< 1 Samueri 13 >
1 Sauro akanga ava namakore makumi matatu paakava mambo, uye akatonga Israeri kwamakore makumi mana namaviri.
Saul İsrail'de iki yıl krallık yaptıktan sonra
2 Sauro akasarudza varume vaIsraeri zviuru zvitatu; zviuru zviviri zvavo zvaiva naye paMikimashi nomunyika yamakomo yeBheteri, uye chiuru chimwe chete chaiva naJonatani paGibhea muBhenjamini. Vamwe vose akavadzosa kumisha yavo.
halktan üç bin kişi seçti. Bunlardan iki binini Mikmas ve Beytel'in dağlık bölgesinde yanına aldı. Binini de Benyamin oymağına ait Giva Kenti'nde Yonatan'ın yanına bıraktı. Halktan geri kalanları evlerine gönderdi.
3 Jonatani akarwisa boka ravarwi vavaFiristia vakanga vari paGebha, vaFiristia vakazvinzwa. Uye Sauro akaridza hwamanda munyika yose akati, “VaHebheru, inzwai!”
Yonatan Giva'daki Filist birliğini yendi. Filistliler bunu duydular. Saul, bütün ülkede boru çaldırarak, “İbraniler bu haberi duysun” dedi.
4 Uye Israeri yose yakanzwa nhau idzi dzokuti, “Sauro arwisa boka ravaFiristia, Israeri yava chinhu chinonyangadza pamberi pavaFiristia.” Zvino vanhu vakadanwa kuti vandobatana pamwe chete naSauro paGirigari.
Böylece İsrailliler'in hepsi Saul'un Filist birliğini yendiğini ve Filistliler'in İsrailliler'den iğrendiğini duydu. Bunun üzerine halk Gilgal'da Saul'un çevresinde toplandı.
5 VaFiristia vakaungana kuti varwise Israeri, vane zviuru zvitatu zvengoro, nezviuru zvitatu zvavachairi vengoro, navarwi vakawanda sejecha remhenderekedzo dzegungwa. Vakaenda vakandodzika misasa paMikimashi, kumabvazuva kweBhetiavheni.
Filistliler İsrailliler'le savaşmak üzere toplandılar. Otuz bin savaş arabası, altı bin atlı asker ve kıyılardaki kum kadar kalabalık bir orduya sahiptiler. Gidip Beytaven'in doğusundaki Mikmas'ta ordugah kurdular.
6 Varume veIsraeri vakati vaona kuti zvinhu zvaipa uye kuti hondo yavo yakanga yamanikidzwa zvikuru, vakavanda mumapako nomumatenhere, pakati pamatombo, nomumakomba nomumigodhi yemvura.
Durumlarının tehlikeli olduğunu ve askerlerinin sıkıştırıldığını gören İsrailliler, mağaralarda, çalılıklarda, kayalıklarda, çukurlarda, sarnıçlarda gizlendiler.
7 Vamwe vaHebheru vakatoyambuka Jorodhani vakaenda kunyika yeGadhi neGireadhi. Sauro akasara paGireadhi uye varwi vose vaaiva navo vakadedera nokutya.
Bazı İbraniler de Şeria Irmağı'ndan Gad ve Gilat bölgesine geçti. Ama Saul daha Gilgal'daydı. Bütün askerler onu titreyerek izliyordu.
8 Akamira kwamazuva manomwe, nguva yakanga yatarwa naSamueri; asi Samueri haana kuuya kuGirigari, uye varwi vaSauro vakatanga kupararira.
Saul, Samuel tarafından belirlenen süreye uyarak, yedi gün bekledi. Ama Samuel Gilgal'a gelmeyince, halk Saul'un yanından dağılmaya başladı.
9 Saka akati, “Ndiunzirei chipiriso chinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.” Ipapo Sauro akapa chipiriso chinopiswa.
Saul, “Yakmalık sunuları ve esenlik sunularını bana getirin” dedi. Sonra yakmalık sunuyu sundu.
10 Achingopedza kupa chipiriso, Samueri akasvika, Sauro akaenda kundomukwazisa.
Saul yakmalık sununun sunulmasını bitirir bitirmez Samuel geldi. Saul selamlamak için onu karşılamaya çıktı.
11 Samueri akati, “Waiteiko?” Sauro akapindura achiti, “Pandaona kuti varume vava kupararira, uye kuti hamuna kusvika nenguva yakataurwa, uye kuti vaFiristia vava kuungana paMikimashi,
Samuel, “Ne yaptın?” diye sordu. Saul, “Halk yanımdan dağılıyordu” diye karşılık verdi, “Sen de belirlenen gün gelmedin. Üstelik Filistliler Mikmas'ta toplandılar. Bunları görünce,
12 ndafunga kuti, ‘Zvino vaFiristia vachauya kuzondirwisa paGirigari, uye handisati ndatsvaka nyasha dzaJehovha.’ Naizvozvo ndazvimanikidza kuti ndipe chipiriso chinopiswa.”
‘Şimdi Filistliler Gilgal'da üzerime yürüyecek; oysa ben RAB'bin yardımını dilememiştim’ diye düşündüm. Bu nedenle, yakmalık sunuyu sunma gerekliliğini duydum.”
13 Samueri akati, “Waita zvoupenzi. Hauna kuchengeta murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako; dai wanga wadaro, Jehovha angadai asimbisa umambo hwako pamusoro peIsraeri kwenguva yose.
Samuel, “Akılsızca davrandın” dedi, “Tanrın RAB'bin sana verdiği buyruğa uymadın; yoksa, RAB İsrail üzerinde senin krallığının sonsuza dek sürmesini sağlayacaktı.
14 Asi iye zvino umambo hwako hahuchagari; Jehovha azvitsvakira munhu anofadza mwoyo wake, akamugadza kuti ave mutungamiri wavanhu vake, nokuti hauna kuchengeta murayiro waJehovha.”
Ama artık krallığın sürmeyecek. RAB kendi gönlüne uygun birini arayıp onu kendi halkına önder olarak atamaya kararlı. Çünkü sen RAB'bin buyruğunu tutmadın.”
15 Uye Samueri akabva paGirigari akakwidza akaenda kuGibhea muBhenjamini, uye Sauro akaverenga varume vaakanga anavo. Vaikarosvika mazana matanhatu.
Bundan sonra Samuel Gilgal'dan ayrılarak Benyaminoğulları'nın Giva Kenti'ne gitti. Saul yanında kalan halkı saydı; yaklaşık altı yüz kişiydi.
16 Sauro nomwanakomana wake Jonatani navarume vaakanga anavo, vaigara muGibhea muBhenjamini, asi vaFiristia vakanga vakadzika misasa paMikimashi.
Saul, oğlu Yonatan ve yanlarındaki halk Benyaminoğulları'nın bölgesindeki Giva'da kalıyorlardı. Filistliler ise Mikmas'ta ordugah kurmuşlardı.
17 Vapambi vakabuda mumisasa yavaFiristia vari mumapoka matatu. Rimwe boka rakananga kuOfira munharaunda yeShuari,
Akıncılar üç koldan Filistliler'in ordugahından çıktılar. Kollardan biri Şual bölgesindeki Ofra'ya,
18 rimwe boka rakananga kuBhetihoroni, uye rechitatu rakananga kumuganhu wakatarisana noMupata weZebhoimi kurutivi rwerenje.
biri Beythoron'a, öbürü ise çöle, Sevoyim Vadisi'ne bakan sınıra doğru ilerledi.
19 Zvino kwakanga kusina mupfuri munyika yeIsraeri nokuti vaFiristia vakanga vati, “Zvichida vaHebheru vangagadzira minondo kana mapfumo!”
Bütün İsrail ülkesinde bir tek demirci yoktu. Filistliler, “İbraniler kılıç, mızrak yapmasın” demişlerdi.
20 Naizvozvo vaIsraeri vose vaidzika kuvaFiristia kuti vandorodzerwa miromo yamagejo, mapiki, matemo namajeko.
Bu nedenle bütün İsrailliler saban demirlerini, kazma, balta ve oraklarını biletmek için Filistliler'e gitmek zorundaydılar.
21 Muripo wokurodzesa miromo yamagejo, namapiki, waiva zvikamu zviviri kubva muzvitatu zveshekeri, uye muripo wokurodzesa forogo namatemo, nezvibayiso zvemombe waiva chikamu chimwe chete kubva muzvitatu cheshekeri.
Saban demiriyle kazmanın bileme fiyatı, şekelin üçte ikisi kadardı. Beller, baltalar, üvendireler için istenilen fiyat ise şekelin üçte biriydi.
22 Saka pazuva rokurwa hapana murwi waSauro naJonatani aiva nomunondo kana pfumo muruoko rwake; Sauro chete nomwanakomana wake Jonatani ndivo vaiva nazvo.
İşte bu yüzden, savaş sırasında Saul ile Yonatan dışında, yanlarındaki hiç kimsenin elinde kılıç, mızrak yoktu.
23 Zvino boka ravarwi ravaFiristia rakanga rabuda richienda kumupata weMikimashi.
O sırada Filistliler'in bir kolu Mikmas Geçidi'ne çıkmıştı.