< 1 Petro 5 >

1 Kuvakuru vari pakati penyu, ndinokumbira hangu somukuru pamwe chete nemi, nechapupu chamatambudziko aKristu, uye somumwewo achazogovana navo mukubwinya kuchazoratidzwa ndichiti:
Nenda kwa sili apinda bababile miongoni mwinu, nenga nanibile nampinda nyabe na shaidi mateso ya Kristo na ambaye vile vile ni mshirki katika utukufu unapatikana.
2 Ivai vafudzi veboka raMwari riri pasi penyu, muchibata savatariri, musingazviiti nokuroveredzwa, asi nokuda kwokuti munoda, sezvinodikanwa naMwari kuti muve; musingakariri mari, asi muchishingaira pakushanda;
Kwa njo, nipeya mwoyo mwenga mwaipindo mulikote likundi lya Nn”ungu lyakibile miongoni mwinu, mulilolange, sio kwa sababy muyeubilikwa lakini kwa sababu mupalitenjo, tokana na Nn”ungu mulotange sio kwa penda mbanje ya oni, lakini ka penda.
3 musingaremedzi vaya vakaiswa kwamuri, asi muve muenzaniso kuboka.
Kwane mwipange mwamabwana kunaniya bundu bababile payi ya lola kwinu, lakini mube mfano wa likundi.
4 Uye mufudzi mukuru paachaonekwa, muchapiwa korona yokubwinya isingaori.
Palu mchungaji mpindo paluwa tanganikwa mwapokya mataji go utukufu yaobali uthamani wake.
5 Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”
Namwenga, mwa vijana mwasend, munyenyekeyanga kwa apindo binu. Mwenga mwabori muwale unyenyekevu nopeyana mwenga kwa mwenga, kwani Nn”ungu akumbwa benge yuwa, lakini apeya neema anyenyekevu.
6 Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira.
Kwa njo munyenyekeyange paiya makoga Nn”ungu gagabile hodari ili akakatuye kwa muda wake.
7 Kandai paari kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai.
Mumiki fadhaa yinu panani yake, kwa sababu andakuntanga.
8 Muzvidzore uye musvinure. Muvengi wenyu dhiabhori anofamba-famba achiomba seshumba inotsvaka waingadya.
Mube na busara, mube mwamuaminika. Yulu adui yinu, ibilisi kati imba ywa kumbwa nduli kaegelya, kampala mundu wa kunuma.
9 Mumudzivise, mumire makasimba mukutenda, nokuti munoziva kuti hama dzenyu munyika yose dziri kutambudzika saizvozvo.
Muyime nchungu yake, mube na makakala katika imani yinu, mutangite panga alongo binu bababile ulimwenguni bapitya mateso kati go.
10 Uye Mwari wenyasha dzose, akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, mushure mokumbotambudzika kwechinguva chiduku, achakuponesai uye achakusimbisai, agokumisai zvakasimba uye agokutsigisai. (aiōnios g166)
Baada ya kuteseka kwa muda nkulu, Nn”ungu wa neema yoti, ywabakemite katika utukufu wa milele nkati ya Kristo, ankamilisha, amwimariisha na kumpeya ngupu. (aiōnios g166)
11 Ngaave nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. (aiōn g165)
Enzi ibe kwake milele na milele. Amina. (aiōn g165)
12 Ndakakunyorerai muchidimbu ndichibatsirwa naSirasi hama yangu yakatendeka, ndichikukurudzirai uye ndichipupura kuti idzi ndidzo nyasha dzaMwari dzechokwadi. Mirai makasimba madziri.
Namthamini silwano kati nn”ongo mwaminifu, na nimwandikile mwenga kaw kifupi pitya kwake. Nipeyanga mwoyo wa nendashudia ponga chanikiandike ni neemo ya kweli kwa Nn”ungu. Muyimange nkati yake.
13 Kereke iri muBhabhironi, yakasanangurwa pamwe chete nemi, inokukwazisai, uye mwanakomana wangu Mako anokukwazisaiwo.
Mwabili mwamubile Babelu baba Sauli kwe na mwenga, banda kunsalimia, na Marko mwanawangu andankusalimia.
14 Kwazisanai nokutsvodana kworudo. Rugare kwamuri mose muri muna Kristu.
Musalimianane kwa kila jumo kwa busu la upendo. Na Amani ibe kwinu mwamubile nkati ya Kristo.

< 1 Petro 5 >