< 1 Samueri 10 >
1 Zvino Samueri akatora chinu chamafuta akadurura pamusoro waSauro akamutsvoda uye akati, “Jehovha haana kukuzodza here kuti uve mutungamiri wenhaka yake?
USamuyeli wasethatha umfuma wamafutha wawathela ekhanda likaSawuli wasemanga, esithi, “Uthixo kakugcobanga ukuba ngumbusi welifa lakhe na?
2 Pauchabva pandiri nhasi, uchasangana navarume vaviri pedyo neguva raRakeri, paZeriza pamuganhu waBhenjamini. Vachati kwauri, ‘Mbongoro dzawakaenda kundotsvaga dzakawanikwa. Zvino baba vako havachafungi nezvadzo asi vava kufunganya pamusoro pako. Vava kungobvunza vachiti, “Ndichaiteiko nezvomwanakomana wangu?”’
Ekusukeni kwakho kimi lamhla, uzahlangana lamadoda amabili eduze kwengcwaba likaRasheli, eliseZeliza esemngceleni wakoBhenjamini. Azakuthi kuwe, ‘Obabhemi obuyebadinga sebetholakele. Khathesi uyihlo kasacabangi ngabo kodwa usekhathazeka ngawe. Uyabuza esithi, “Ngizakwenzanjani ngendodana yami na?”’
3 “Ipapo uchapfuurira mberi kubva ipapo kusvikira wasvika pamuti mukuru weTabhori. Varume vatatu vanenge vachienda kuna Mwari kuBheteri vachasangana newe ipapo. Mumwe achange akatakura mbudzana nhatu, mumwe marofu matatu echingwa, uye mumwe dende rewaini.
Uzahamba-ke usuka lapho uze ufike esihlahleni esikhulu saseThabhori. Amadoda amathathu aya kuNkulunkulu eBhetheli azahlangana lawe khonapho. Enye izathwala amazinyane embuzi amathathu, enye izinkwa ezintathu lenye umgodla wewayini.
4 Vachakukwazisa vagokupa marofu maviri echingwa, auchatambira kubva kwavari.
Azakubingelela akuphe izinkwa ezimbili, ozazamukela kuwo.
5 “Mushure maizvozvo uchaenda kuGibhea, Gomo raMwari, kune boka ravarwi vavaFiristia. Pamunenge mava kusvika kuguta iri, muchasangana nedungwe ravaprofita vachidzika kubva kunzvimbo yakakwirira, mitengeranwa, tambureni, nenyere nembira, zvichiridzwa mberi kwavo, uye vanenge vachiprofita.
Emva kwalokho, uzakuya eGibhiya kaNkulunkulu lapho okulesilindo sebutho lamaFilistiya khona. Lapho usubanga emzini, uzahlangana lodwendwe lwabaphrofethi besehla bevela endaweni ephakemeyo, phambi kwabo kutshaywa imiqangala lamagedla lemifece kanye lemihubhe, njalo bazakuba bephrofetha.
6 Mweya waJehovha uchauya pamusoro pako nesimba uye uchaprofita pamwe chete navo, uye uchashandurwa ugova mumwe munhu.
UMoya kaThixo uzakwehlela phezu kwakho ngamandla, lawe uzaphrofetha labo, njalo uzaguqulwa ube ngomunye umuntu.
7 Kana zviratidzo izvi zvangozadziswa, ita chinhu chipi nechipi chinowanikwa noruoko rwako kuti ruite, nokuti Mwari anewe.
Izibonakaliso lezi zingagcwaliseka, yenza loba yini okubona kufanele ukuba ukwenze, ngoba uNkulunkulu ulawe.
8 “Tungamira mberi kwangu udzike kuGirigari. Zvirokwazvo ndichauya kwauri kuti ndizobayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana, asi unofanira kundimirira kwamazuva manomwe kusvikira ndauya kwauri ndigokuudza zvaunofanira kuita.”
Hamba ungandulele eGiligali. Ngizakuza kuwe impela ngizenikela umhlatshelo weminikelo yokutshiswa leminikelo yobuzalwane. Kodwa kuzamele ulinde insuku eziyisikhombisa ngize ngifike kuwe ngikutshele okumele ukwenze.”
9 Sauro akati achangotendeuka kuti abve pana Samueri, Mwari akashandura mwoyo waSauro, uye zviratidzo zvose izvi zvakazadziswa zuva iroro.
Kwathi uSawuli ephenduka esesuka kuSamuyeli, uNkulunkulu waguqula inhliziyo kaSawuli, njalo zonke izibonakaliso lezi zagcwaliseka mhlalokho.
10 Pavakasvika kuGibhea, akasangana neboka ravaprofita; Mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, uye akabatana navo mukuprofita kwavo.
Bathi befika eGibhiya, udwendwe lwabaphrofethi lwabahlangabeza; uMoya kaNkulunkulu wehlela phezu kwakhe ngamandla, laye wahlanganyela ekuphrofitheni kwabo.
11 Vose vakanga vachimuziva kare vakati vamuona achiprofita pamwe chete navaprofita, vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi chaitika kumwanakomana waKishi? Sauro ava pakati pavaprofitawo here?”
Kwathi labo ababevele bemazi bembona esephrofitha labaphrofethi, babuzana besithi, “Kuyini kanti lokhu osekwenzakale endodaneni kaKhishi? USawuli laye ungomunye wabaphrofethi na?”
12 Mumwe murume aigarako akapindura achiti, “Zvino baba vavo ndiani?” Saka chakava chirevo chokuti, “Sauro ava pakati pavaprofitawo here?”
Umuntu owayehlala lapho waphendula wathi, “Uyise wabo ngubani na?” Ngakho kwaba yisitsho ukuthi: “USawuli laye ungomunye wabaphrofethi na?”
13 Mushure mokunge Sauro apedza kuprofita, akaenda kunzvimbo yakakwirira.
Kwathi uSawuli eseyekele ukuphrofetha, wasesiya endaweni ephakemeyo.
14 Zvino babamunini vaSauro vakamubvunza iye nomuranda wake vachiti, “Makanga muripiko?” Akapindura achiti, “Takanga tichitsvaga mbongoro. Asi patakaona kuti hadzisi kuzowanikwa takaenda kuna Samueri.”
Ngalesosikhathi uyise omncane kaSawuli wambuza kanye lenceku yakhe wathi, “Kanti kade lingaphi?” USawuli waphendula wathi, “Kade sidinga obabhemi. Kodwa kuthe sibona ukuthi kabatholakali, sasesisiya kuSamuyeli.”
15 Babamunini vaSauro vakati, “Ndiudzei kuti Samueri akati kudii kwamuri.”
Uyise omncane kaSawuli wasesithi, “Ngitshela ukuthi uSamuyeli utheni kuwe.”
16 Sauro akapindura achiti, “Akatiudza pachena kuti mbongoro dzakanga dzawanikwa.” Asi haana kuudza babamunini vake nezvoumambo zvakanga zvataurwa naSamueri.
USawuli waphendula wathi, “Uqinise kithi ukuthi obabhemi sebebonakele.” Kodwa kamtshelanga uyise omncane okwakutshiwo nguSamuyeli ngobukhosi.
17 Samueri akadana vanhu veIsraeri kuna Jehovha paMizipa
USamuyeli wabizela abantu bako-Israyeli kuThixo eMizipha
18 akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsraeri: ‘Ndakabudisa Israeri muIjipiti, uye ndakakudzikinurai kubva kusimba reIjipiti noumambo hwose hwaikudzvinyirirai.’
wathi kubo, “Nanku okutshiwo yiThixo, uNkulunkulu ka-Israyeli: ‘Ngakhupha u-Israyeli eGibhithe, njalo ngalikhulula esandleni seGibhithe lakuyo yonke imibuso eyayilincindezela.’
19 Asi iye zvino maramba Mwari wenyu, anokuponesai panjodzi dzenyu nenhamo dzenyu. Uye makati, ‘Kwete, isai mambo pamusoro pedu.’ Saka zvino chiuyai pamberi paJehovha muri mumarudzi enyu nedzimba dzenyu.”
Kodwa khathesi selimalile uNkulunkulu wenu, olihlengayo ezingozini zenu zonke lasezinsizini. Njalo selithe, ‘Hatshi, sibekele inkosi ezasibusa.’ Ngakho-ke khathesi zibonakaliseni phambi kukaThixo ngezizwana zenu langezinsendo zenu.”
20 Samueri paakauyisa marudzi eIsraeri pedyo, rudzi rwaBhenjamini rwakasarudzwa.
Kwathi uSamuyeli esezilethe eduze zonke izizwana zako-Israyeli, isizwana sikaBhenjamini sakhethwa.
21 Ipapo akauyisa mberi rudzi rwaBhenjamini, mhuri nemhuri, uye imba yaMatiri yakasarudzwa. Pakupedzisira, Sauro mwanakomana waKishi akasarudzwa. Asi pavakamutsvaka haana kuwanikwa.
Emva kwalokho waletha isizwana sikaBhenjamini phambili, usendo ngosendo, kwakhethwa usendo lukaMathiri. Ekucineni kwakhethwa uSawuli, indodana kaKhishi. Kodwa kwathi sebemdinga akaze abonakala.
22 Saka vakabvunzazve Jehovha, vachiti, “Murume uyu ati auya pano here?” Zvino Jehovha akati, “Hongu, ahwanda pakati penhumbi.”
Ngakho babuza njalo kuThixo bathi, “Umuntu lo uke wafika lapha na?” UThixo wathi, “Ye, usezifihle phakathi kwezimpahla.”
23 Vakamhanya vakamuburitsa, uye paakamira pakati pavanhu, akanga akareba kupfuura vamwe vose kubva pamafudzi kusvika kumusoro.
Bagijima bayamkhipha, njalo kwathi esemi phakathi kwabantu, wayemude kulabo bonke.
24 Samueri akati kuvanhu vose, “Muri kumuona here munhu asarudzwa naJehovha? Hapana mumwe munhu akaita saye pakati pavanhu vose.” Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti, “Mambo ngaararame nokusingaperi!”
USamuyeli wasesithi ebantwini bonke, “Liyambona yini umuntu osekhethwe nguThixo? Kakho lamunye onjengaye phakathi kwabantu bonke bako-Israyeli.” Abantu baklabalala besithi, “Impilo ende enkosini!”
25 Samueri akatsanangurira vanhu mitemo youmambo uhu. Akainyora pasi mubhuku akariisa pamberi paJehovha. Ipapo Samueri akaudza vanhu kuti vaende mumwe nomumwe kumba kwake.
USamuyeli wachaza ebantwini imithetho yobukhosi. Wayiloba emqulwini wayibeka phambi kukaThixo. Emva kwalokho wabachitha abantu, ngulowo lalowo waya emzini wakhe.
26 Sauro akaendawo kumba kwake kuGibhea, achiperekedzwa navarume voumhare vane mweya yakanga yabatwa naMwari.
USawuli laye waya kibo eGibhiya ephelekezelwa ngabantu abangamaqhawe uNkulunkulu ayethinte inhliziyo zabo.
27 Asi dzimwe nhubu dzakati, “Murume uyu angatiponesa sei?” Vakamuzvidza vakasamuvigira zvipo. Asi Sauro akaramba anyerere.
Kodwa ezinye izidlwangudlwangu zathi, “Umuntu lo angasikhulula kanjani na?” Zameyisa kazaze zamlethela zipho. Kodwa uSawuli wazithulela.