< 1 Samueri 16 >

1 Jehovha akati kuna Samueri, “Uchasvika riniko uchichema Sauro, sezvo ini ndakamuramba kuti asava mambo wavaIsraeri? Zadza gonamombe rako namafuta ugopinda munzira yako; ndiri kukutuma kuna Jese wokuBheterehema. Ndasarudza mumwe wavanakomana vake kuti ave mambo.”
上主對撒慕爾說:「我既然廢棄廢棄了撒烏耳,不要他作以色列的君王,你為他要悲傷到幾時呢﹖把你的角盛滿油,我派你到白冷人葉瑟那裏去,因為在他的兒子中,我已為我選定了一位君王」。
2 Asi Samueri akati, “Ndingaenda seiko? Sauro achanzwa nezvazvo akandiuraya.” Jehovha akati, “Tora tsiru uende naro ugondoti, ‘Ndauya kuzobayira kuna Jehovha.’
撒慕爾回答說:「怎能去﹖撒烏耳聽說了,必要殺我」。上主回答說:「你手裏牽一頭小母牛說:我為祭獻上主而來。
3 Ukoke Jese kuti auye kuchibayiro, uye ini ndichakuratidza zvokuita. Unofanira kundizodzera uyo wandichakuratidza.”
你請葉瑟參與祭獻,我要告訴你當作的事,你要為我指要你的人傅油」。
4 Samueri akaita zvakataurwa naJehovha. Akati asvika kuBheterehema, vakuru vomusha vakadedera pavakasangana naye. Vakamubvunza vakati, “Mauya norugare here?”
撒慕爾遂依照上主吩咐他的作了。及至到白冷,城內的長老都戰憟前來迎接他說:「你駕臨這裏平安嗎﹖」
5 Samueri akati, “Hongu, ndauya norugare; ndauya kuzobayira kuna Jehovha. Zvinatsei mugoenda neni kuchibayiro.” Ipapo akanatsa Jese navanakomana vake akavakoka kuti vauye kuchibayiro.
他回答說:「平安,我是為祭獻上主而來的,你們應聖潔自己,來同我一同獻祭」。他聖潔了葉瑟和他的兒子,請他們來參與祭獻。
6 Vakati vasvika, Samueri akaona Eriabhi akafunga kuti, “Zvirokwazvo muzodziwa waJehovha ndiye amire pano pamberi paJehovha.”
他們一來到,他見了厄里雅布,心裏想:這一定是立在上主前的受傅者。
7 Asi Jehovha akati kuna Samueri, “Rega kutarira chiso chake kana mumhu wake, nokuti ndamuramba. Jehovha haatarisi zvinhu zvinoonekwa navanhu. Munhu anotarisa zviri kunze, asi Jehovha anotarisa pamwoyo.”
但上主對撒慕爾說:「你不要注意他的容貌和他高大的身材,我拒絕要他,因為天主的看法人不同:人看外貌,上主卻看人心。
8 Ipapo Jese akadana Abhinadhabhi akaita kuti apfuure napamberi paSamueri. Asi Samueri akati, “Jehovha haana kusarudza uyuwo.”
葉瑟叫阿彼納達布來,領他到撒慕爾面前;但是他說:「這也不是不是上主所揀選的」。
9 Jese akaita kuti Shama apfuure napo, asi Samueri akati, “Nouyu haana kusarudzwa naJehovha.”
葉瑟就叫沙瑪來,他又說:「這也不是不是上主所揀選的」。
10 Jese akaita kuti vanakomana vake vanomwe vapfuure napamberi paSamueri, asi Samueri akati kwaari, “Jehovha haana kusarudza ava.”
葉瑟就叫他的七個兒子都到撒慕爾面前來,旦2對葉瑟說:「上主沒有揀選這些人」。
11 Saka akabvunza Jese akati, “Ava ndivo vose vanakomana vaunavo here?” Jese akapindura akati, “Kuchino mumwe muduku kuna vose, asi ari kufudza makwai.” Samueri akati, “Tuma munhu kwaari; hatingagari pasi kusvikira asvika pano.”
撒慕爾於是問葉瑟說:「孩子們全到了嗎﹖」他回答說:「還有一個最小的,他正在放羊」。撒慕爾葉瑟說:「快派人帶他來,因為他不來,我們決不入席」。
12 Saka akatuma munhu kuti andouya naye. Akanga ari mutsvuku, ane chiso chakaisvonaka nechimiro chakanaka. Ipapo Jehovha akati, “Simuka umuzodze, nokuti ndiyeyu.”
於是派人把他帶來,他是一個有血色,眉清目秀,外貌英的少年。上主說:「起來,給他傅油,就是這一位」。
13 Saka Samueri akatora gonamombe ramafuta akamuzodza pamberi pamadzikoma ake, uye kubva pazuva iroro Mweya waJehovha wakauya pamusoro paDhavhidhi nesimba. Ipapo Samueri akaenda kuRama.
撒慕爾拿起油角來,在他兄弟們中給他傅了油。從那天起,上主的神便降臨於達味。事後,撒慕爾起身回了辣瑪。
14 Zvino Mweya waJehovha wakanga wabva pana Sauro, uye mweya wakaipa wakabva kuna Jehovha ukamutambudza.
上主的神離棄了撒烏耳,便有惡神從上主那裏騷擾他。
15 Varanda vaSauro vakati kwaari, “Tarirai mweya wakaipa unobva kuna Mwari unokutambudzai.
撒烏耳的臣僕對他說:「看,由天主那裏來的惡神來騷擾你。
16 Ishe ngaarayire varanda vake vari pano kuti vatsvake mumwe munhu anogona kuridza mbira. Acharidza kana mweya wakaipa unobva kuna Mwari wauya pamusoro penyu, uye imi muchanzwa zviri nani.”
只要我主吩咐一聲,你跟前的臣僕便會去找一個善於彈琴的人來,當惡神由天主那裏手到你身上時,叫他彈奏,你必感到舒服」。
17 Saka Sauro akati kuvaranda vake, “Tsvakai munhu anogona kuridza zvakanaka muuye naye kwandiri.”
撒烏耳就對他的臣僕說:「好,你們給我找一個彈於彈奏的人,引來見我」。
18 Mumwe wavaranda akapindura akati, “Ndaona mwanakomana waJese wokuBheterehema anoziva kuridza mbira. Murume asingatyi uye murwi. Anogona kutaura zvakanaka uye munhu akaisvonaka. Uye Jehovha anaye.”
有個僕人立刻提議,說:「我見過白冷人葉瑟的一個兒子會彈奏,這人又驍勇善戰,擅於辭令,身材英俊,上主又與他同在」。
19 Ipapo Sauro akatuma nhume kuna Jese akati, “Nditumirewo mwanakomana wako Dhavhidhi, uyo ari kumakwai.”
撒烏耳遂派使者到葉瑟那裏說:「將你『那放羊』的兒子達味送到這裏來! 」葉瑟便了十個餅,一皮囊酒,一隻小山羊,叫他的兒子達味送給撒烏耳。
20 Saka Jese akatora mbongoro akaitakudza chingwa, guchu rewaini nembudzana akazvitumira kuna Sauro naDhavhidhi mwanakomana wake.
達味於是來到撒烏耳前,侍立在他左右;撒烏耳很愛他,叫他作自己的持戟侍衛。
21 Dhavhidhi akasvika kuna Sauro akapinda kundomushandira. Sauro akamuda kwazvo, uye Dhavhidhi akava mumwe wavatakuri venhumbi dzake dzokurwa.
達味於是來到撒烏耳前,侍立在他左右;撒烏耳很愛他,叫他作自己的持戟侍衛。
22 Ipapo Sauro akatuma shoko kuna Jese, achiti, “Tendera Dhavhidhi kuti andishandire, nokuti ndinofadzwa naye.”
撒烏耳於是派人到葉瑟那裏說:「讓達味侍立在我左右,因為他得了我的歡心」。
23 Mweya waibva kuna Mwari waiti wasvika pamusoro paSauro, Dhavhidhi aibva atora mbira dzake oridza. Ipapo Sauro aibva anzwa kusununguka; onzwa zviri nani uye mweya wakaipa wobva wamusiya.
每當惡神由天主降到撒烏耳身上時,達味就拿起琴來彈奏,撒烏耳就覺得爽快舒服,惡神也就離開了他。

< 1 Samueri 16 >