< 1 Samueri 15 >
1 Samueri akati kuna Sauro, “Ndini ndakatumwa naJehovha kuti ndizokuzodza kuti uve mambo pamusoro pavanhu vake ivo vaIsraeri; saka teerera zvino kushoko rinobva kuna Jehovha.
Samuel said to Saul, “Yahweh sent me to anoint you king over his people Israel. Now listen to the words of Yahweh.
2 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Ndicharanga vaAmareki nokuda kwezvavakaita kuvaIsraeri pavakavadzivirira panzira panguva yavakabuda kubva kuIjipiti.
This is what Yahweh of hosts says, 'I have noted what Amalek did to Israel in opposing them on the way, when they came up from Egypt.
3 Zvino chienda undorwisa vaAmareki uye uparadze zvachose zvinhu zvavo zvose. Usavarega vari vapenyu uuraye varume navakadzi, vana navacheche, mombe namakwai, ngamera nembongoro.’”
Now go and attack Amalek and completely destroy all that they have. Do not spare them, but kill both man and woman, child and infant, ox and sheep, camel and donkey.'”
4 Saka Sauro akadana vanhu akavaverenga paTeraimi, zviuru mazana maviri zvavarwi vetsoka uye varume vaibva kuJudha zviuru gumi.
Saul summoned the people and numbered them at the city of Telaim—two hundred thousand men on foot, and ten thousand men of Judah.
5 Sauro akaenda kuguta ravaAmareki akavavandira ari mumupata.
Then Saul came to the city of Amalek and waited in the valley.
6 Ipapo akati kuvaKeni, “Endai, ibvai kuvaAmareki kuti ndirege kukuparadzai pamwe chete navo; nokuti makaita mwoyo munyoro kuvaIsraeri vose panguva yavakabuda muIjipiti.” Naizvozvo vaKeni vakabva pakati pavaAmareki.
Then Saul said to the Kenites, “Go, depart, come out from among the Amalekites, so I do not destroy you along with them. For you showed kindness to all the people of Israel, when they came from Egypt.” So the Kenites moved away from the Amalekites.
7 Ipapo Sauro akarwisa vaAmareki kubva paHavhira kusvikira kuShuri, kumabvazuva kweIjipiti.
Then Saul attacked the Amalekites, from Havilah as far as Shur, which is east of Egypt.
8 Akabata Agagi mambo wavaAmareki ari mupenyu, uye akaparadza chose vanhu vake vose nomunondo.
Then he took Agag the king of the Amalekites alive; he completely destroyed all the people with the edge of the sword.
9 Asi Sauro nehondo yake vakarega Agagi namakwai akanakisisa nemombe, mhuru dzakakora uye namakwayana, zvakanga zvakanaka zvose. Izvi havana kuda kuzviparadza zvachose, asi zvinhu zvose zvakanga zvichizvidzikana uye zvisina simba ndizvo zvavakaparadza zvachose.
But Saul and the people spared Agag, as well as the best of the sheep, oxen, fattened calves, and the lambs. Everything that was good, they did not destroy. But they completely destroyed anything that was despised and worthless.
10 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri richiti,
Then the word of Yahweh came to Samuel, saying,
11 “Ndinozvidemba kuti ndakagadza Sauro kuti ave mambo, nokuti akatsauka kubva kwandiri uye haana kuita zvandakamurayira.” Samueri akatambudzika, akachema kuna Jehovha usiku hwose.
“It grieves me that I have made Saul king, for he has turned back from following me and has not performed my commandments.” Samuel was angry; he cried out to Yahweh all night.
12 Samueri akamuka mangwanani-ngwanani akaenda kuti andosangana naSauro, asi akaudzwa kuti, “Sauro aenda kuKarimeri. Ikoko azvivakira shongwe yokuzviremekedza, abvako akadzika kuGirigari.”
Samuel got up early to meet Saul in the morning. Samuel was told, “Saul came to Carmel and he set up a monument to himself, then turned and proceeded on down to Gilgal.”
13 Samueri akati asvika kwaari, Sauro akati, “Jehovha ngaakuropafadzei! Ndakaita zvandakarayirwa naJehovha.”
Then Samuel came to Saul, and Saul said to him, “Blessed are you by Yahweh! I have fulfilled the command of Yahweh.”
14 Asi Samueri akati, “Ko, zvino kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu ndokwei? Kukuma kwemombe kwandinonzwa uku chiiko?”
Samuel said, “What then is this bleating of sheep in my ears, and the lowing of the oxen that I hear?”
15 Sauro akapindura akati, “Varwi vakabva nazvo kuvaAmareki; vakasiya makwai akanakisisa nemombe kuti vabayire kuna Jehovha Mwari wenyu, asi zvimwe zvose takazviparadza chose.”
Saul replied, “They have brought them from the Amalekites. For the people spared the best of the sheep and oxen, to sacrifice to Yahweh your God. The rest we have completely destroyed.”
16 Samueri akati kuna Sauro, “Mira! Rega ndikutaurire zvandakaudzwa naJehovha nezuro usiku.” Sauro akati, “Ndiudzei.”
Then Samuel said to Saul, “Wait, and I will tell you what Yahweh has said to me tonight.” Saul said to him, “Speak!”
17 Samueri akati, “Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako kare, ko, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsraeri here? Jehovha akakuzodza kuti uve mambo wavaIsraeri.
Samuel said, “Though you are little in your own sight, were you not made the head of the tribes of Israel? Then Yahweh anointed you king over Israel,
18 Uye akakutuma parwendo, achiti, ‘Enda undoparadza zvachose vanhu vose vakaipa, ivo vaAmareki; uvarwise kusvikira vapera.’
and Yahweh sent you on your way and said, 'Go and completely destroy the sinners, the Amalekites, and fight against them until they are destroyed.'
19 Seiko usina kuteerera Jehovha? Wakamhanyirireiko kune zvakapambwa uchiita zvakaipa pamberi paJehovha?”
Why did you not obey the voice of Yahweh, but instead you seized the booty and did what was evil in the sight of Yahweh?”
20 Sauro akati, “Asi ndakateerera Jehovha. Ndakaenda parwendo rwandakatumwa naJehovha. Ndakaparadza vaAmareki zvachose ndikauya naAgagi mambo wavo.
Then Saul said to Samuel, “I have indeed obeyed the voice of Yahweh, and have gone on the way that Yahweh sent me. I have captured Agag, the king of Amalek, and have completely destroyed the Amalekites.
21 Varwi vakatora makwai nemombe zvakabva pane zvakapambwa, izvo zvakanakisisa zvavakatsaurira Mwari, kuitira kuti vagozvibayira kuna Jehovha Mwari wenyu paGirigari.”
But the people took some of the booty—sheep and oxen, the best of the things devoted to destruction, to sacrifice to Yahweh your God in Gilgal.”
22 Asi Samueri akapindura akati, “Ko, Jehovha angafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro sezvaanofarira kuteererwa kwenzwi raJehovha here? Kuteerera kunokunda chibayiro, uye kuteerera kunokunda mafuta amakondobwe.
Samuel replied, “Has Yahweh as much delight in burnt offerings and sacrifices, as in obeying the voice of Yahweh? Obedience is better than sacrifice, and to listen is better than the fat of rams.
23 Nokuti kumukira kwakafanana nechivi chokuvuka, uye kusindimara kwakafanana nechivi chokunamata zvifananidzo. Nemhaka yokuti wakaramba shoko raJehovha, naiye akuramba kuti usaramba uri mambo.”
For rebellion is like the sin of divination, and stubbornness is like wickedness and iniquity. Because you have rejected the word of Yahweh, he has also rejected you from being king.”
24 Ipapo Sauro akati kuna Samueri, “Ndatadza, ndamukira murayiro waJehovha nezvamakandirayira. Ndakanga ndichitya vanhu nokudaro ndakateerera mashoko avo.
Then Saul said to Samuel, “I have sinned; for I have broken Yahweh's commandment and your words, because I was afraid of the people and obeyed their voice.
25 Zvino ndinokukumbirisai, ndikanganwirei chivi changu mugodzoka neni, kuti ndigononamata Jehovha.”
Now, please pardon my sin, and return with me so that I may worship Yahweh.”
26 Asi Samueri akati kwaari, “Handingadzoki newe. Wakaramba shoko raJehovha, saka Jehovha akuramba kuti uve mambo wavaIsraeri!”
Samuel said to Saul, “I will not go back with you; for you have rejected the word of Yahweh, and Yahweh has rejected you from being king over Israel.”
27 Samueri akati atendeuka kuti abve, Sauro akabata mupendero wenguo yake, ukabvaruka.
As Samuel turned to leave, Saul took hold of the hem of his robe, and it tore.
28 Samueri akati kwaari, “Jehovha abvarura umambo hweIsraeri kubva kwauri nhasi uye ahupa kuno mumwe wavavakidzani vako, kuna iye ari nani panewe.
Samuel said to him, “Yahweh has torn the kingdom of Israel from you today and has given it to a neighbor of yours, one who is better than you.
29 Iye Kubwinya kwaIsraeri haangarevi nhema kana kushandura pfungwa dzake; nokuti haasi munhu, kuti angashandura pfungwa dzake.”
Also, the Strength of Israel will not lie nor change his mind; for he is not a man, that he should change his mind.”
30 Sauro akati, “Ndatadza hangu. Asi ndapota ndikudzei henyu pamberi pavakuru vavanhu vangu napamberi pavaIsraeri; dzokai neni kuitira kuti ndigononamata Jehovha Mwari wenyu.”
Then Saul said, “I have sinned. But please honor me now before the elders of my people and before Israel. Turn again with me, that I may worship Yahweh your God.”
31 Saka Samueri akadzokera naSauro, ipapo Sauro akanamata Jehovha.
So Samuel turned again after Saul, and Saul worshiped Yahweh.
32 Zvino Samueri akati, “Uyai naAgagi mambo wavaAmareki kwandiri.” Agagi akauya kwaari akanyatsofara, achifunga kuti, “Zvirokwazvo kuvava kworufu kwapfuura.”
Then Samuel said, “Bring Agag the king of the Amalekites here to me.” Agag came to him confined with chains and said, “Surely the bitterness of death has past.”
33 Asi Samueri akati, “Munondo wako sezvo wakaita kuti vakadzi vashaye vana, saizvozvo mai vako vachashayiwa mwana pakati pavakadzi.” Zvino Samueri akauraya Agagi pamberi paJehovha paGirigari.
Samuel replied, “As your sword has made women childless, so shall your mother be childless among women.” Then Samuel chopped Agag to pieces before Yahweh at Gilgal.
34 Ipapo Samueri akabva akaenda kuRama, asi Sauro akakwidza akaenda kumba kwake paGibhea raSauro.
Samuel went to Ramah, and Saul went up to his house at Gibeah of Saul.
35 Kusvikira pazuva rakafa Samueri, haana kuzomboenda kundoona Sauro, kunyange Samueri akamuchema hake. Uye Jehovha akazvidemba kuti akanga aita kuti Sauro ave mambo wavaIsraeri.
Samuel did not see Saul until the day of his death, for he mourned for Saul. Yahweh was grieved that he had made Saul king over Israel.