< 1 Samueri 12 >

1 Samueri akati kuvaIsraeri vose, “Ndakateerera zvose zvamakataura kwandiri ndikagadza mambo pamusoro penyu.
And Samuel said to all Israel, behold, I have hearkened to your voice in all that ye said to me, and have made a king over you.
2 Zvino mava namambo somutungamiri wenyu. Kana ndiri ini, ndakwegura uye ndachena musoro, uye vanakomana vangu vanemi pano. Ndakava mutungamiri wenyu kubvira paudiki hwangu kusvikira zuva ranhasi.
And now, behold, the king walketh before you: and I am old and gray-headed; and behold, my sons [are] with you: and I have walked before you from my childhood to this day.
3 Zvino ndiri pano. Chindipupurirai pamberi paJehovha nomuzodziwa wake. Ndeyani hando yandakatora? Ndeyani mbongoro yandakatora? Ndiani wandakanyengera? Ndianiko wandakambodzvinyirira? Ndakagamuchira fufuro kubva muruoko rwaani kuti ndipofumadze meso angu? Kana ndakaita chimwe chaizvozvi, ndichazvigadzirisa.”
Behold, here I [am]: witness against me before the LORD, and before his anointed; whose ox have I taken? or whose ass have I taken? or whom have I defrauded? whom have I oppressed? or from whose hand have I received [any] bribe to blind my eyes with it? and I will restore it you.
4 Vakapindura vachiti, “Hamuna kutinyengera kana kutidzvinyirira. Hamuna kutora kana chinhu kubva muruoko rwomunhu.”
And they said thou hast not defrauded us, nor oppressed us, neither hast thou taken aught from any man's hand.
5 Samueri akati kwavari, “Jehovha ndiye chapupu chinokupomerai, uye muzodziwa wake ndiye chapupu zuva ranhasi, kuti hamuna kuwana kana chinhu muruoko rwangu.” Vakati, “Ndiye chapupu.”
And he said to them, The LORD [is] witness against you, and his anointed [is] witness this day, that ye have not found aught in my hand. And they answered, [He is] witness.
6 Ipapo Samueri akati kuvanhu, “Jehovha ndiye akasarudza Mozisi naAroni akabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti.
And Samuel said to the people, [It is] the LORD that advanced Moses and Aaron, and that brought your fathers out of the land of Egypt.
7 Naizvozvo zvino chimbomirai nditaure nemi pamberi paJehovha pamusoro pezvose zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha, imi namadzibaba enyu.
Now therefore stand still, that I may reason with you before the LORD of all the righteous acts of the LORD, which he did to you and to your fathers.
8 “Mushure mokunge Jakobho aenda muIjipiti, vakachema kuna Jehovha kuti vabatsirwe, uye Jehovha akatuma Mozisi naAroni, vakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti vakavagarisa munzvimbo ino.
When Jacob had come into Egypt, and your fathers cried to the LORD, then the LORD sent Moses and Aaron, who brought forth your fathers from Egypt, and made them dwell in this place.
9 “Asi vakakanganwa Jehovha Mwari wavo; naizvozvo akavatengesa kuna Sisera, mutungamiri wehondo yaHazori, uye nokumaoko avaFiristia namambo weMoabhu, uyo akavarwisa.
And when they forgot the LORD their God, he sold them into the hand of Sisera, captain of the host of Hazor, and into the hand of the Philistines, and into the hand of the king of Moab, and they fought against them.
10 Vakachema zvikuru kuna Jehovha vachiti, ‘Takatadza; takasiya Jehovha tikashandira vanaBhaari navaAshitoreti. Asi iye zvino tinunurei kubva mumaoko avavengi vedu, tigokushumirai.’
And they cried to the LORD, and said, We have sinned, because we have forsaken the LORD, and have served Baalim and Ashtaroth: but now deliver us from the hand of our enemies, and we will serve thee.
11 Ipapo Jehovha akatuma Jerubhi Bhaari, Bharaki, Jefuta naSamueri, uye akakununurai kubva mumaoko avavengi venyu kumativi ose, mukagara zvakanaka.
And the LORD sent Jerubbaal and Bedan, and Jephthah, and Samuel, and delivered you from the hand of your enemies on every side, and ye dwelt safe.
12 “Asi pamakaona kuti Nahashi mambo wavaAmoni akanga achiuya kuzokurwisai, makati kwandiri, ‘Kwete, tinoda kuti tive namambo anotitonga,’ kunyange zvazvo Jehovha Mwari wenyu akanga ari mambo wenyu.
And when ye saw that Nahash the king of the children of Ammon came against you, ye said to me, No; but a king shall reign over us: when the LORD your God [was] your king.
13 Zvino hoyu mambo wamasarudza, uyo wamakakumbira; tarirai, Jehovha agadza mambo pamusoro penyu.
Now therefore, behold the king whom ye have chosen, [and] whom ye have desired! and behold, the LORD hath set a king over you.
14 Kana mukatya Jehovha uye mukamushandira nokumuteerera uye mukasamukira mirayiro yake, uye kana imi namambo anotonga pamusoro penyu mukatevera Jehovha Mwari wenyu, zvichava zvakanaka!
If ye will fear the LORD, and serve him, and obey his voice, and not rebel against the commandment of the LORD, then shall both ye, and also the king that reigneth over you continue following the LORD your God.
15 Asi kana mukasateerera Jehovha, uye kana mukamukira mirayiro yake, ruoko rwake rucharwa nemi, sokurwa kwarwakaita namadzibaba enyu.
But if ye will not obey the voice of the LORD, but rebel against the commandment of the LORD, then shall the hand of the LORD be against you, as [it was] against your fathers.
16 “Naizvozvo zvino, rambai mumire muone chinhu chikuru ichi chava kuda kuitwa naJehovha pamberi penyu!
Now therefore stand and see this great thing, which the LORD will do before your eyes.
17 Haisi nguva yokukohwa gorosi here ino? Ndichadana kuna Jehovha kuti atume kutinhira nemvura. Uye muchaona kuti chinhu chakashata sei chamakaita pamberi paJehovha pamakakumbira kuti mupiwe mambo.”
[Is it] not wheat-harvest to-day? I will call to the LORD, and he will send thunder and rain; that ye may perceive and see that your wickedness [is] great, which ye have done in the sight of the LORD, in asking you a king.
18 Ipapo Samueri akadana kuna Jehovha uye, nomusi iwoyo, Jehovha akatuma kutinhira nemvura, nokudaro vanhu vose vakamira vakatya Jehovha naSamueri.
So Samuel called to the LORD; and the LORD sent thunder and rain that day: and all the people greatly feared the LORD and Samuel.
19 Vanhu vose vakati kuna Samueri, “Nyengetererai varanda venyu kuna Jehovha Mwari wenyu kuti tirege kufa, nokuti pamusoro pezvimwe zvivi zvedu takawedzera chivi chokukumbira mambo.”
And all the people said to Samuel, Pray for thy servants to the LORD thy God, that we die not: for we have added to all our sins [this] evil, to ask us a king.
20 Samueri akapindura achiti, “Musatya. Makaita zvose zvakaipa izvi; asi musatsauka kubva kuna Jehovha, asi shumirai Jehovha nomwoyo wenyu wose.
And Samuel said to the people, Fear not: ye have done all this wickedness: yet turn not aside from following the LORD, but serve the LORD with all your heart;
21 Musatsaukira kuzvifananidzo zvisina maturo. Hazvina chakanaka chazvingakuitirai, kana kukununurai, nokuti hazvina maturo.
And turn ye not aside: for then [would ye go] after vain [things], which cannot profit nor deliver; for they [are] vain.
22 Nokuda kwezita rake guru Jehovha haazorambi vanhu vake nokuti Jehovha akafadzwa kuti akuitei vake.
For the LORD will not forsake his people for his great name's sake: because it hath pleased the LORD to make you his people.
23 Kana ndiri ini, ngazvive kure neni kuti nditadzire Jehovha nokurega kukunyengetererai. Uye ndichakudzidzisai nzira yakanaka uye yakarurama.
Moreover as for me, Far be it from me that I should sin against the LORD in ceasing to pray for you: but I will teach you the good and the right way:
24 Asi ityai Jehovha, mumushumire iye nokutendeka, nomwoyo wenyu wose; rangarirai zvinhu zvikuru zvaakakuitirai.
Only fear the LORD, and serve him in truth with all your heart: for consider how great [things] he hath done for you.
25 Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa, imi namambo wenyu muchaparadzwa.”
But if ye shall still do wickedly, ye will be consumed, both ye and your king.

< 1 Samueri 12 >