< 1 Samueri 2 >
1 Ipapo Hana akanyengetera achiti: “Mwoyo wangu unofara muna Jehovha; muna Jehovha runyanga rwangu rwasimudzirwa kumusoro. Muromo wangu unotaura usingatyi pamusoro pavavengi vangu, nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.
And Hannah prayed, and said: My heart exulteth in Jehovah; My horn is exalted in Jehovah; My mouth is enlarged over mine enemies; Because I rejoice in thy salvation.
2 “Hakuna mutsvene akaita saJehovha; hakuna mumwe kunze kwenyu; hakuna Dombo rakaita saMwari wedu.
There is none holy as Jehovah; For there is none besides thee, Neither is there any rock like our God.
3 “Usaramba uchitaura uchizvikudza uye manyawi ngaarege kubuda mumuromo mako, nokuti Jehovha ndiMwari anoziva, uye naye mabasa anoyerwa.
Talk no more so exceeding proudly; Let not arrogancy come out of your mouth; For Jehovah is a God of knowledge, And by him actions are weighed.
4 “Uta hwavarwi hwatyorwa, asi avo vakagumburwa vashongedzwa simba.
The bows of the mighty men are broken; And they that stumbled are girded with strength.
5 Avo vaiva vakaguta vakandoshandira zvokudya zvavo, asi avo vaiva nenzara havachanzwi nzara zvakare. Uyo aiva asingabereki abereka vana vanomwe, asi iye akanga ana vana vazhinji oshayiwa simba.
They that were full have hired out themselves for bread; And they that were hungry have ceased [to hunger]: Yea, the barren hath borne seven; And she that hath many children languisheth.
6 “Jehovha ndiye anouraya uye ndiye anoraramisa; anodzikisa kuguva uye anomutsawo. (Sheol )
Jehovah killeth, and maketh alive: He bringeth down to Sheol, and bringeth up. (Sheol )
7 Jehovha ndiye anopa urombo uye noupfumi; uye anoninipisa uye anosimudzira.
Jehovah maketh poor, and maketh rich: He bringeth low, he also lifteth up.
8 Anosimudza varombo kubva paguruva uye anosimudza vanoshaya kubva padurunhuru ramadota; anovagarisa namachinda uye anovaita kuti vagare nhaka yechigaro choumambo chokukudzwa. “Nokuti nheyo dzenyika ndedzaJehovha, pamusoro padzo akamisa nyika.
He raiseth up the poor out of the dust, He lifteth up the needy from the dunghill, To make them sit with princes, And inherit the throne of glory: For the pillars of the earth are Jehovah’s, And he hath set the world upon them.
9 Acharinda tsoka dzavatsvene vake, asi vakaipa vachanyaradzwa murima. “Nokuti hakuna munhu achakunda nesimba rake.
He will keep the feet of his holy ones; But the wicked shall be put to silence in darkness; For by strength shall no man prevail.
10 Avo vanopikisa Jehovha vachaparadzwa. Achavatinhirira ari kudenga; Jehovha achatonga magumo enyika. “Achapa simba kuna mambo wake, uye achasimudzira runyanga rwomuzodziwa wake.”
They that strive with Jehovah shall be broken to pieces; Against them will he thunder in heaven: Jehovah will judge the ends of the earth; And he will give strength unto his king, And exalt the horn of his anointed.
11 Zvino Erikana akaenda kumusha kwake kuRama, asi mukomana akashumira pamberi paJehovha ari pasi paEri muprista.
And Elkanah went to Ramah to his house. And the child did minister unto Jehovah before Eli the priest.
12 Vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaipa; vakanga vasina hanya naJehovha.
Now the sons of Eli were base men; they knew not Jehovah.
13 Zvino yakanga iri tsika yavaprista kuvanhu kuti munhu paaibayira chibayiro uye nyama ichiri kubikwa, muranda womuprista aiuya neforogo ine zvibayiso zvitatu muruoko rwake.
And the custom of the priests with the people was, that, when any man offered sacrifice, the priest’s servant came, while the flesh was boiling, with a flesh-hook of three teeth in his hand;
14 Aiinyudza mugango, kana muhadyana, kana mugate kana mupoto, ipapo muprista ozvitorera chero zvainge zvabudiswa neforogo. Aya ndiwo mabatiro avaiita nawo vaIsraeri vose vaiuya kuShiro.
and he struck it into the pan, or kettle, or caldron, or pot; all that the flesh-hook brought up the priest took therewith. So they did in Shiloh unto all the Israelites that came thither.
15 Asi, kunyange mafuta asati atsva, muranda womuprista aiuya achiti kumurume aibayira chibayiro, “Ipa muprista nyama yokugocha; haasi kuzogamuchira nyama yakabikwa kubva kwauri, asi mbishi chete.”
Yea, before they burnt the fat, the priest’s servant came, and said to the man that sacrificed, Give flesh to roast for the priest; for he will not have boiled flesh of thee, but raw.
16 Kana murume uya aiti kwaari, “Rega mafuta ambotanga atsva uye iwe ugozotora chero zvaunoda,” muranda aibva apindura achiti, “Kwete, ndipe kuno izvozvi; kana ukasandipa ndichaitora nechisimba.”
And if the man said unto him, They will surely burn the fat first, and then take as much as thy soul desireth; then he would say, Nay, but thou shalt give it me now: and if not, I will take it by force.
17 Ichi chivi chamajaya aya chaiva chakakura kwazvo pamberi paJehovha, nokuti vaizvidza chipo chaJehovha.
And the sin of the young men was very great before Jehovah; for the men despised the offering of Jehovah.
18 Asi Samueri aishumira pamberi paJehovha, mukomana aive akapfeka efodhi yomucheka.
But Samuel ministered before Jehovah, being a child, girded with a linen ephod.
19 Gore rimwe nerimwe, mai vake vaimuitira nguo diki uye vaienda nayo kwaari pavaienda nomurume wavo kundopa chibayiro chegore.
Moreover his mother made him a little robe, and brought it to him from year to year, when she came up with her husband to offer the yearly sacrifice.
20 Eri aibva aropafadza Erikana nomukadzi wake achiti, “Jehovha ngaakupe vana nomukadzi uyu kuti vatore nzvimbo youyo waakakumbira uye akamupa kuna Jehovha.” Ipapo vaibva vaenda kumusha kwavo.
And Eli blessed Elkanah and his wife, and said, Jehovah give thee seed of this woman for the petition which was asked of Jehovah. And they went unto their own home.
21 Zvino Jehovha akava nenyasha kuna Hana; akabata pamuviri akabereka vanakomana vatatu navanasikana vaviri. Zvichakadaro, mukomana uyu Samueri akakura ari pamberi paJehovha.
And Jehovah visited Hannah, and she conceived, and bare three sons and two daughters. And the child Samuel grew before Jehovah.
22 Zvino Eri, uyo akanga akwegura kwazvo, akanzwa zvose zvaiitwa navanakomana vake kuvaIsraeri vose zvokuti vairara namadzimai aishumira pasuo reTende Rokusangana.
Now Eli was very old; and he heard all that his sons did unto all Israel, and how that they lay with the women that did service at the door of the tent of meeting.
23 Saka akati kwavari, “Sei muchiita zvinhu zvakadai? Ndinonzwa navanhu vose pamusoro pezviito zvenyu zvakaipa izvi.
And he said unto them, Why do ye such things? for I hear of your evil dealings from all this people.
24 Kwete, vana vangu; harisi shoko rakanaka randinonzwa richipararira pakati pavanhu vaJehovha.
Nay, my sons; for it is no good report that I hear: ye make Jehovah’s people to transgress.
25 Kana munhu akatadzira mumwe munhu, Mwari angamumiririre, asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndiani angamumiririre?” Kunyange zvakadaro, vanakomana vake havana kuteerera kutsiura kwababa vavo, nokuti kwaiva kuda kwaJehovha kuti avauraye.
If one man sin against another, God shall judge him; but if a man sin against Jehovah, who shall entreat for him? Notwithstanding, they hearkened not unto the voice of their father, because Jehovah was minded to slay them.
26 Zvino mukomana uyu Samueri akaramba achikura pamumhu uye napakudiwa naJehovha navanhu.
And the child Samuel grew on, and increased in favor both with Jehovah, and also with men.
27 Zvino munhu waMwari akauya kuna Eri akati kwaari, “Zvanzi naJehovha: ‘Handina kuzviratidza pachena kuimba yababa vako here pavaiva muIjipiti pasi paFaro?
And there came a man of God unto Eli, and said unto him, Thus saith Jehovah, Did I reveal myself unto the house of thy father, when they were in Egypt [in bondage] to Pharaoh’s house?
28 Ndakasarudza baba vako kubva kumarudzi ose aIsraeri kuti vave muprista wangu, kuti vakwire kuaritari yangu, kundopisa zvinonhuhwira, uye kuti vapfeke efodhi pamberi pangu. Ndakapawo imba yababa vako zvose zvipiriso zvaipiswa navaIsraeri.
and did I choose him out of all the tribes of Israel to be my priest, to go up unto mine altar, to burn incense, to wear an ephod before me? and did I give unto the house of thy father all the offerings of the children of Israel made by fire?
29 Sei muchizvidza chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakarayira mumba mangu? Sei muchikudza vanakomana venyu kudarika ini nokuzvikudza pachenyu nezvikamu zvakanakisisa zvezvipiriso zvose zvinopiwa navanhu vangu veIsraeri?’
Wherefore kick ye at my sacrifice and at mine offering, which I have commanded in [my] habitation, and honorest thy sons above me, to make yourselves fat with the chiefest of all the offerings of Israel my people?
30 “Naizvozvo Jehovha, Mwari weIsraeri, anoti, ‘Ndakavimbisa kuti imba yako neimba yababa vako dzichashumira pamberi pangu nokusingaperi.’ Asi zvino Jehovha anoti, ‘Ngazvive kure neni! Avo vanondikudza ndichavakudza, asi avo vanondizvidza vachadzikisiswa.
Therefore Jehovah, the God of Israel, saith, I said indeed that thy house, and the house of thy father, should walk before me for ever: but now Jehovah saith, Be it far from me; for them that honor me I will honor, and they that despise me shall be lightly esteemed.
31 Nguva iri kuuya yandichagura simba rako nesimba reimba yababa vako, zvokuti hakuchazova nomutana mumhuri yako
Behold, the days come, that I will cut off thine arm, and the arm of thy father’s house, that there shall not be an old man in thy house.
32 uye uchaona kutambudzika muimba yangu. Kunyange zvazvo zvakanaka zvichizoitirwa Israeri, mumhuri yako hamuzofi makava nomutana.
And thou shalt behold the affliction of [my] habitation, in all the wealth which [God] shall give Israel; and there shall not be an old man in thy house for ever.
33 Mumwe nomumwe wenyu wandisingabvisi paaritari yangu achasiyiwa kuti apofumadze meso enyu nemisodzi uye kuti arwadzise mwoyo yenyu, uye zvizvarwa zvako zvose zvichafa zvichine simba.
And the man of thine, [whom] I shall not cut off from mine altar, [shall be] to consume thine eyes, and to grieve thy heart; and all the increase of thy house shall die in the flower of their age.
34 “‘Uye zvichaitika kuvanakomana vako vaviri, Hofini naFinehasi zvichava chiratidzo kwauri, vachafa vose zuva rimwe chete.
And this shall be the sign unto thee, that shall come upon thy two sons, on Hophni and Phinehas: in one day they shall die both of them.
35 Ndichazvimutsira muprista akatendeka, achaita zvinoenderana nezviri mumwoyo mangu nomundangariro dzangu. Ndichamisa imba yake zvakasimba, uye achashumira pamberi pomuzodziwa wangu nguva dzose.
And I will raise me up a faithful priest, that shall do according to that which is in my heart and in my mind: and I will build him a sure house; and he shall walk before mine anointed for ever.
36 Ipapo wose achasara mumhuri yako achauya agokotama pamberi pake kuti apiwe mari yesirivha nechimedu chechingwa agokumbirisa achiti, “Dondipaiwo rimwe basa rouprista kuti ndingowana zvokudya.”’”
And it shall come to pass, that every one that is left in thy house shall come and bow down to him for a piece of silver and a loaf of bread, and shall say, Put me, I pray thee, into one of the priests’ offices, that I may eat a morsel of bread.