzorwa neni, zvino ngaagamuchire chipiriso. Kana, zvakadaro hazvo, vari vanhu vakazviita, ngavatukwe pamberi paJehovha! Vakandidzinga zvino pamugove wangu panhaka yaJehovha vakati, ‘Enda undoshumira vamwe vamwari.’
Que le roi, mon seigneur, daigne maintenant écouter les paroles de ton serviteur: si c’est Yahweh qui t’excite contre moi, qu’il agrée le parfum d’une offrande; mais si ce sont des hommes, qu’ils soient maudits devant Yahweh, puisqu’ils m’ont chassé maintenant, pour m’ôter ma place de l’héritage de Yahweh, en disant: Va servir des dieux étrangers!
20 Zvino ropa rangu ngarirege kuteukira pasi kure naJehovha. Mambo waIsraeri akabuda kuti azotsvaka nhata, somunhu anovhima chikwari mumakomo.”
Et maintenant que mon sang ne tombe pas sur la terre, loin de la face de Yahweh! Car le roi d’Israël s’est mis en marche pour chercher une puce, comme on poursuivrait une perdrix dans les montagnes. »
21 Ipapo Sauro akati, “Ndakatadza. Dzoka, Dhavhidhi mwanakomana wangu. Nokuti waona kukosha kwoupenyu hwangu nhasi, handichaedzi kukuuraya zvakare. Zvirokwazvo ndakaita sebenzi uye ndakatadza zvikuru.”
Saül dit: « J’ai péché; reviens, mon fils David, car je ne te ferai plus de mal, puisqu’en ce jour ma vie a été précieuse à tes yeux. Voilà que j’ai agi en insensé et j’ai fait une grande faute. »
22 Dhavhidhi akati, “Heri pfumo ramambo. Regai mumwe wamajaya enyu auye kuno azoritora.
David répondit: « Voici la lance, ô roi; que l’un de tes jeunes gens vienne la prendre.
23 Jehovha anoripira munhu mumwe nomumwe nokuda kwokururama kwake uye nokutendeka kwake. Jehovha akuisai mumaoko angu nhasi, asi handina kuda kutambanudzira ruoko rwangu pamuzodziwa waJehovha.
Yahweh rendra à chacun selon sa justice et sa fidélité; car Yahweh t’avait livré aujourd’hui entre mes mains, et je n’ai pas voulu porter la main sur l’oint de Yahweh.
24 Zvirokwazvo sezvandakoshesa upenyu hwenyu nhasi, saizvozvo Jehovha ngaakoshese upenyu hwangu agondiponesa pamatambudziko ose.”
Voici que, comme ta vie a été aujourd’hui d’un grand prix à mes yeux, ainsi ma vie sera d’un grand prix aux yeux de Yahweh, et il me délivrera de toute angoisse! »
25 Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Iwe uropafadzwe, mwanakomana wangu Dhavhidhi; iwe uchaita zvinhu zvikuru uye zvirokwazvo uchakunda.” Saka Dhavhidhi akaenda hake, uye Sauro akadzokera kumusha.
Saül dit à David: « Sois béni mon fils, David! Tu réussiras certainement dans tes entreprises. » David continua son chemin, et Saül s’en retourna chez lui.

< 1 Samueri 26 >