< 1 Samueri 24 >

1 Shure kwokudzoka kwaSauro kundodzinganisa vaFiristia, akaudzwa kuti, “Dhavhidhi ari muRenje reEni Gedhi.”
Когда Саул возвратился от Филистимлян, его известили, говоря: вот, Давид в пустыне Ен-Гадди.
2 Saka Sauro akatora zviuru zvavarume vakatsaurwa kubva muIsraeri yose akasimuka akaenda kundotsvaka Dhavhidhi navanhu vake pedyo naMatombo eNgururu.
И взял Саул три тысячи отборных мужей из всего Израиля и пошел искать Давида и людей его по горам, где живут серны.
3 Akasvika pamatanga amakwai munzira iyoyo; pakanga pane bako, uye Sauro akapindamo kuti azorore. Dhavhidhi navanhu vake vakanga vari mukati kati mebako.
И пришел к загону овечьему, при дороге; там была пещера, и зашел туда Саул для нужды; Давид же и люди его сидели в глубине пещеры.
4 Vanhu vakati, “Iri ndiro zuva rakataurwa naJehovha paakati kwamuri, ‘Ndichaisa vavengi vako mumaoko ako kuti uvaitire sezvaunoda.’” Ipapo Dhavhidhi akakambaira chinyararire asingaonekwi akacheka kona yenguo yaSauro.
И говорили Давиду люди его: вот день, о котором говорил тебе Господь: “вот, Я предам врага твоего в руки твои, и сделаешь с ним, что тебе угодно”. Давид встал и тихонько отрезал край от верхней одежды Саула.
5 Shure kwaizvozvo Dhavhidhi akarohwa nehana nokuda kwokuti akanga acheka kona yenguo yaSauro.
Но после сего больно стало сердцу Давида, что он отрезал край от одежды Саула.
6 Akati kuvanhu vake, “Jehovha ngaandidzivise kuti ndirege kuita chinhu chakadai kuna tenzi wangu, muzodziwa waJehovha.”
И сказал он людям своим: да не попустит мне Господь сделать это господину моему, помазаннику Господню, чтобы наложить руку мою на него, ибо он помазанник Господень.
7 Namashoko aya Dhavhidhi akatsiura vanhu vake akasavatendera kuti varwise Sauro. Zvino Sauro akabva pabako akaenda hake.
И удержал Давид людей своих сими словами и не дал им восстать на Саула. А Саул встал и вышел из пещеры на дорогу.
8 Ipapo Dhavhidhi akabuda mubako akadanidzira kuna Sauro achiti, “Ishe wangu mambo!” Sauro akati acheuka, Dhavhidhi akakotamira pasi nechiso chake.
Потом встал и Давид, и вышел из пещеры, и закричал вслед Саула, говоря: господин мой, царь! Саул оглянулся назад, и Давид пал лицем на землю и поклонился ему.
9 Akati kuna Sauro, “Sei muchiteerera vanhu pavanoti, ‘Dhavhidhi anotsvaka kukukuvadzai?’
И сказал Давид Саулу: зачем ты слушаешь речи людей, которые говорят: “вот, Давид умышляет зло на тебя”?
10 Nhasi mazvionera nameso enyu kuti Jehovha akuisai sei mumaoko angu muri mubako. Vamwe vandikurudzira kuti ndikuurayei, asi ndakuregererai, ndikati, ‘Handingasimudzi ruoko rwangu pamusoro patenzi wangu, nokuti ndiye muzodziwa waJehovha.’
Вот, сегодня видят глаза твои, что Господь предавал тебя ныне в руки мои в пещере; и мне говорили, чтоб убить тебя; но я пощадил тебя и сказал: “не подниму руки моей на господина моего, ибо он помазанник Господа”.
11 Tarirai, baba vangu, tarirai benga renguo yenyu riri muruoko rwangu! Ndacheka kona yenguo yenyu asi handina kukuurayai. Zvino chinzwisisai muzive kuti handina mhosva yokukuitirai zvakaipa kana kukumukirai. Handina kukutadzirai, asi imi muri kundivhima kuti mundiuraye.
Отец мой! посмотри на край одежды твоей в руке моей; я отрезал край одежды твоей, а тебя не убил: узнай и убедись, что нет в руке моей зла, ни коварства, и я не согрешил против тебя; а ты ищешь души моей, чтоб отнять ее.
12 Jehovha ngaatonge pakati penyu nemi. Uye Jehovha ngaatsive zvakaipa zvamakaita kwandiri, asi ruoko rwangu harungarwi nemi.
Да рассудит Господь между мною и тобою, и да отмстит тебе Господь за меня; но рука моя не будет на тебе,
13 Sezvinoreva tsumo yekare ichiti, ‘Kuno wakaipa kunobuda mabasa akaipa,’ saizvozvo ruoko rwangu harungarwi nemi.
как говорит древняя притча: “от беззаконных исходит беззаконие”. А рука моя не будет на тебе.
14 “Ko, mambo waIsraeri akabuda kuzorwa naaniko? Ndianiko wamunodzinganisa? Imbwa yakafa here? Nhata here?
Против кого вышел царь Израильский? За кем ты гоняешься? За мертвым псом, за одною блохою.
15 Jehovha ngaave mutongi wedu uye aone pakati penyu neni. Ngaatsvake mhaka yangu aiwane; ngaandiruramisire nokundirwira kubva muruoko rwenyu.”
Господь да будет судьею и рассудит между мною и тобою. Он рассмотрит, разберет дело мое, и спасет меня от руки твоей.
16 Dhavhidhi akati apedza kutaura mashoko aya, Sauro akabvunza akati, “Inzwi rako here, Dhavhidhi mwanakomana wangu?” Ipapo akachema kwazvo.
Когда кончил Давид говорить слова сии к Саулу, Саул сказал: твой ли это голос, сын мой Давид? И возвысил Саул голос свой, и плакал,
17 Akati, “Iwe wakarurama kupfuureni. Iwe wakandiitira zvakanaka, asi ini ndakakuitira zvakaipa.
и сказал Давиду: ты правее меня, ибо ты воздал мне добром, а я воздавал тебе злом;
18 Uchangobva kundirondedzera iye zvino zvakanaka zvawakandiitira; Jehovha akandiisa mumaoko ako, asi hauna kundiuraya.
ты показал это сегодня, поступив со мною милостиво, когда Господь предавал меня в руки твои, ты не убил меня.
19 Kana munhu akawanikidza muvengi wake angamurega achienda asina vanga here? Jehovha ngaakuripire zvakanaka nokuda kwezvawakandiitira.
Кто, найдя врага своего, отпустил бы его в добрый путь? Господь воздаст тебе добром за то, что сделал ты мне сегодня.
20 Ndinoziva zvirokwazvo kuti iwe uchava mambo uye umambo hweIsraeri huchasimbiswa mumaoko ako.
И теперь я знаю, что ты непременно будешь царствовать, и царство Израилево будет твердо в руке твоей.
21 Zvino pika kwandiri naJehovha kuti iwe hauchazoparadzi zvizvarwa zvangu kana kuparadza zita rangu kubva pamhuri yababa vangu.”
Итак поклянись мне Господом, что ты не искоренишь потомства моего после меня и не уничтожишь имени моего в доме отца моего.
22 Saka Dhavhidhi akapika kuna Sauro. Ipapo Sauro akadzokera kumusha kwake, asi Dhavhidhi navanhu vake vakaenda kunhare yavo.
И поклялся Давид Саулу. И пошел Саул в дом свой, Давид же и люди его взошли в место укрепленное.

< 1 Samueri 24 >