< 1 Samueri 14 >
1 Rimwe zuva Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raitakura zvombo zvake zvokurwa, “Uya tiende kumusasa wavarwi vevaFiristia kudivi rimwe iro.” Asi haana kuudza baba vake.
One day, Jonathan son of Saul said to his young armor bearer, “Come, let us go over to the Philistines' garrison on the other side.” But he did not tell his father.
2 Sauro aigara nechokumucheto kweGibhea pasi pomuti womutamba muMigironi. Aiva navarume vanokarosvika mazana matanhatu,
Saul was staying on the outskirts of Gibeah under the pomegranate tree that is in Migron. About six hundred men were with him,
3 pakati pavo pana Ahiya, akanga akapfeka efodhi. Akanga ari mwanakomana womukoma waIkabhodhi, Ahitubhi, mwanakomana waFinehasi, mwanakomana waEri, muprista waJehovha muShiro. Hapana akaziva kuti Jonatani akanga aenda.
including Ahijah son of Ahitub (Ichabod's brother) son of Phinehas son of Eli, the priest of Yahweh at Shiloh, who wore an ephod. The people did not know that Jonathan was gone.
4 Kumativi ose omupata waida kuyambukwa naJonatani kuti asvike pamusasa wavaFiristia, kwaiva namawere; mamwe ainzi Bhozezi, mamwe achinzi Sene.
On each side of the pass through which Jonathan wanted to go in order to get to the Philistines' garrison, there was a rocky cliff on one side and another rocky cliff on the other side. One rocky cliff was called Bozez and the other rocky cliff was called Seneh.
5 Mamwe mawere aiva nechokumusoro kwakadziva kuMikimashi, mamwe ari zasi kwakadziva kuGebha.
One rocky cliff stood on the north in front of Michmash, and the other on the south in front of Geba.
6 Jonatani akati kujaya raitakura zvombo zvake zvokurwa, “Uya tiyambuke tiende kumusasa wavasina kudzingiswa avo. Zvichida Jehovha achatirwira. Hapana chinodzivisa Jehovha kuti aponese, navakawanda kana navashoma.”
Jonathan said to his young armor bearer, “Come, let us cross over to the garrison of these uncircumcised fellows. It may be that Yahweh will work on our behalf, for nothing can stop Yahweh from saving by many or by few people.”
7 Mutakuri wezvombo akati, “Itai zvose zvamafunga. Endai mberi; ndinemi pamweya napamwoyo.”
His armor bearer replied, “Do everything that is in your heart. Go ahead, see, I am with you, to obey all your commands.”
8 Jonatani akati, “Uya tiyambuke zvino tinange kuvarume ava uye tigorega vatione.
Then Jonathan said, “We will cross over to the men, and we will show ourselves to them.
9 Kana vakati kwatiri, ‘Mirai ipapo kusvikira tauya kwamuri,’ ticharamba tiri patiri ipapo uye hatizokwiri kwavari.
If they say to us, 'Wait there until we come over to you'—then we will stay in our place and will not cross over to them.
10 Asi kana vakati, ‘Uyai kuno kwatiri,’ tichakwidza, nokuti ndicho chichava chiratidzo chedu chokuti Jehovha avaisa mumaoko edu.”
But if they reply, 'Come over to us,' then we will cross over; because Yahweh has given them into our hand. This will be the sign to us.”
11 Saka vose vari vaviri vakazviratidza kuboka ravarwi ravaFiristia. VaFiristia vakati, “Tarirai! VaHebheru vari kukambaira vachibuda mumakomba avanga vakavanda.”
So both of them revealed themselves to the garrison of the Philistines. The Philistines said, “Look, Hebrews are coming out of the holes where they have hidden themselves.”
12 Varume veboka ravarwi vakadanidzira kuna Jonatani nomubati wake nenhumbi dzokurwa vakati, “Kwirai kuno kwatiri tigokudzidzisai chidzidzo.” Saka Jonatani akati kumubati wake wenhumbi dzokurwa nadzo, “Kwira unditevere; Jehovha avaisa mumaoko avaIsraeri.”
Then the men of the garrison called to Jonathan and his armor bearer, and said, “Come up to us, and we will show you something.” Jonathan said to his armor bearer, “Follow after me, because Yahweh has given them into the hand of Israel.”
13 Jonatani akakwira achikambaira namaoko namakumbo ake, mubati wenhumbi dzake dzokurwa ari mumashure make. VaFiristia vakati rakata rakata kuwa pamberi paJonatani, uye mubati wenhumbi dzake dzokurwa akatevera achiuraya mumashure make.
Jonathan climbed up on his hands and feet, and his armor bearer followed behind him. The Philistines were put to death before Jonathan, and his armor bearer put some to death behind him.
14 Pakurwisa kwokutanga, Jonatani nomubati wake wenhumbi dzokurwa nadzo vakauraya varume vanenge makumi maviri panzvimbo inenge hafu yeeka.
That first attack that Jonathan and his armor bearer made, killed about twenty men within an area of half an acre.
15 Ipapo kutya kwakabata varwi vose vakanga vari mumusasa nomuminda, navose vakanga vari mumapoka avarwi navapambi, uye pasi pakadengenyeka. Kwakanga kuri kuvhundutswa kwakanga kwatumwa naMwari.
There was a panic in the camp, in the field, and among the people. Even the garrison and the raiders panicked. The earth quaked, and there was a great panic.
16 Nharirire dzaSauro paGibhea muBhenjamini dzakaona varwi vachinyungudika kumativi ose.
Then Saul's watchmen in Gibeah of Benjamin looked; the crowd of Philistine soldiers was dispersing, and they were going here and there.
17 Ipapo Sauro akati kuvarume vakanga vanaye, “Verengai varwi muone kuti ndivanaani vasipo pakati pedu.” Vakati vadaro vakaona kuti Jonatani nomubati wake wenhumbi dzokurwa vakanga vasipo.
Then Saul said to the people that were with him, “Count and see who is missing from us.” When they had counted, Jonathan and his armor bearer were missing.
18 Sauro akati kuna Ahiya, “Uya neareka yaMwari.” (Panguva iyoyo vaIsraeri ndivo vakanga vanayo.)
Saul said to Ahijah, “Bring the ark of God here,” for at that time it was with the people of Israel.
19 Sauro achiri kutaura nomuprista, mhirizhonga yakanyanyisa mumusasa wavaFiristia. Saka Sauro akati kumuprista, “Dzosa ruoko rwako.”
While Saul was talking to the priest, the commotion in the camp of the Philistines was continuing and increasing. Then Saul said to the priest, “Withdraw your hand.”
20 Ipapo Sauro navanhu vake vose vakaungana vakaenda kundorwa. Vakawana vaFiristia vari mumhirizhonga huru, vachibayana mumwe nomumwe neminondo yavo.
Saul and all the people who were with him rallied and went into battle. Every Philistine's sword was against his fellow countrymen, and there was very great confusion.
21 VaHebheru vaya vakanga vari kuvaFiristia kare uye vakanga vaenda navo kumusasa wavo vakayambuka vakaenda kuvaIsraeri vakanga vana Sauro naJonatani.
Now those Hebrews who previously had been with the Philistines, and who had gone with them into the camp, even they joined with the Israelites that were with Saul and Jonathan.
22 VaIsraeri vaya vose vakanga vavanda munyika yezvikomo yeEfuremu pavakanzwa kuti vaFiristia vakanga votiza, vakateverawo muhondo vakavadzingirira zvikuru.
When all the men of Israel who had hidden themselves in the hills near Ephraim heard that the Philistines were fleeing, even they chased after them in battle.
23 Saka Jehovha akarwira vaIsraeri pazuva iro, uye hondo yakaenderera mberi ikandopfuura Bheti Avheni.
So Yahweh saved Israel that day, and the battle passed beyond Beth Aven.
24 Zvino varume veIsraeri vakaziya pazuva iro, nokuti Sauro akanga asunga vanhu nemhiko achiti, “Ngaatukwe munhu anodya zvokudya kusati kwadoka, ndisati ndazvitsivira vavengi vangu!” Saka hakuna munhu pavarwi akaravira chokudya.
That day the men of Israel were distressed because Saul had put the people under an oath and said, “Cursed be the man that eats any food until evening and I am avenged on my enemies.” So none of the troops tasted food.
25 Hondo yose yakapinda musango, uye imomo maiva nouchi hwapasi.
Then all the people entered the forest and there was honey upon the ground.
26 Vakati vapinda musango, vakaona uchi huchiyerera, asi hakuna akaisa ruoko rwake kumuromo wake, nokuti vakanga vachitya mhiko.
When the people entered into the forest, the honey flowed, but no one put his hand to his mouth for the people feared the oath.
27 Asi Jonatani akanga asina kunzwa kuti baba vake vakanga vasunga vanhu nemhiko, saka akatambanudza muromo wetsvimbo yakanga iri muruoko rwake akainyika muzinga rouchi. Akasimudzira ruoko rwake kumuromo wake, meso ake akabengenuka.
But Jonathan had not heard that his father had bound the people with an oath. He reached out the tip of the staff that was in his hand and dipped it in the honeycomb. He raised his hand to his mouth, and his eyes brightened.
28 Ipapo mumwe wavarwi akati kwaari, “Baba vako vasunga varwi nemhiko vachiti, ‘Ngaatukwe munhu upi zvake anodya zvokudya nhasi!’ Ndokusaka vanhu voziya.”
Then one of the people, answered, “Your father strictly charged the people with an oath, by saying, 'Cursed be the man that eats food on this day,' even though the people are weak from hunger.”
29 Jonatani akati, “Baba vangu vanetsa nyika. Tarirai muone kuzaruka kwaita meso angu pandaravira chidimbu chouchi uhu.
Then Jonathan said, “My father has made trouble for the land. See how my eyes have become brightened because I tasted a little of this honey.
30 Zvaiva nani sei dai vanhu vanga vadya nhasi zvimwe zvezvakapambwa zvavakatora kuvavengi vavo. Kuurayiwa kwavaFiristia hakwaizova kukuru here?”
How much better if the people had eaten freely today of the plunder from their enemies that they found? Because now the slaughter has not been great among the Philistines.”
31 Musi iwoyo, shure kwokunge vaIsraeri vauraya vaFiristia kubva paMikimashi kusvika kuAijaroni, vakaneta kwazvo.
They attacked the Philistines that day from Michmash to Aijalon. The people were very weary.
32 Vakamhanyira zvakapambwa, uye vakatora makwai, mombe nemhuru, vakazviuraya pasi ipapo uye vakazvidya, pamwe chete neropa razvo.
The people rushed greedily on the plunder and took sheep, oxen and calves, and killed them on the ground. The people ate them with the blood.
33 Ipapo mumwe akati kuna Sauro, “Tarirai vanhu vari kutadzira Jehovha nokudya nyama ine ropa.” Iye akati, “Maputsa kutenda. Kungurutsirai dombo guru kuno uku izvozvi.”
Then they told Saul, “Look, the people are sinning against Yahweh by eating with the blood.” Saul said, “You have acted unfaithfully. Now, roll a big stone here to me.”
34 Ipapo akati, “Endai pakati pavanhu mugovataurira kuti, ‘Mumwe nomumwe wenyu ngaauye nemombe yake, namakwai uye muzviurayire pano muzvidye. Musatadzira Jehovha muchidya nyama ichine ropa rayo.’” Saka munhu wose akauya nenzombe yake usiku ihwohwo akaiuraya ipapo.
Saul said, “Go out among the people, and tell them, 'Let every man bring his ox and his sheep, kill them here, and eat. Do not sin against Yahweh by eating with the blood.'” So each of the people brought his own ox with him that night and killed it there.
35 Ipapo Sauro akavakira Jehovha aritari; yakanga iri nguva yake yokutanga kuita izvi.
Saul built an altar to Yahweh, which was the first altar that he built to Yahweh.
36 Sauro akati, “Ngatiburukei zasi titevere vaFiristia usiku tindovaparadza kusvikira mambakwedza, uye tirege kusiya kana mumwe wavo ari mupenyu.” Ivo vakapindura vakati, “Itai zvamunoona kuti zvakanakisisa kwamuri.” Asi muprista akati, “Ngatibvunzei Mwari pano.”
Then Saul said, “Let us pursue the Philistines by night and plunder them until morning; let us not leave one of them alive.” They replied, “Do whatever seems good to you.” But the priest said, “Let us approach God here.”
37 Saka Sauro akabvunza Mwari akati, “Ndoburuka nditevere vaFiristia here? Muchavaisa mumaoko avaIsraeri here?” Asi Mwari haana kumupindura musi iwoyo.
Saul asked God, “Should I pursue the Philistines? Will you give them into the hand of Israel?” But God did not answer him that day.
38 Naizvozvo Sauro akati, “Uyai pano, imi mose vatungamiri vehondo, Ngatitsvakei chivi chaitwa nhasi.
Then Saul said, “Come here, all you leaders of the people; learn and see how this sin has happened today.
39 Zvirokwazvo naJehovha, iye akanunura upenyu hwavaIsraeri, kunyange dai ari Jonatani mwanakomana wangu, anofanira kufa.” Asi hapana kana mumwe wavarume akataura shoko.
For, as Yahweh lives, who saves Israel, even if it is in Jonathan my son, he will surely die.” But none of the men among all the people answered him.
40 Ipapo Sauro akati kuvaIsraeri vose, “Imi mirai uko; ini naJonatani mwanakomana wangu tichamira kuno uku.” Vanhu vakapindura vakati, “Itai zvamunoona kuti zvakanakisisa kwamuri.”
Then he said to all Israel, “You must stand on one side, and I and Jonathan my son will be on the other.” The people said to Saul, “Do what seems good to you.”
41 Ipapo Sauro akanyengetera kuna Jehovha, Mwari waIsraeri akati, “Ndipeiwo mhinduro yakarurama.” Ipapo Jonatani naSauro vakabatwa nomujenya, vanhu vakawanikwa vasina mhosva.
Saul said, “Yahweh, God of Israel! If this sin has been committed by me or by my son Jonathan, then, Yahweh, God of Israel, give the Urim. But if this sin has been committed by your people Israel, give the Thummim.” Then Jonathan and Saul were taken by lot, but the army was exonerated.
42 Sauro akati, “Kandai mujenya pakati pangu nomwanakomana wangu Jonatani.” Ipapo Jonatani akabatwa.
Then Saul said, “Cast lots between me and Jonathan my son.” Then Jonathan was taken by lot.
43 Ipapo Sauro akati kuna Jonatani, “Ndiudze zvawaita.” Saka Jonatani akati kwaari, “Ndangoravira uchi ushoma nomuromo wetsvimbo yangu. Zvino ndinofanira kufa here?”
Then Saul said to Jonathan, “Tell me what you have done.” Jonathan told him, “I tasted a little honey with the end of the rod that was in my hand. Here I am; I will die.”
44 Sauro akati, “Mwari ngaandirove, ngaandirove kwazvo, kana iwe Jonatani ukasafa.”
Saul said, “God do so and more also to me, if you do not die, Jonathan.”
45 Asi vanhu vakati kuna Sauro, “Jonatani angafanira kufa, iye akaponesa vaIsraeri nokuponesa kukuru kuya? Kwete! Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, hakuna kana bvudzi romusoro wake richawira pasi, nokuti aita izvi nhasi achibatsirwa naMwari.” Saka vanhu vakanunura Jonatani, uye haana kuurayiwa.
Then the people said to Saul, “Should Jonathan die, who has accomplished this great victory for Israel? Far from it! As Yahweh lives, not one hair of his head will fall to the ground, for he has worked with God today.” So the people rescued Jonathan so that he did not die.
46 Ipapo Sauro akarega kutevera vaFiristia, uye vakadzokera kunyika yavo.
Then Saul stopped pursuing the Philistines, and the Philistines went to their own place.
47 Shure kwokugadzwa kwaSauro ushe pamusoro pavaIsraeri, akarwa navavengi vavo kumativi ose, vaiti: Moabhu, vaAmoni, Edhomu, madzimambo eZobha, navaFiristia. Kwose kwaakatendeukira, akavatambudza.
When Saul began to rule over Israel, he fought against all his enemies on every side. He fought against Moab, the Ammonites, Edom, the kings of Zobah, and the Philistines. Wherever he turned, he inflicted punishment on them.
48 Akarwa noumhare akakunda vaAmereki, akadzikinura vaIsraeri kubva mumaoko avaya vakanga vavapamba.
He acted with great courage and defeated the Amalekites. He rescued Israel out of the hands of those who plundered them.
49 Vanakomana vaSauro vaiva Jonatani, Ishivhi naMarikishua. Zita romwanasikana wake wedangwe rainzi Merabhi, uye romuduku rainzi Mikari.
The sons of Saul were Jonathan, Ishvi, and Malki-Shua. The names of his two daughters were Merab, the firstborn, and Michal, the younger.
50 Zita romukadzi wake rainzi Ahinoami, mwanasikana waAhimaazi. Zita romutungamiri wehondo yaSauro rainzi Abhineri, mwanakomana waNeri, uye Neri akanga ari babamunini vaSauro.
The name of Saul's wife was Ahinoam; she was the daughter of Ahimaaz. The name of the captain of his army was Abner son of Ner, Saul's uncle.
51 Kishi baba vaSauro naNeri baba vaAbhineri vakanga vari vanakomana vaAbhieri.
Kish was Saul's father; and Ner, the father of Abner, was the son of Abiel.
52 Pamazuva ose aSauro pakanga pane hondo huru kwazvo navaFiristia, uye Sauro aiti kana akaona munhu ane simba uye akashinga, aimutora omuita murwi wake.
There was hard fighting against the Philistines all the days of Saul. When Saul saw any mighty man, or any valiant man, he attached him to himself.